© Musakope nhaurwa iyi musina mvumo
Shoko raMwari rinoti: ‘Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.’
Mwari akasika Adhamu akasika mubatsiri kuti pasava nokusurikirwa. Michato yedu iri kuita kuti pasava nokusurikirwa here? Vazhinji vedu tinopindura tichiti michato iyi iri kutiunzira kurwadziwa nokusurikirwa. Tangova nedzimba dzisiri misha. Musha haunei nekunaka kwemidhuri kana kukura kwenzvimbo. Musha hausi imba, musha unoumbwa norudo.
Pane rwiyo rwunoti,
Cheya icheya chero pasina akaigarira
Asi cheya haisi imba,
Imba hausi musha kana pasina aripo kuti akumbundire,
akutsvode achiti ‘Rara zvakanaka.’
Kamuri ikamuri chero yakatibikirwa nerima
Asi kamuri haisi imba,
Imba hausi musha kana pahuviri hwedu tisingataudzane,
mumwe achirwadzirwa pamwoyo.
Pano neapo ndinodaidza zita rako ndoona chiso chako
asi zvose zvinenge dambe.
Zvinopera mumwe achichema
Mudiwa iva nemwoyo.
Usabvumidza mhosva diki kuti itipesanise.
Handina kuuya pano kuzogara ndoga.
Shandura imba ino ive musha.
Pandinovhura gonhi remba yokurara
ita kuti ndisangane nemunhu ane rudo neni.
Urwu rwiyo rwomudzimai anoda musha kwete imba chete. Mudzimai anoshuvira rudo rwemandorokwati. Mangani madzimai agere mumisha? Vangani vanababa vagere mumisha? Vana vangani vanobva mumisha? Vangani vakweguri, vazukuru, vakarambana vari mumisha kwete mudzimba?
Shoko raMwari riri kuti izwi rokuti ‘Mudiwa’ rinoreva munhu anounza mufaro nokuzadziswa. Mudzimai anofanira kuunza mufaro nounaku kumurume wake. Murume anofanira kuunza mufaro nounaku kumudzimai wake. Hanzi: ‘Nokuda kwechikonzero ichi murume anosiya baba vake namai vake achiva chiname nomudzimai wake uye vaviri ava vanova nyama imwechete’ (Mavambo 2:24).
Zuva romuchato rizere nechitarisiro
Muupenyu hwangu ndaona michato yakawandisa. Ndine vakawanda vandakagadzirira kuti vagochata muchechi. Ibasa rakawandisa rinopinda pakugadzirira michato. Muchato unodya mari yakawandisa. Vazhinji vanosarudza kushandisa tumari twose twavainatwo vachitenga hembe dzinodhura, kuhaya mota dzinodhura, nokuhaya nzvimbo dzinodhura kuitira kuti michato ufambe zvakanaka. Zuva romuchato izuva romufaro nechitarisiro.
Hapana chinhu chinopa mufaro nechitarisiro kupinda kuona vaviri vanoda kuchata vachipinda muchechi vakatevedzana vari muhanzu dzavo. Asi paunovaona vachifamba unobva waziva kuti vavamba rwendo rukurusa. Rwendo rukuru rwavasingazivi zvavachasangana nazvo, asi vanozvipira kupinda murwendo irworwu vari vaviri. Hapana anoziva kuti ramangwana ravo richamira sei pavanochata. Vanenge vachitarisira kuti maruva epazuva ravo romuchato chiringiro chemufaro wavachasangana nawo. Asi rwendo rwomuchato sedzimwe nzendo dzose runemhingidzo dzarwo. Rwune mharadzano. Rune nguva yokunzwa kunge warasika. Rune nguva yokuneta. Rune nguva yokushungurudzika, kunetsana, kukandirana mashoko, kana kurwisana chaiko. Rune umbimbindoga nokusavimbana kunokonzerwa nesarudzo dzemumwe wangu.
Vazhinji makapinda murwendo irworwu rwomuchato. Makavanomufaro wokufambidzana nemumwe wenyu, makasanganawo namatambudziko nemarwadzo ohumbimbindoga hwomumwe wenyu. Vamwe venyu makatosvika pakuti zviri nani tirambane. Vamwewo muchiri kungokamhina muchienda asi zvakaoma. [Muenzaniso wevachangochata]
Sei chiitiko ichi chomuchato chinotanga chizere nemaruva nechitarisiro chichikundikana dzimwe nguva? Sei michato mizhinji iri kukundikana?
