© Musakope mharidzo iyi musina mvumo.
Mudama rakanaka tiri kunzwa nezvababa vaiva navana vavo vaviri. Vakatuma vana vavo kumunda kunoshanda. Mwana wokutanga akatanga aramba asi akashandura pfungwa dzake akazonoita basa raaive atumwa. Wechipiri akabvuma asi akatadza kunoita basa. Jesu anopedza rungano urwu nokubvunza kuti ‘Pavaviri ava ndiani akateerera baba: akabvuma akasaita kana kuti akaramba akazoita?’
Kazhinji tinofanana nemwanakomana wepiri pose patinobvuma asi torega kuita zvatinenge tabvuma. Kangani katakaenda kureururo tikati handichada kutadza pakare asi tikasaita saizvozvo? Vangani vedu vari kukwanisa kuteedzera mhiko dzavakaita papapatisimo?
Mwana wechipiri akabvuma akasaita akafanana namadzitateguru emuchitenderano chakare vakati hongu kuna mwari asi vakasaita, akafananawo navatenderi vari muchechi mazuva ano vanonyepera kubvuma kuda kwaMwari asi vasingakuite. Vanhu vanotyora chibvumirano chavo naMwari.
Kune vamwe vanhu vasingazezi kupa mashoko. Vanokuvimbia zuva, mwedzi nenyenyedzi. Asi haugoni kuvimba navo. Shoko ravo harina chirevo. Vimbiso yacho yaitane kunyunguduka semunyu waiswa mumvura. Zvinorwadza chose kushanda nemunhu akadaro. Tose takatomboshanda nevanhu vakadaro, vanhu vasingazadzise vimbiso yavo.
Kune vamwe vanhu vanononoka kupa mhinduro. Havapi vimbiso zvekumhanya. Asi pavanozopa vimbiso unonyatsovimba navo. Vimbiso yavo inenge cheni yakasungirirwa mugumbo ravo isingabvi. Vanhu vakadai vanonakidza kushanda navo. Vanhu vakadai vanofanana nemwana wokutanga.
Vamwewo pakati pedu vakafanana nemwana wechipiri anomboramba asi ozopenengura hana yake oshandura pfungwa dzake. Mukanyatsocherechedza munoona kuti vamwe vanhu vakazvarirwa mukirike vanotozodarikwa pachitendero nevauyi.
Pavana vataurwa mudama Rakanaka mumwe akavimbisa zvaasina kuzadzisa mumwe akashandura pfungwa dzake achivimbisa zvaakazozadzisa. Vana vose vari vaviri Havana kuita chaizvoizvo zvinotarisirwa asi tinodzidza kubva pavari. Wokutanga anotipa yambiro yokuti hatifaniri kuzviita vaKristo tisingararame savaKristo. Wechipiri anotidzidzisa kuti kana uchinge wambokanganisa hazvina kuipa kushandura pfungwa dzako uchiita chakanaka.
Asi mwana chaiye anotarisirwa ndeuyo anoti hongu achibva aita saizvozvo. Mwana akadai anotodzana naJesu akazvidurura pamuchinjikwa akateerera kusvikira murufu. Tinodzidza murungano urwu kuti vimbiso yaina kukwana pasina zviito mazvi haatsive mabasa.
