Chino vakapinda musupamaketi vakagumha sherefu nemisiteki zvimwe zvinhu ndokubva zvadonha. Chino vakanhonga zvinhu zviya vachidzosera pasherefu ndokubva vasiya furawa iri pasi. Mumwe akabvunza, Ko mudhara iwe unopenga here? Wasiyirei furawa iri pasi? Chino akapindura achiti, ‘Kana uri bofu zviri nani uvhare gaba rako (muromo). Hauoni here kuti yakanzi, ‘Self-raising’ nechirungu kureva kuti inozvisimudza yega.
