© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Zvidzidzo zvedu zvose zviri pamusoro pekumirira tiine chitarisiro nechitendero tisingaore mwoyo. Dzidziso iyi tiri kuipiwa kuburikidza namapoka matatu avanhu. Boka rekutanga nderevanhu vakararama zana ramakore Jesu asati azvarwa, boka ravaJudha vakanga vatamira kunyika dziri kunze kweParisitina dzaive pasi poutongi hwavaRoma. Boka rechipiri nderevanhu vakararama makore makumi mana Jesu akwira kudenga, vaJudha vakatendeukira kuchiKristo. Boka rokupedzisira nderevemamwe marudzi vakatendeukira kuchiKristo. Mapoka ose aya ari kupiwa kurudziro maererano namatambudziko avarikusangana nawo.
Vainyara chitendero chavo.
Boka rekutanga nderevaJudha vakatamira kunyika dzakasiyana-siyana dzaive kunze kweParistina asi dziri pasi poutongi hwavaRoma. vaJudha ava vakanga vaine dambudziko rokuti vainyara kuteedzera chitendero chavo. Vemamwe marudzi vavaigara navo vakanga vakadzidza ivo vasina kudzidza. Naizvozvo vamwe vavo vakatanga kusiya chitendero chavo vachiteedzera tsika dzevemamwe marudzi kuitira kuti vasasekwe.
Zvino chidzidzo chanhasi chiri kuyeuchidza vanhu ava kuti havafanire kunyara nokuti nhororondo yavo yakanaka uye inoratidza kuti Mwari akavapa makomborero akawanda saka havafanire kumusiya. Pane nguva vaIjipita pavakatibikirwa nerima Mwari akatungamirira vana veIziraeri muchiedza. Usiku hwavabva munyika yeIjipita Mwari akauraya matangwe avaIjipita akanunura vana veIziraeri ndosaka vachirangarira Pasika. Zvino kana Mwari akambounza kusuwa kuvaIjipita achiunza mufaro kuvaIziraeri chii chinovaita kuti vanyare nechitendero chavo. Kungatongova kupata kuteedzera mamwe marudzi asina nhororondo yekununurwa naMwari, uye uchenjeri kutendera muna Mwari asingabvi pavimbiso dzake.
Naizvozvo dzidziso iyi iri kuti imi munogara pakati pevasingatendere musanyare nechitendero chenyu. Rangarirai zvamakaitirwa naMwari. Zviri nani kuva madofo anoziva Mwari pane kunzi vanhu vakadzidza asi musingazive Mwari.
Vanyakutendeukira kuchiKristo
Boka rechipiri nderevaJudha vakatendeukira kuchiKristo. Vanhu ava vakatamira kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzaive pasi poutongi hwavaRoma zvekare. Vari ikoko vakatanga kugara vakakomberedzwa navaJudha vakanga vasina kutendeukira kuchiKristo pamwe chete navamamwe marudzi vakanga vasingatendere. Kugara kwavo kwakanga kwakaoma. Vaishungurudzirwa chitendero chavo. MaJudha akanga akavavenga achivati vatengesi vakasiya chitendero chechokwadi chechiJudha. Norumwe rutivi vemamwe marudzi vaivaseka vachivati vanhu vasina kudzidza. Nokuda kwamatambudziko aya vamwe vaKristo vakatanga kudemba kuti dai zvedu tisina kusiya chitendero chedu chechiJudha. Vakatanga kusuwa guta ravo reJerusarema namanamatiro avaiita mutembere yekuJerusarema.