Umbimbindoga
Umbimbindoga. Kuzvifunga ndiko kwaparadza michato yedu. Mweya wokuti ‘ini’ kwete ‘isu’ ndiwo waputsa michato yavazhinji. Mumuchato hamugone kuva nechiname chinotaurwa muBhaibheri kana mumwe achitungamidzo zvido zvake iye chete asingakoshese mafungiro emumwe wake. Chirwere chokuti ‘ini’ chinoita kuti kukurukurirana mumuchato kushomeke. Chinoita kuti vaviri vatange kuudzana zvekuita pane kuwirirana zvekuita. Izvi zvinoita kuti vaviri vasakutsirane matambudziko avanosangana nawo. Umbimbindoga hunopofomadza, hunouraya mweya wokutaurirana, hunoita kuti vaviri vakurirwe nasatani.
Muchato kuzvipira
Kubva pasi chigare vanhu vanopinda muwanano. Asi kuuya kwaKristo kwakashandura maonero atinoita wanano. Wanano paChiKristu inotodzana nokuda kunoita Kristu Sangano rake. Kristu akazvipira zvachose pamuchinjikwa. VaEfeso 5 inoti, ‘Hapana rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anopira upenyu hwake kushamwari dzake.’ Munhurume nomunhukadzi vanozvipira sokuzvipira kunoita Kristo kusangano rake. Vanotora sakaramende romuchato. Muchato chibvumirano murudo chinotorwa kwoupenyu hwose, chisingadimburwi nyange mumwe akatyora zviri pachibvumirano. Chibvumirano chakanangana nokuti vaviri vave nomufaro nokuzadziswa. Chibvumirano chakanangana nokuremekedzana, chakanangana nokuzvipira kuitirana: unozvipira kupa upenyu hwako kumunhu mumwechete nokutendeka pamhiko dzako dzamara muparadaniswe norufu. Muenzaniso we chibvumirano muruvengo!)
Muchacho kugoverana nokuonerana
Muchato unoumbwa nokugoverana nokuonerana munhamo nomumatambudziko [Muenzaniso wamazai]. J. F Kennedy akati kuzvizvarwa zvenyika yake, ‘Vadikanwi veAmerika musabvunza kuti Amerika ingandiitirei asi kuti ndingaitire Aamerika chii?’
Zviri nyore kuona kana vaviri vasisashande pamwechete. Mumwe anenge avakuita sarudzo dzake pachake dzokuzvifunga dzisingazivikanwe nemumwe. Kuzvipira kushanda pamwechete hakuitike nyore.
Muchato kuteererana
Kuteererana hakuitike nyore. Rimwe zuva ndaitaura nevamwe vawanani vandaigadzirira kuchata. Muhurukuru yedu zvaiva pachena kuti mudzimai akanga asina mufaro. Ndakateerera zvaitaurwa nemumwe nemumwe wavo zvairatidza kuti zviri kubva mumwoyo. Mudzimai akataura nezvekubatwa kwaaiitwa semwana mudiki. Murume akanga aine makore anoda kusvika kumakumi mana. Mudzimai aive nemakore anoda kusvika kumakumi matatu. Murume akanga ajaira kugara oga saka nguva zhinji aipinda mukicheni achibatsira mudzimai kubika kana kutobva abika iye pachake.
Mamwe madzimai anogona kuti inga zvake ane rombo rakanaka. Asi iye aiona sokunge murume wake atomutorera basa. Muhurukuro yedu murume akazoona kuti aifunga kuti ari kugona asi achitorwadzisa mudzimai wake. Vakazotaurirana uye kutaura kuno vari kufara mumuchato mavo.
Zvinonyatsoitika chaizvo mumuchato dzimwe nguva zvakaoma. Hazvitore nguva kudzidza kuti mumuchato mumwe nemumwe ane zvido zvake nezvishuvo zvake uye zvirongwa namafungiro ake akasiyana. Hazvisi nyore kushanda pamwechete nokuda kwaizvozvi. Zvinotoda kupota muchigara pasi muchitaurirana nokukurukurirana muchiteererana pamwe nokuregererana.
Vamwe vechidiki vakanga vachangochata vakawirirana kurambana. Ndakaita kuti vagare pasi vataurirane. Murume akataura divi rake, mudzimai ndokutaurawo zvake. Murume ndiye akatanga kuona kuti rudo rwake rune simba rokushandura mamiriro ezvinhu uye maitiro ake akanga aita kuti mudzimai wake arwadziwe. Akati ‘Ndine urombo.’ Mudzimai akapindura kuti ‘Waita zvako. Ndanzwisisa.’ Regerera, teerera, taura, namata pamwechete nemumwe wako. Izvi ndizvo zvinoumba muchato.
