© Musakope nhaurwa iyi musina mvumo

Mumwe murume akanyora kabhuku kake kanonzi Rudo Ruri Muzviito. Ichokwadi ‘Rudo chinhu chaunoita.’ Harunei nezvaunonzwa mumuviri mako. Haruonekwi muzvinhu zvinoshamisira. Rudo runoonekwa muzvinhu zvidiki.
Asi vazhinji vandinosangana navo vanozvinetsa nekuda kunzwa rudo. Hanzi nemumwe, ‘Baba ndiri kunetseka nokuti handisisina zvandinonzwa panomumwe wangu.’ Maonero aya handiwo. Havi dzinopera. Nyange usina chauri kunzwa ramba uchiita zviito zvorudo.
Rudo haasi mashoko okuti ndinokuda chete. Rudo runoratidzwa nezviito. Ratidza mumwe wako kuti unomuda. Ratidza nokutyaira motokari kubva kutaundi kana kure kwaunoshandira uchinotora mudikanwi wako kuti uende naye kurestorendi yaanofarira. Ukanzwa mudikanwi wako achiti ndinofarira pitsa muendese ikoko kasingaperi. Izvi ndozvinokuswededzai padyo, zvichibvisa kupesana muukama hwenyu.
Maitiro aya anesimba nokuti anoratidza mudikanwi wako kuti ndinokosheswa. Anomuratidza kuti watora nguva uchifunga kuti chii chinounza mufaro muupenyu hwangu.
Rudo maitiro (muteuro).
Rudo muteuro unoratidzwa nokutsvoda mumwe wako uchiti ‘urare zvakanaka’, kupemberera mamazuva endangariro (anniversary) pamwechete, kupanana zvipfeko zvakaita sezvuma (necklace), kufonerana kana mumwe ari kure, kuunzirana kudya kwamanganani mumwe achiri mumba yokurara, kufamba mose mauro muchitandadzana. Kana uchida mumwe wako unofanira kukoshesa zvinhu zvakadai. Endai mose kunodya kudya kwamasikati kamwechete pasvondo, endai kumitambo mose, pananai chishanu, pananai mawiramombe, sekai pamwechete. Izvi ndozvinosimbisa rudo rwenyu.
Rudo runosimbiswa nokudya pamwechete.
Zviitiko zvakakosha muupenyu hwaJesu neshamwari dzake zvaiitika vari patafura. Pane zvinoitika kana vanhu vakagoverana kudya. Zvakatooma kudya nemuvengi moramba muri vavengi.
Kubatsirana basa
Zvinobatsirawo kuumba ndangariro dzomufaro kubatsirana mabasa. Kana mukashanda mose pamabasa akawanda munosimbisa ukama hwenyu kunyange musingataudzane zvakanyanya. Kana mudikani wako achiita basa kunyange rausingafarire kumbira kumubatsira. Uchashamiswa norudo runoumbwa nokushanda pamwechete. Munonakidzana kana mukashanda pamwechete kakawanda.
Kupana zvipo
Rudo runosimbiswa zvakare nokupanana zvipo. Handirevi zvipo zvinodhura kwete. Chakakosha kuziva kuti mumwe wangu andifunga pane kukura kana kudhura kwechipo.
Rudo udzamu
Rudo harunei nekusimba kwemhasuru, kunaka kwebvunzi kana kutsvukira kweganda. Rudo rwakadzika kupinda izvozvo. Rudo rwakadzama kusvika pamwoyo womunhu, mweya womunhu kuvimbika kwemunhu nokuzvipira kwemunhu. Zvimwe zvose zvinoshanduka saka hatigone kuda munhu tichishandisa zvinhu zvinoshanduka. Rudo chairwo runoti ndichava newe pauchaviga mubereki wako, uchava neni pandichadzingwa kubasa kana kuti pandicharasikirwa nemba. Pose pauchafamba uchasangana neari nani kupinda wauinaye, akangwara kupinda waunaye, anogona zvebonde kupinda wauinaye. Ukatarisa izvozvo rudo rwako harugare nokusingaperi. Pasi rino pane vanhu vanodarika mamirioni manomwe unotowana ari nani. Zviri nani kutsvaga anokuda nomwoyo wake wose, nemweya wake wose noupenyu hwake hwose kwete nokuda kwezvinhu zvinopfuura.