Naizvozvo muchidzidzo chanhasi boka iri ravanhu riri kunzi ivai nechitarisiro nechitendero. Tarisai pamadzitateguru enyu muwane muenzaniso wakanaka. Tarisai zvikuru sei pana Abhurahama naSarah. Abhurahama aive murume aimirira aine chitarisiro nechitendero. Mwari akauya kwaari akamuti siya baba vako naamai vako, siya midziyo yako uende kunyika yandichakuratidza. Abhurahama akateerera Mwari kunyange aisaziva kuti Mwari aizomuendesa kupi. Zvaakasvika kunyika yechipikirwa Abhurahama akanzi ndichapa nyika iyi kuzvizvarwa zvako. Abhurahama haana kunyunyuta kuti ko munogopa nyika iyi kuzvizvarwa zvangu sei musingaipe kwandiri ini ndiri mupenyu. Akaisa chitendero chake muna Mwari. Abhurahama akavimbiswa zvakare kuti aizove nemwana. Mwana iyeye akazouya Abhurahama achembera asi nguva yose iyi aingomirira chete aine chitendero. Mwana uya azouya Abhurahama akafara akapururudza. Ari pakati pekufara Mwari akamuti pira mwana wako sechibairo. Abhurahama haana kunyunyuta kuti mogoti ndipire zai rangu regondo randakamirira kwehupenyu hwose sei asi kuti akangoteerera Mwari nechitendero.
Abhurahama akavimba naMwari nguva dzose munhamo nemumatambudziko asi Mwari haana kumbomurasisa. Chitendero chake chinomirira chakatoita kuti awane makomborero akapetwa.
Mwari anozadzisa vimbiso dzake kunyange dzimwe nguva achitora nguva refu. Isu ngatisaore mwoyo. Ngatimirirei nemwoyo murefu rimwe zuva tichava nomufaro mukuru.
VaKristo vainyunyuta kuti Jesu anonoka
MuShoko Rakanaka ranhasi tiri kusangana navaKristo vakatendeuka vachibva kune mamwe marudzi. VaKristo ava vaitendera kuti Kristo zvaakakwira kudenga achadzoka nekukurumbidza, vaifunga kuti Kristo achadzoka ivo vachiri vapenyu. Naizvozvo vaKristo ava vakatanga kumirira kudzoka kwake vaine chitarisiro. Vakamirira kudaro vaishungurudzirwa chitendero chavo. Vazhinji vavo vakarasikirwa nemidziyo yakawanda nekuda kwechitendero chavo. Vamwe vavo vakatorasikirwa noupenyu hwavo nokuda kwechitendero chavo. Asi Jesu haana kudzoka panguva yavainge vakatarisira. Nokudaro vamwe vavo vakatanga kuora mwoyo. Vakatanga kufunga kuti taimirira pasina. Taitendera nhando.
Zvino Shoko Rakanaka ranhasi rakanyorwa rakanangana navanhu ivava. Vanhu ivava ndivo vari kunzi naRuka “Musatya nokuti humambo hwedenga ndohwenyu.” Hongu muri kusangana nekushungurudzwa. Hongu mune matambudziko akasiyana-siyana pamusoro pechitendero asi musatya nekuti makagadzirirwa chinhu chikuru chinova ndihwo humambo hwedenga. Mashoko aya mashoko anofanira kubata mumwe nemumwe wedu akamirira kuuya kwaKristo murupenyu rwake pachiita sepasina chiri kuitika. Akamirira kuuya kwaKristo nechitendero asi ane nhamo namatambudziko. Nhasi zviri kunzi usatye nokuti umabo hwedenga ndohwako. Pawakabhabhatidzwa wakatogamuchidzwa humambo hwedenga saka huchava hwako nokusingaperi. Mambo achava newe. Mambo haakusiye.
Vatenderi ava vaiora mwoyo vari kunzi zvekare “regai mwenje yenyu ichipfuta.” Mwenje uri kutaura mwenje wechitendero. Chitendro ichi chinofanira kuramba chichipfuta. Isuwo takagamuchidzwa mwenje musi watakabhabhatidzwa, naizvozvo tiri kunzi regai mwenje wenyu uchipfuta munhamo nemumatambudziko. Rambai muchiudira mafuta, mafuta orudo. Itai zvinoita vashandi vanomirira kuuya kwatenzi wavo. Havazive musi waanouya asi vanogara vakangwarira vakagadzirira vachiita mabasa avo amazuva ose. Isu basa redu ratinomirira naro rudo. Rudo runoratidzwa muzvinhu zvidiki zvidiki zvoupenyu. Uchenjere kuti mambo akuwane usingaite zvisakafanira, utsinye, undingoveni, kudhakwa nezvimwe zvakadaro.
