© Musakope maridzo iyi musina mvumo
Pita anoti ndingaregerere kangani. Jesu anomuudza rungano rwanyakuregererwa zvizhinji akatadza kuregereta tushoma. Mubvunzo wapiti unoratidza kurwadziwa kukuru nokushaya zano rokuti oenderera mberi sei. Mhinduro yaJesu inodzidzisa kuti nyasha dzinokunda zvose uye hadzina mugumo. Ndima iyi nedzidziso yaJesu zvakaoma kugamuchira nokuti isu tose takambopinda mutsoka dzaPita.
Mumwe nemumwe wedu muupenyu akatombosangana nedambudziko rokushungurudzwa. Kana zvaitika zvakaoma kuita saKristo uchiregerera avo vanenge vakuonesa nhamo. Chinotowanzoitika ndechekuti hasha dzedu dzinowanda.
Vazhinji vedu takashungurudza navabereki kana kuti navakuru vedu.
Vamwe takaoneswa nhamo muchichato yatakada zvikatipa hasha dzisingabviri.
Vamew takaoneswa moto navana vatakabereka vaive vazere nokuzvifunga. Hungava hunhubu kana kudhakwa nomutoo wakaipa.
Vamwe tiri kurwadziwa nokugungudzika nokuda kwavanin’ina, vakoma kana hanzvadzi dzedu. Tatosvika pakuita sakeini naAbhero. Changosiyana ndechekuti hapana ati auraya mumwe asi marwadzo acho akakomba.
Vamwe tiri kusangana namarwadzo mumabasa atinoshanda, kushungurudzwa navashandirwi. Pamwe kungosekwa nekunyeiwa navashandi pamwe tichipihwa mazita uye tichishorwa.
Mazwi anoparadza. Mazwi anorwadza. Mazwi anodambura moyo. Takaparadzwa namazwi.
Kristu haasi kuti usabuda pachena kana warwadziswa. Haati kuti tiite sechitsikiro chepagonhi chokuti munhu wose anoita zvaanoda nacho. Maitiro akadaro anorunga muchetura muhana dzedu, muchetura unozotikonzera kuita zvakaipa. Munhu akapfimbika hasha kwenguva ndefu anokonzera uipi pazvinoputika. Tezni haasi kuti zvekare tizvishore, kuzvidemba, kuon=dzwamoyo nekushungurudzika mupfungwa. Maitiro akadaro haatipe upenyu.
Ari kuti regerera nokuti ruregerero runokupa rusununguko. Runoita kuti usarambe wakapfundira mumwoyo mako zvinokushaisa rugare. Ruregerero chipo chaunopa kuna nyakutadzira uchiziva kuti zviri kwaari kugamuchira kana kuregera. Ruregerero kuregedzera misengwa inokushaisa rugare. Kubvuta rugare rwako runenge rwatorwa navanemaitiro akaipa.

Rambai muchiti kuridzira nokuti zvechokwadi zvimwe hatigoni kunzwisisa , I love my catholic faith
LikeLike
Tinotenda. Ropafadzwai.
Sent from Mail for Windows 10
LikeLike