© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Taungana kuti tizonyaradzana. Asi mukunyaradzana ikoko hatidi kutarisira pasi marwadzo enyu. Hatidi kuti tinyengetdzane kuti zvose zvakaringana, kuita sepasina dambudziko. Hazvina kuringana. Murikurwadziwa. Tose tiri kubaiwa moyo. Marwadzo aya pamwe achagara kwenguva ndefu zvikuru kwamuri. CHinoita kuti tirwadziwe ndechekuti chipo choukama chatakambogamuchidzwa nhasi chinoita sechabvutwa takavarairwa. Tarasikirwa nemudikwanwi wapadyo takarivara.
Asi zvirinei nechiitiko ichi nokuoma kwachakaita ndichakusiirai mashoko enyaradzo ndichitungamirirwa na Johani 14:1-6
Anotipa rugare
Hanzi ‘moyo yenyu ngairege kudzongodzwa, tendai muna Mwari mutende nemandiri.’ Hongu nhasi izuva rokuchema tichipedza shungu. Asi Kunyange mukuchema kwedu tinogona kuva norugare, rugare runobva muchitendero chedu. Chitendero chedu chinotidzidzisa kuti nyange pakati pamasai-sai, nyange mumumvuri worufu Mwari anesu. Nziyo 23 inoti ‘nyange ndikafamba werufu handingatye nekuti Mwari vaneni.’ Mwari vari pano. Ngatimutenderei. Ngtivimbei naye. Achatipa rugare.
Anotigadzirira pokugara
Shoko raMwari riri kuti zvekare. Ndiri kuenda kunokugadzirirai pokugara. Iyi ivimbiso yokuti hatisoita savanhu vasina musha vanongombeya. Ivimbiso inoita kuti tizive kuti —- ane nzvimbo yaakagadzirirwa. KUdenga kuna baba vorudo kune nzvimbo dzedu tose. Aya ndiwo mashoko anofanira kutinyaradza, mashoko okuziva kuti tine kwekuenda.
Jesu ndiye nzira
Tinonyaradzwawo nokuziva kuti Jesu pachake akatiratidza nzira. Anoti ‘ndini nzira, ndini chokwadi, ndini upenyu.’ Tiri vafambi munzira yeupenyu. Asi nokuda kwevimbiso iyi hatingofambi nje. Pane zvakawanda murwendo rwoupenyu zivnoda kuti tsaudza. Asi kana tikafamba naJesu hatina chikonzero chokushungurudzika. Tinofanira kungotevera Jesu oga. Iye anotiratidza nzira. Zvokuti hama yedu yakafamba naJesu zvoga zvinofanira kutinyaradza.
Mumwe mudzimai akarasikirwa nemurume wake akanyora rungano rwake achiti: murume wangu akafuma akafa. Mwoyo wake wakanga usina kuonekwa kuti une dambudziko. Akanga aine makore 40. Ini ndaive nemakore 38. Ndakarohwa nehana. Pakutanga ndakanzwa zvakawanda kusanganisira marwadzo, kutya nokuramba kuti hazvina kuitika. Handina kufirwa.
Pakutanga izvi zvitika ndakashungurudzika zvikuru. Ndaisurikirwa, ndaitya, ndaiita hasha, dzimwe nguva ndaizvipa mhosva. Kundisiiya kwakaita murume wangu ndasiirwa basa rakawanda rekuchengeta imba, motokari, mari nevana nekambani. Pamuchato ndakanga ndati ‘dakara tiparadzaniswe nerufu.’ Asi rufu urwu rwakauya ndisina kugadzirira. Ndakaona sendasiiwa pachena. Ndaishuvira kuti avepo andibatsire asi nechemukati ndaiziva kuti haachadzoka. Zvakaoma.
Masvondo mashoma murume wangu afa shamwari yangu yakanditaurira mashoko andisingakanganwe akashandura maonero angu. Akati Chipo unofanira kuziva kuti chero zvodii murume wako akakusiya. Hapana zvaunogona kuita nezvazvo. Upenyu hwako hwose chokwadi ichi chicharamba chiripo. Hausungirwe kuzvikanganwa izvozvo.
Ndakaziva kuti ndinofanira kuva zvandiri. Handifanire kunyepera kuva zvandisiri. Ndave shirikadzi izvozvo hazvishanduke. Kana ndichifara ndinofara. Kana ndichichema ndinochema …
