Ndiwe hako, uri bhachura. Kupera kwevhiki. Uri padheni uchibika bika. Waisa poto ine maonyeni, mafuta, matomati neroiko pachoto. Yanyatsoibva. Unobva wanzwa ‘Gogogoi!’ padhoo, wonoona kuti ndiani. Apa wasiya poto yakavhurika. Sezvineiwo madzvinyu maviri anobvawo kwaanobva achirwa odonhera mupoto iri pamoto iwe uchiri kuvhurira muyeni kudhoo. Paunovhura dhoo unobva waona bhebhi rako momhoresana nokupanana mawiramombe. Mapinda mumba unoti, ‘Bhebhi chipedzisa kubika’ uchigara pasi. Chimoko pachinonoti ba mupoto chinoona muine madzvinyu akatotsvukirira zvawo ari mumatomati. Unopuruvha sei kubhebhi pakadai kuti haudye madzvinyu?
