© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Nhasi tiri kupemberera kupenyeswa kwaJesu Kristo ari pagomo ari pamberi pavadzidzi vake, Petirosi naJemisi naJowani. Zvinonzi vari pagomo, Jesu anoonekwa akamira naMozisi naEriya. Mozisi anomiririra mutemo wechitenderano chechiJudha, Eriya anomiririra vaporofita. Saka kumira kwaJesu pagomo naMozisi naEriya kureva izvo kana basa chinangwa chake chiri pakuzadzisa mutemo uye ari kufamba nzira inozadziswa uye inotsigirwa navaporofita.Image 2
Ari pagomo kudaro Jesu akapenyeswa, izwi rababa rikanzwikwa richitaura kuti uyu ndiye mwanakomana wangu mudiwa, anondifadza. Zvino ndinoda kuti tiongorore ndima iyoyi takanangana nerwendo rwaJesu Kristo. Jesu Kristo akanga akananga kuJerusarema uko kwaakanga achiziva zvaaizosangana nazvo murufu rwake. Akamboda kugoverana izvi navadzidzi vake paSizariya Firipi, Petirosi ndokuti kwete izvi hazvifanire kuti zviitike kumwana komana waMwari. Tinoziva kuti Jesu Kristo akati ‘Ibva pano nekuti kutaura kwako nekufunga kwako hakukodzere kuti uve pandiri.’ Zvino Jesu Kristo anoenda pagomo akanangana nerwendo rwake rwekuJerusarema kuti anzwe kuti baba vanotii, kuti anzwe kuti rwendo rwake rwekuJerusarema runotsigirwa nababa here ruri muhurongwa hwababa here kana kuti hurongwa hwake ari oga. Saka anonamata ari pagomo.
Jesu ari pakati pekunamata mugomo anosangana nababa vake vanomushandura zvekuti vadzidzi vanomuona achipenya zvipfeko zvake zvibvinya. Baba vanoratidza kufadzwa kwavanoitwa naye votaura kuti ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu anondifadza munzwei zvaanotaura’ nekuti zvaanotaura hazvisi zveurongwa hwake, hwazvisi zvemupfungwa dzake. Zvaanotaura zvinobva kwandiri. Makanzwa achiti iye ini ndiri kuenda kuJerusarema ari kuenda nekuti ini ndinozvitsigira seurongwa hwangu. Saka Jesu Kristo kufadza kwaanoita baba kunobva pakuti anotsvaga kuita kuda kwababa vake. Jesu Kristo kufadza kwaanoita baba kunobva pakuti asati aita chinhu haatsvage njere dzake nemazano ake anotsvaga mazano ababa saka baba vachifadzwa naye.
Mwari vakanga vataura mashoko mamwechetewo kuna Abhurahama sezvatanzwa muchidzidzo chekutanga kuti mwana wake waakanga apiwa naMwari akwegura Mwari vakamuti tora mwana iyeye uende naye pagomo unomupira sechipirwa. Abhurahama akatora mwana kunyange akanga ari mumwechete akaenda naye nekuti zvataurwa nababa. Baba vakafadzwa naAbhurahama nekuti akanga akagadzirira kurasikirwa nechii zvacho nekuti baba vataura izvozvo.
Izvi zvinondirangaridza rungano rwevamwe mambo vakanga vaine vashandi vavo mumuzinda wavo. Mambo ava vakanga vaine matombo avo akakosha saka mumwe musi vakatora dombo ravo rakakosha ndokudana mumwe mushandi wavo ndokumupa dombo riya ndokutora simbi utsvanye dombo iri rifufunyuke tirase. Muranda uya akati aiwa mambo dombo iri rakakosha hatingagone kuti tiri pwanye tirirase nekuti upfumi hwakakosha. Mambo vakafadzwa nemhinduro yakapiwa nemuranda uyu vakatora umwe hupfumi hwavo vakamupa.
Wechipiri akadaidzwa zvakare pamberi pedare rose akanzi pwanya dombo iri akaita zvimwe chetezvo akati kana akapiwa hupfumi. Wechitatu akamiswa pamberi ndokunzi pwanya dombo iri ndokubva atora zisimbi ndokuripwanya-pwanya dombo rakakosha. Vanhu vose vakanga vari pamuzinda vakakatyamadzwa vakamushora vakati ngaakandwe mujeri angagopwanya dombo rakakosha kudai nei. As iye akasimuka akati iye mashoko anotaurwa namambo akakosha kupfuura dombo iri. Mambo kana vachinge vataura zvavanenge vataura zvinokosha kupfuura chimwe chinhu chiri pano pasi saka ndapwanya. Mambo pakuzwa izvi vakashandura pfungwa dzavo, vakafadzwa nemuranda mumwechete uyu ndokutora upfumi hwose hwavakanga vapa vamwe vaya ndokupa muranda uyu akakoshesa mashoko avo. Akaita zvinhu nekuti mambo vakanga vataura. Baba vakafadzwa nemwana nekuti anoita zvinhu nekuti ivo baba vataura saka vachiti ivo uyu ndiye mwanakomana wangu anondifadza wandinodisa.
