NGATIBIKEI CAKE RINONZI MUKRISTU
- Tora dish reMOYO MUREFU
- Makapu 5 emvura yeRUDO
- Chipunu chimwe chesauti yeKUSATAURA-TAURA, wopepeta makuhwa
- Zvipunu 5 zveshuga yeKUWADZANA NAVAMWE
- Makapu 5 efurawa yemufaro
Chikanya zvose pamwe chete uchimwaya-mwaya KUZVIBATA KWAKAWANDA, kuti zvirege kukachidza, chibva waisa muovheni yeMOYO. Ukaona zvotutuma tora chipunu cheRUDO wobvisa furo reHASHA! Mirira kuibva kweKEKE rako uchiTSANYA NEKUNYENGETERA!
