Wasvika pane nzvimbo ine imbwa iri kuhukura stereki munhu waunovimba naye oti rega hako kutya, imbwa yacho haina mazino. Kutya kose kuri mauri kunobva kwabuda, kwete nekuti imbwa yabatwa kuti isakurume asi nokuti wapiwa mashoko anokusunungura. Chero imbwa yacho ikazoda kukuruma hapana chaunonzwa nokuti mukanwa hamuna kana zino rimwe. Mashoko ekuti imbwa haina mazino akakwana kukusunungura kubva mukutya.
Vanhu vazhinji vanorarama mukutya nokuda kwekuti havana mashoko pamusoro pezvinhu zvavanotya. Vanhu varikutya zvinhu zvakawanda muupenyu nokuti havana ruzivo pamusoro pezvinhu izvozvo.
Jesu anoti ‘Muchaziva chokwadi uye chokwadi chichakusunungurai’ (Jowani 8:32). Chimwe chezvinhu chaunosunungurwa kubva pachichiri nechokwadi (shoko raMwari) kutya. Shoko raMwari rakafanana nekii inokuvhurira gonhi kuti ubude mukutya.
Mumwe arikutya mbiya dzaakaona pamharadzano nechijira chitvuku. Inyaya yekuti haasati averenga Izaya 54:17 inoti, ‘Hapana chombo chawakagadzirirwa chichakukunda.’ Mumwe anotya vaanoti varoyi vanofamba manheru chikonzero ndechekuti haasati averenga Nziyo 91:5 inoti ‘Hauchazotyi zvinotyisa usiku.’ Mumwe arikutya vaanotimasatanists nokuti haasati averenga 1 Jowani 4:4 inoti ‘Mukuru ndeari mauri pane ari munyika.’ Mumwe arikutya kuti zvaakanzi ane chirwere zvakureva kuti ave kufa, asi Nziyo 103:3 inoti ‘Tenzi anorapa matenda ose.’ Chero chete usina ruzivo pamusoro pechinhu chauri kutya, ucharamba uchitya kusvika waziva chokwadi. Jowani 8:32 inoti, ‘Ipapo muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.’
