© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Pane zvakawanda zvinogona kuva zvakaitika kubva patakasiiwa nehama yedu. Pane zvatinogona kuva takanzwa. Vamwe vedu vakanzwa pfungwa kutenderera sevave kupenga. Vakarota hope dzakashata. Vakazvibvunza mibvunzo yakawanda pamusoro pechitendero chavo. Pane zvakawanda zvinoitika kana munhu aching afirwa. Izvi ndozvandiri kuda kuti tiyeuchidzane nhasi.
Kuvhunduka nekutadza kuzvitendera
Dzimwe nguva rufu runonetsa kugamuchira. Unotadza kutendera kuti zvechokwadi here atondisiya. Unogona kutombozviramba. Pamwe unotoramba uchitarisira kuti achadzoka kunyange uchinyatsoziva kuti akaenda zvachose.
Kusuwa
Upenyu hwako hunogona kungoshama, ugoshaya chitarisiro, ugosurikirwa. Pamwe pacho unogona kutongochema wega wozopedzisira wakuita sedzisina kuti kwesere.
Kuzvipa mhosva
Dzimwe nhambo unotanga kuzvipa mhosva pamusoro pezvawakaita kana kuti zvausina kuita. Dai ndakadai angadai asina kufa. Asi unenge uchinyatsoziva kuti hapana zvawaigona kuita.
Hasha
Kunyange uchinyatsoziva kuti haisi mhosva yemunhu kuti hama yako ife unogona kuita hasha ugofunga zvakawanda. Unoshatirirwa Mwari, unozviitira hasha, unoshatirirwa vamwe vanhu, hama, manesi….
Kutya
Pamwe pacho unobatwa nekutya kukuru. Unozvidya mwoyo ugopererwa. Unotanga kufunga kuti pada neniwo ndavakufa. Unozvibvunza kuti ndichaita sei ndega zvaaenda. Ndichazvigona sei?
Kurwara pamuviri
Zvose izvi zvinoita kuti dzimwe nguva upere simba. Ude kurutsa chaiko. Uonde, urwadziwe musana, musoro nezvimwe.
Tsigiro yavatenderi
Pane zvose izvi tsvaga tsigiro kune vamwe vako vaunobata navo kuchechi nemumapoka madiki. Kugoverana nevamwe kunobatsira. Kunoita kuti mutoro ureruke. Usacheme woga. Ngatichemei pamwechete.
- SemuKristo ziva kuti marwadzo ose nemitoro yose inoturirwa kuna Mwari. Hausi woga. Kristo anewe. Nyange zvorwadza sei usarege kuuya kuchechi, usarege kunamata nyange munamato uchiita seusina zvaunoreva.
- Usanyanyozvidya moyo. Zvichengete zvakanaka. Hama yedu inofara kukuonai muchifara kwete makasuwa. Musavanze kuchema kwenyu nekutambudzika kwenyu asi kunyange zvakadaro zvichengetei zvakanaka.
