Mbavha mbiri dzakaenda kudare redzimhosva mushure mekunge dzaba muchitoro.
Mutongi: Iwe wekutanga taura tinzwe wakabei?
Mbavha 1: Ndakaba gaba rehove.
Mutongi: Maiva nehove ngani?
Mbavha 1: Shanu.
Mutongi: Mazuvano tavakupa mutongo maererano nezviri mukati saka ndinokutongera makore mashanu mujere.
Mbavha 1: Kikikiki (ichipfipfinyika)
Mutongi: Ko uri kusekei?
Mbavha: Aahh! Ndiri kutoseka hangu shamwari yangu yakaba gaba rebhinzi! (nyemba)
Archives
All posts for the month September, 2017
Mai: Enda unotora huni panze
Mwana: Panze pane rima. Ndinotya
Mai: Enda, Jesu aripo panze ipapo.
(Mwana akabva adongorera pahwindo)
Mwana: Jesu kana muripo nditambidzeiwo huni!
Dhavhiti anoudza Goriati kuti ‘Ndinouya kwauri nezita raTENZI.’ Chinoshamisa ndechekuti ainge akabata rekeni (1 Samueri 17:45). Ndakazvibvunza kuti ‘Nhai iwe Dhavhiti unotaura kuti unoenda kuna Goriati nezita raTENZI ko rekeni unoidi?’
Ndakazoona kuti chero Tenzi ari kudivi rako unotoda rekeni. Unoda chinobatika chokutsigira minamato yako. Hongu ndiMWARI vanokupa basa, asi unoda rekeni. Pamwe rekeni yako mapepa akakwana okutsvagisa basa. MWARI ndivo vanokupa murume kana mudzimai asi unoda rekeni. Pamwe rekeni yako inonzi kugeza nekutsvinda nokuzvidukupisa. Tenzi vanoita kuti upase kuchikoro asi unoda rekeni inonzi kuverenga zvakakwana kuti upase.
Rekeni yako iripi? Rangarira: Goriati haafe nemunamato woga, anofa nedombo rabva parekeni.
Kuno vanodiridzira nzimbe. Ndaona murume anga achidiridza nehosipaipi yakareba chaizvo. Pese panga pachimira mvura kubuda murume anga achitanga kutevedza paipi achitsvaga pabhenda paipi. Ndamubvunza kuti ‘Sei uchimhanyira kuti ipaipi yabhenda? Ko sei usina kufunga kuti mvura yapera kwainobva?’ Murume uyu andiudza kuti, ‘Mvura yokuno haiperi uye kubva ndiberekwa haina kumbopera.’
Murume uyu anoziva kuti muna Save mvura haiperi uye kuti chingatotadzisa kuti mvura isabuda kubhenda kwepaipi chete. Zvinobva kuna Tenzi hazviperi. Rugare rwaTenzi haruperi. Mari inobva kunaMwari haiperi. Mufaro unobva kunaTenzi hauperi. Pfuma inobva kunaMwari haiperi. Kana paine charegera kuuya muupenyu hwako haisi nyaya yokuti kuna Mwari hakuchina. Ukaona washaya zvaunoshuvira tevedza paipi ugadzirise pakabenda.
Tevedza paipi utarise pavhara. Tevedza paipi youpenyu hwako utsvage pabenda mufaro utange kuuya. Usamhanyira kutuka Mwari. Usamanyira kusvora kereke. Usamhanyira kusvora vafundisi vekereke yako. Tevedza paipi youpenyu hwako utsvage pagonya.
Wadiwa Shamwari, nyakukweretesa,
Shamwari ndirikuzviziva kuti ndakakwereta kamari kako, asi tsika yokuti pawandionera ndiri pamhepo paWatsapu wonditi ‘Ko madhiri?’ haiite shaa. Kukuudza chokwadi ndakatoshaya pekuku dzivisa (blocker) napo.
