Chidhakwa chakanga chararadza chakapinda mubhawa ndokutanga kutaurirana nemupfana aitengesa imomo:
Chidhakwa: Huku imarii mfana?
Mutengesi: Tinoisa pachikero toona kuti imarii.
Chidhakwa: Ndiisire chikene yakazara (full chicken).
Mutengesi akanotarisa mufiriji ndokuona kuti masara huku imwechete yakazara. Akainhonga ndokuiisa pachikero.
Mutengesi: Yaita $6 mdhara.
Chidhakwa: Yaita diki, tsvaga zihombe pane dzese.
Mutengesi akadzorera huku iya ndokunyepera kunge avekutora imwe hombe sezvo aida kutenga ainge akararadza. Akadzoka nehuku imwecheteyo ndokuiisa pachikero:
Mutengesi: Zvaita mdhara huku iyi yaita $7,50.
Chidhakwa: Huku dzako idiki mfana. Zvisinei, chindipa dzose dziri mbiri
Kkkkkkkk chokwadi chinosunungura!!!
