Kuno vanodiridzira nzimbe. Ndaona murume anga achidiridza nehosipaipi yakareba chaizvo. Pese panga pachimira mvura kubuda murume anga achitanga kutevedza paipi achitsvaga pabhenda paipi. Ndamubvunza kuti ‘Sei uchimhanyira kuti ipaipi yabhenda? Ko sei usina kufunga kuti mvura yapera kwainobva?’ Murume uyu andiudza kuti, ‘Mvura yokuno haiperi uye kubva ndiberekwa haina kumbopera.’
Murume uyu anoziva kuti muna Save mvura haiperi uye kuti chingatotadzisa kuti mvura isabuda kubhenda kwepaipi chete. Zvinobva kuna Tenzi hazviperi. Rugare rwaTenzi haruperi. Mari inobva kunaMwari haiperi. Mufaro unobva kunaTenzi hauperi. Pfuma inobva kunaMwari haiperi. Kana paine charegera kuuya muupenyu hwako haisi nyaya yokuti kuna Mwari hakuchina. Ukaona washaya zvaunoshuvira tevedza paipi ugadzirise pakabenda.
Tevedza paipi utarise pavhara. Tevedza paipi youpenyu hwako utsvage pabenda mufaro utange kuuya. Usamhanyira kutuka Mwari. Usamanyira kusvora kereke. Usamhanyira kusvora vafundisi vekereke yako. Tevedza paipi youpenyu hwako utsvage pagonya.
