© Musakope mharidzo iyi musina kupiwa mvumo.
Kutekeshera kwemidzio yokufambiswa kwamashoko kunoita kuti ruzhinji rwavanhu rukwanise kugoverana mashoko chiriporipo uye kunoita kuti mashoko apararire kunzvimbo dziri kure. Nhasi dzinogoverwa dzinogona kuva dzakaipa uye dzinogona kuva dzananaka.
Vatenderi vokutanga vaiedzanisa pfungwa dzemunhu neguyo. Zviri kune uyo anokuya kuti chichakuyiwa neguyo chii – upfu hwakanaka kana kuti marara? Pfungwa dzedu dzakafanana neguyo uye dzinogara dzichikuya, asi zviri kwatiri kusarudza zvinokuyiwa paguyo repfungwa dzedu.
Nhasi zura iri rokufambiswa kwamashoko rinobata vapepeti venhau vakadzidzira basa ravo nesu tose nokuti tinofambisawo mashoko. Tose takafanana nemakuyo, tinokuya mashoko anozogamuchidzwa kuvanhu. Tinofanira kukuya mashoko nenzira yokuti anovaka, anokurudzira chokwadi, kwete nenzira yokuti anokurudzira rusarura.
Isu savafambisi vemashoko tinofanira kuputsa tsika iriko mazuva ano yokutyisidzira vanhu nokungoburitsa chete nhau dzakaipa (hondo, matororo, zvinyadzo nekukoniwa kwakasiyana-siyana). Hatisi kuti musataure chokwadi bodo. Hatisi kuti musadura zvakaipa zvamunoona bodo. Tiri kuti musashandisa mashoko kukurudzira zvakaipa nokutyisa vanhu. Vamwe vanoti nhau dzakanaka hadzitengeseke. Chinotengeseke inhau dzematambudziko nedzezvinhu zvinotyisa.
Tinofanira kukurudzira kufambiswa kwamashoko kusingarumbidzi chivi asi kunotsvaga nokuratidza vanhu mhinduro.
Kazhinji zvinhu zvinoenderana namaonero, namagirazi atinenge takapfeka. Isu ngatipfekei magirazi anoita kuti tione chakanaka tichifambise.
Mariko anotanga Dama rake achiti ‘uku ndiko kutanga kwenhau dzakanaka dzaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.’ (Mk 1:1). Nhau idzi dzakanaka kwete nokuti hapana matambudziko asi nokuti matambudziko aya anoonekwa neziso rechakanaka. Shoko raMwari ishoko rinoti ‘musatya’ (Is 43:5). Ishoko rinoti ‘Ndinemi’. Ishoko rechitarisiro, chitarisiro chisingarasise (Rom 5:5)….