Tsvagai rubatsiro
Kana muchato uchirwara haisi nyaya yokupanana mhosva. Muchato unombokamhina, unomborwara. Kana munhu akarwara anoenda kuna chiremba kuti apiwe rubatsiro. Kana muchato ukarwara taurai nachipangamazano kuti mubatsirike. Maria pamuchato weKana akaenda nedambudziko ravachati kuna Jesu.
Basa iri romuchato hatirigone toga. Tinokundikana kana tisina rubatsiro runobva kunaivo Tenzi. Toga tinovimbisana zvatisingakwanise. Asi tikabvumira rudo rwaMwari ruri matiri runodarika rwedu kuti ruve hwaro hwemuchato wedu tinokunda. Mwari anofanira kumira pakati pedu savaviri achitibatsira kuti mhiko dzatinopana pazuva romuchato dzisafe.
Bonde
Vaviri pavanowirirana kugara vose vanenge vachiwiriranawo kugoverana bonde. Bonde rinosimbisa ukama hwavo uye kana Mwari achida rinovapa chipo chevana. Asi mazuva ano bonde ravakungotorwa sezvimwe zvinhuwo zvinoshambadzwa nokutengeswa. Kuera kweboda hakuchakosheswa. Chero vana vadiki chaivo vakungoona zvebonde pachena pazvivhitivhiti, vachiverenga mumagazini.
Bonde rakakosha. Vachati vakasakurukura nezvebonde vanosangana namatambudziko akawanda. Madzimai mazhinji arikushungurudzika netsika yokunzi ingoita chete zvinodamurume nokuti uri pasi pake, akakubvisira pfuma saka anekodzero yokuita zvaanoda nomuviri wako. Asi kana tikasataura nezvebonde mumwe achatadza kugutsikana akapedzisira ave kutsvaga kugutswa kunze. Kana murume akasateerera zvinotaurwa nemumwe wake nokuremekedza kodzero dzomudzimai pabonde mudzimai iyeye anenge angofanana nomunhu ari kubatirwa chibharo pamubhedha wake. Pakashaya hurukuru panova nokusagutsikana kwomumwe pavaviri. Vazhinji vandinotaura navo vanoti mumuchato zvikamu 85 mdozvinechekuita noushamwari, zvikamu 15 ndozvine chekuita nebonde.
Bonde chipo. Chipo chinofanira kupembererwa nenzira yakakodzera. Kana tikatadza kushandisa chipo ichi tinopedzisira tava kurwadzisana tichifunga kuti tiri kunatsa.
Asi muno muZimbabwe mune kusashandiswa zvakanaka kwechipo ichi chebonde. Varume vazhinji vanotaura nezveshamwari dzeparutivi. Uhu hausi ushamwari asi kuti upombwe. Varume vazhinji vari kushandisa madzimai avo semidziyo yebonde yokuti vazvigutse chete. Asika tiri kurarama munguva yakaoma yechirwere cheHIV/AIDS. Unombomira here uchifunga kuti kwose kwaunoenda unenge wakatakura upenyu hwomumwe wako mumaoko ako? Unombozvifunga here kuti ukatadza kushandisa bonde zvakanaka unogona kupinza mumwe wako muna taisireva?
Muchato zvinoreva kusazvifunga. Munhu anozvifunga anoita zvinhu zvinopinza mudikani wake nemhuri yake munjodzi. Munhu anozvifunga haanei nokufara kana kusafara kwomumwe wake. Chaanongoda kugutsikana iye pachake. Asi kugoverana bonde zvinoreva kuzvipira sokuzvipira kwakaita Kristu muYukaristiya. Pose pandinoenda pabonde nemumwe wangu ndiri kuita chiito chokuzvipira sokuzvipira kwakaita Kristu.
Vamwe vane kuzvifunga kunotungamidza basa kana motokari kana chimwe chinhu. Chikepe chiri kuchivero kana imba itsva iri kuvakwa ndiyo inokosheswa kupinda rudo.
Vana
Kurera mhuri kwakaoma. Vana vanokura. Vana vanoita majaya nemhandara. Savabereki tinofanira kuva nomweya wokunzwisisa nokuteerera vana tisingawanzi hasha. Hongu vana vanorasika asi ngatiitei sokugona kwedu tisingawanze hasha. Kana vana vakasaita zvatinotarisira ngatisazvishorei tichiti takundikana. Sangano riripo pakukutsigirai. Vakomana navasikana vanosvika pazera rokupfimbana – chavanoda rubatsiro rwedu kuti vasaite mamisteki.
