© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Tiri kusangana navarume vaviri mudama Rakanaka. Mumwe mushandi wemumunda mumwe ndimuzvina bhizimusi. Vose vanobatanidzwa nechinhu chimwechete. Vose vanoona zvavanoda, zvavanofarira vagoshuvira kuzviwana. Asi vose havazviwane chiripo-ripo. Vose vanototanga vatengesa zvose zvavainazvo kuitira kuti vagowana zvavanoda zvacho. Zvavanoda zvinovakoshera zvokuti vanoona zvavainazvo nezvakavakomberedza semarara.
Hanzi izvi ndozvakaita umambo hwedenga. Humambo hwedenga hachisi chinhu chatiinacho. Umambo hwedenga chinhu chatinonzwa nezvacho ndodokwairirwa toshuvira kuva nacho. Kana tachiwana tinozadzwa nomufaro mukuru zvokuti tinotengesa zvose, tinosiya zvose kuitira kuti tive nacho.
Izvi ndozvakaita chitenere chedu chechiKristo. muKristo wose anofanira kugadzirira kurasikirwa nezvimwe zvinhu. muKristo wose anofanira kupinda murudo nezvaMwari zvokuti haana basa nokurasikirwa nezvakawanda zvaainazvo uye zvakamukomberedza, zvapasi pano. Rudo rwaMwari runotinyenga zvokuti zvimwe zvose tinobva tazviona samarara.
Ubambo hwaMwari hunoonekwa mumudikanwi wangu zvokuti ndikange ndamuwana ndinosiya zvimwe zvose, nzinorasikirwa nazvo kuitira kuti ndive naiye oga.
Umambo hwamwari hwakafanana nedzidzo yokuti kana ndichinge ndapiwa mukana ndinosiyana nezvimwe zvose ndonangana nechikoro.
Umambo hwaMwari hwakafanana nounhu hwakanaka hwokuti pandinohuziva handichisina basa nezvisina maturo nokuti ndawana zvakandikoshera..
Muchiverengo chokutanga, Soromoni akanamata, akatarisana neupfumi hwakawanda nemikana yakawanda yakanga yakamukomberedza kuti Mwari vamuratidze zvakakosha zvinogara nokusingaperi. Uyu ndiwo munamato wedu nhasi kuti tisaswero tandanisana nezvisina mature.
Muchiverengo chechipiri tiri unziwo mutsamba yavaRoma, zvinozvose zvinofamba zvakanaka kuna avo vanoitira Mwari. Tikatanga kurarama munaMwari, tichiona Mwari munazvose tinowana zvose. Tinenge tiri mumaoko aMwari. Tinogona kutadza kunzwisisa maitiro ake asi tinenge tiri murudo rwake.
