Nerimwe zuva shiri yakasvika pakubvunza nyuchi kuti, ‘Nhai shamwari zuva nezuva ndinokuona uri pamaruva uchitora muto wekunogadzira uchi, asi vanhu vanongokutorera uchi hwako. Ko hazvikurwadze here?’
Nyuchi ndokupindura ichiti, ‘Vanhu chavanogona kutora uchi chete, asi havakwanise kunditorera chipo chekugadzira uchi hwacho.’
Nyange vanhu vakatorera nyuchi uchi hwayo haife yakaregera kugadzira humwe, uye haiwore moyo. Gara uchiita zvakanaka nguva dzose. Usateerera vanoda kuodza moyo. Pose pane chakanaka chakaipa hachishaikwe. Usaore moyo nyange ukakundikana. Ukaramba uchiita zvakanaka mubairo wako uchave mukuru kudenga.