Zvino kana takatarisa ukama hwedu isu naMwari, Mwari vakatitarisa isu vanokwanisa here kutaura mashoko iwayo pamusoro pemumwe nemumwe wedu? Mashoko okuti uyu ndiye ndiye mwanakomana wangu anondifadza, uyu ndiye mwanasikana wangu anondifadza. Vangagona kutaura mashoko mamwechete iwayo here? Vanotoataura chete kana tiri vanhu vanoita zvinhu nekuti baba vataura. Vanotaura mashoko aya chete pamusoro pedu kana tiri vanhu vanotsvaga kuita kuda kwababa, vasingaite zvinhu nenjere dzavo namaitiro avo asi vanonobvunzira kuna Mwari mumunamato. Isu tine ukama hwakadaro naMwari here hwekuti hatitsvage kuita kuda kwedu tinotsvaga kuita kuda kwaMwari?
Pane mufananidzo wemwana mukomana akapiwa mari musi wesvondo achienda kuchechi iye ndokupatsanura akati madhora mashanu aya ndichatenga maputi mamwe mashanu aya ndichakanda mumupiro. Ari kufamba achienda kuchechi kudaro akavarairwa asvika panzira pakanga paine mvura yaierera mamwe madhora mashanu ndokuwira imomo akaitarisa achidonha zvikanzi ‘maihwe-e mari yemupiro yadonha.’ Mari yemupiro yadonha yemaputi haina kudonha. Hazvisirizvo here zvatinoita muupenyu hwedu patinopesana nekuda kwaMwari patinoti nguva yaMwari yadonha yasara yese ndeyangu yekuenda kumunda, yekuita zvandinoda, yekuzadzisa zvido zvangu. Kana kuda kwangu kuchipesana nekuda kwaMwari handidonhedze kuda kwaMwari here ndichiti kwasara ndokuda kwangu ndakuita ini zvandinoda kuda kwaMwari kwadonha? Kana tichiramba tichidonhedza kuda kwaMwari nenguva yaMwari Mwari havambogona kutaura mashoko ekuti uyu ndiye mwanakomana wangu, uyu ndiye mwanasikana wangu wandinoda anondifadza. Iwe kwauri kutungamidza nhasi uno muupenyu hwuno kuda kwaani – kwako here kana kuti kuda kwaMwari, kuda kwevamwe vanhu here kana kuti kuda kwaMwari? Uri kutungamidza chii muupenyu hwako? Charenji yatinopiwa nhasi uno natenzi wedu Jesu Kristo ndeye kuva vanhu vanotsvaga kuita kuda kwaMwari nguva nenguva murupenyu rwavo.
Kana takatarisa ndima yanhasi zvakare ine charenji yainotipa semhuri uye semhuri yaMwari. Chekutanga ndine mubvunzo ini kuti iwe kana uri mukadzi baba vemumba kana kuti murume waok akakutarisa anokwanisa here kutaura kuti uyu ndiye mudzimai wangu wandinoda anondifadza? Kana uri baba mudzimai wako anokwanisawo kukutarisa here achiti uyu ndiye murume wangu wandinoda anondifadza? Kanauri mwana vabereki vako vanokwanisa kukutarisa here vachitaura mashoko mamwechetewo ekuti uyu ndiye mwana wedu mukomana watinoda anotifadza, uyu ndiye mwana wedu musikana anotida anotifadza? Imi muri vabereki vana venyu vanokwanisa kukutarisai here vachiti ava ndivo vabereki vedu vatinoda vanotifadza?
Ko iye murume wako anozotaura sei kuti uyu ndiye mudzimai wangu wandinoda anondifadza uchigara uchingomupopotera zuva nezuva uchigara uchingomupopotera achinzwa mbiri yako yemakuhwa. Iwe mukadzi wako anozotaura sei kuti uyu ndiye murume wangu wandinoda anondifadza uchipedzera mari yese kukachasu uchiuya wakadhakwa usingabhadharire vana mari yechikoro vana vachirara nenzara iwe uchigocha zuva nezuva. Vabereki vanotaura sei kuti uyu ndiye mwanasikana wedu watinoda anotifadza iwe wanzwa nekubvisa nhumbu, uchirara kunze. Vanotaura sei kuti uyu ndiye mwanakomana wedu watinoda anotifadza iwe uchiswera uchingoputa mbanje uchidhakwa uchingosungwa uchiita zveurombe mumaraiini?
Charenji iripo ndeyekuti muraramiro wedu watinoita mudzimba unofanira kupa vanhu vatinogara navo chikonzero chekudada nesu. Mai tiratidzeiwo murume wenyu aripi, munomubata muchifara baba uyu ndiye murume wangu uyu kwete kuti arimo mukati muvanhu imomu. Baba ndiratidzeiwo mudzimai wenyu zvikanzi aripo pane mamwe madzimai ane mazambia apa. Kudada nevanhu vatinogara navo tichivapa chikonzero chekuti vadade nesu. Isuwo zvakare semhuri yavatenderi tinfanira kuita zvinh zvinoita kuti tidade nemumwe nemumwe. Ini kana ndakakutarisai ndichidada nemiwo savatenderi kuti baba ava ndivo vatenderi vangu vandinoda vanondifadza. Imi makanditarisawo uyu ndiye mupriste wedu watinoda anotifadza. Ngatipananei chikonzero chekuti mumwe nemumwe adade nevanhu vaanogara navo uye vaanoshanda navo.