Kana ukandiona kuchitoro chenyama ndichitenga nyama usabvunze mari yako nekuti pawakandipa hatina kuwirirana kuti handichadya nyama kusvikira ndakupa mari yako. KWETE. Handichinje madyiro nokuti ndine mari yako.
Tsika yako yokuti ukaona madhamu vangu vachibva tonazi vakabata pitsa wotanga kubvunza kuti baba varikufungei nemari yangu chibva waisiya hako. Ko kana mukadzi wangu atengerwa pitsa neshamwari yake zvinei newe izvozvo.
Imwe nyaya yandisiri kukupira mari yako ndeyokuti handisisina kumwe kwekukwereta nokuti vanhu vose wakavaudza kuti ndine mari yako saka hapana achada kundipa mari vachitya kuvharwa sezvandiri kukuita izvi. Rangarira, mari yawakandipa ndaida kurapisa murwere manje akabva afa saka tongoti wakatipawo chema sezvo usina kuzobvisa panhamo.
Ndini mukwereti
Chino vakapinda musupamaketi vakagumha sherefu nemisiteki zvimwe zvinhu ndokubva zvadonha. Chino vakanhonga zvinhu zviya vachidzosera pasherefu ndokubva vasiya furawa iri pasi. Mumwe akabvunza, Ko mudhara iwe unopenga here? Wasiyirei furawa iri pasi? Chino akapindura achiti, ‘Kana uri bofu zviri nani uvhare gaba rako (muromo). Hauoni here kuti yakanzi, ‘Self-raising’ nechirungu kureva kuti inozvisimudza yega.
Mwana: Amai ndiigireiwo mvura.
Mai: Iwe simuka apo unotora wega ndinokurova
Mwana: Pamunouya kuzondirova ibvai mauya nemvura.
Fembera fembera
Baba vanoita majokosi nemwana, vasvika kumba ‘Fembera fembera kuti ndakuigirei mwanangu?’
Mwana anoti, ‘Zviwitsi.’
Dhedhi voti, ‘Nzvee ndakuigira mabhuku.’
Mwana anotiwo kuna baba vake ‘Dhedhi fembera fembera kuti pasi pemubhedha panei?’ Dhedhi, ‘Bhutsu.’
Mwana, ‘Nzvee, panasabhuku.’
Mudzidzisi: Nhasi hapana ari kuenda kumba asina kupindura mubvunzo. Tinoswera muno tese kana musina kupindura. Ari kutanga kupindura akagona ndiye achaenda kumba.
(Mudzidzisi vakabvunza mibvunzo yakaoma hapana kana mumwe akapindura. Kwapera maawa maviriTindo akatora bhegi rake akakanda nepahwindo.)
Mudzidzisi: Ndiyani akanda bhegi nepahwindo.
Tindo: Ndini! Bhaibhai vakomana tobatana Muvhuro. Wangu mubvunzo ndapindura!
Ndakanoona shamwari yangu chaiyo kuchipatara. Sezvo aisanzwa bhoo, ndakasvikoona akaiswa paokisijeni (mweya wakanaka wokufema). Hei! Hana yangu yakatanga kurova, ubika manhanga. Ndakanomira padivi pemubhedha. Shamwari yangu yakabva yatora kapepa nebhiro zvaainge apiwa kuti agonyorera zvaanenge achida sezvo akanga asisagone kutaura. Akanyora ndokundipa. Asi ini wacho njere dzainge dzotorasika saka ndakangoisa kapepa kaya muhomwe ndichiti hapana zvisvinu ndozonoverengera kumba. Tichiripo, shamwari yangu yakabva yafa. Tapedza kumuradzika, sekuru vemufi vakazonditi ‘Ko kapepa kaya kainge kakanzi chii?’ Ndakakaburitsa semunhu aisaziva kuti kanei ndokukaverenga pamwechete. Kainge kananzi, ‘Watsika pombi inondipa okisijeni shaa.’ Uri iwe waiita sei parufu apa?
Dzidziso: Pindura paine nguva.
