Mozisi anorova gungwa dzvuku netsvimbo kuti ayambukire mhiri nevana veIveIziraeri! Eriya anorova Jorodhani nehembe yake kuti ayambukire mhiri. Erisha akaitawo zvimwe chetezvo. Asi Jesu akamusoro pemvura yacho.
Mozisi naEriya vakapfura napakati pemvura, pakati pemamiriro ezvinhu, pakati pedambudziko. Asi Jesu akafamba pamusoro pemvura, pamusoro pemamiriro ezvinhu, pamusoro pedambudziko.
Kana ukava naJesu uchava pamusoro pemamiriro ezvinhu. Kana uina Jesu unofamba pamusoro pematambudziko ako.
Mwari haana kubvisa mvura pamberi pevana veIziraeri kana pamberi paErisha naEriya. Asi akavapfuudza nepakati payo. Jesu zvekare haana kutambisa simba rake achinamatira kuti mvura ibviswe paaida kufambira nokuti aiziva kuti anesimba rekufamba pamusoro payo.
Newewo nhasi ziva izvi: dzimwe nguva usanamatire kuti matambudziko abviswe pamberi pako. Rega vanokufuridzira mamhepo vaite, vanokuvenga vaite , nevane godo vaite uchiziva kuti uchafamba pamusoro pazvose nokuda kwaJesu
Hazvinei kuti gungwa rakadzika zvakaita sei. Jesu akafamba pamusoro pemvura yakadzika. Newewo uchafamba pamusoro pematambudziko zvisinei nokuti akakura sei.