Vechidiki
Hudiki inguva yakanaka inofadza yokusangana nezvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu. Bonde chinhu chakanaka asi chinhu chinoera chakakosha. Kuti hongu kubonde harisi dambe asi kutoti ‘Ndinokuda nomoyo wose ndinoda kuzvipira kwauri kwoupenyu hwose.’ Handifungi kuti ichi chinhu chamunokwanisa kuita muine makore makore gumi namatanhatu (16) kana gumi namapfumbamwe (17).
Munhu anodzidzira kutyaira motokari anosungirwa kuratidza chikwangwari chakanzi ‘L’ pamotokari kana achityaira. Ndinofunga kuti kunyange panyaya dzorudo izvi zvinofanirakuitika nokuti nyaya idzi dzakaoma uye dzine njodzi. Tinofanira kuyambira vamwe nokuchenjerera isu pachedu.
Mukomana woga-woga unofarina kuziva kuti musikana wauri kuona nhasi anogona kuzova mudzimai wako asi anogona kuzovawo mukadzi womumwe munhu. Pamwe achazova mudzimai wako ramangana ari kufambidzana nemumwe munhu iye zvino. Chishuvo chako ndechekuti dai ari kuona achazova mudzimai wako amubata zvakanaka asamushandise. Saka iwewo bata zvakanaka uyo wauri kuona mazuva ano nokuti achazovawo mudzimai womumwe. Muremekedze mubate zvakanaka. Izvi ndozvimwechete navasikana.
Zvibatei. Chenjererai makurara kunze muchifarisa (Sleep Overs). Chenjerereai madzimba dzokutamba muri mapunumunu (Club rooms) dzakati kuuya. Kune vanhurume vakangogaririra kushandisa vasikana vechidiki vachivasiya sechikorobho. KUne madzimai akagadzirira kushandisa vakomana vechidiki. Musaitw nyama yamakunguwo aya (Don’t become the next meet of these vultures).
Vanotarisira kuchata
Muchato hausi nyore ndosaka dzimwe nguva tichikukurudzirai kuti muwanane nemunhu ane chitendero chimwechete nemi. Asi dzimwe nguva zvinogoneka kuti mune zvitendero zvakasiyana munyatsotaurirana mowanana.
Vasiri mumichato
Vamwe vedu vanobva mudzimba dzina baba namai. Vamwe vedu takarerwa nomubereki mumwechete. Pakati pedu pane masingle parents, vakarambana, uye vakafirwa. Muupenyu munogona kuva nokusurikirwa kana pasina wokugoverana naye mufaro kana wokubatsirana naye kurera mhuri. Ndinoda kuti muzive kuti Kirike harikurasei. Kana zvichibvira pindai muzvita.
Kune vasati varoorwa ndinoti musapindwa nomweya wokuti ndakaroiwa. Rangarirai kuti simba raMwari rinopinda mamwe masimba ose. Munofanira kunamatira nyasha dzokugona kugamuchira zvamuri, nokumirira mhinduro yaMwari. Chenyu tsvagai mapoka anokupai ushamwari. Savanhu tinoda ushamwari norutsigiro. Kurudzirwai namashoko eBhaibheri anoti: ‘Ndiri baba venherera neshirikadzi, baba vevarombo.’ Mwari ndibaba vedu. Tinoenda kwaari nechivimbo chokuziva kuti haatirase.
Kune vakarambana ndinoziva kuti upenyu hunorwadza zvikuru. Hapana kurambana kusingasiye maronda. Patinorambana tose tinotorasikirwa. Vazhinji tiri kurarama namaronda okurambana. Kirike rine hanya nemi. Hazvisi nyore kuramba uri woga iwe wasiyana nemudikani wako. Tsvagai rubatsiro rwokuti murambe muchibatana nevamwe mumasakaramende. Rangarirai kuti Mwari ndiMwari vetsitsi. Rambai muchiuya muchibatana navamwe nokuti Mwari haakutongerei.
Ngochani
Mazuva ano tava nengochani pakati pedu. Ngatisatongeranai kana kuvengana nokuda kwezvinhu zvakadai. Tinofanira kugamuchira vanhu vakadai vari kunetseka nezvavari. Sangano rinoti harusi rutadzo kuva ngochani asi rutadzo kuita unhu hweungochani. Tinokurudzira vanhu vakadai kuti vararame upenyu hwoutsvene. Mwari anofamba nemi munguva dzakaoma kudai. Tendeukirai kwaari iye achakutsigirai nokukubatsirai. Mubhuku roMuporofita Izaya Mwari anobvunza mubvunzo wokuti ‘pana mai here pakati penyu anokanganwa mwana wake, nyange iye akakanganwa ini handimbofa ndakakanganwa.’
