© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Mariya naMarita vanoratidza kuti vakasunungurwa noukama hwavo naJesu. Marita aigona kukoka Jesu navadzidzi vake mumba mavo. Jesu auya Marita aigona kumuudza zvokuita, nyange Jesu aizoramba zvake. Norumwe rutivi Mariya aigona kugara zvake munyasi maJesu achiteerera savamwe vadzidzi. Anoteerera achidzidza zvakawanda kubva kunaJesu. Mazuva iwayo vashoma madzimai aidzidza kubva kunana Rabhi. Basa ravo raiva rokugara mudzimba vachibika nokurera vana kana kuenda kumunda kunosakura.
Asi Jesu aive nenzira yake yokushamwaridzana namadzimai. Tinoudzwa kuti boka ramadzimai raimutevera mukushumira kwake. Madzimai aya anofanira kuva aimubatsira iye navadzidzi vake, asi vanofanira kuva vaiyeuka zviito zvake namabasa ake namazwi ake.
Murungano rwedu rwanhasi, Mariya naMarita mienzaniso makuru yemutsa. Kupa vamwe nguva chinhu chakakosha zvikuru muupenyu. Kugamuchira vanhu kuva navo murudo sezvakaitwa namadzimai maviri aya kuna Jesu. Maitiro akadai anofanira kukosheswa. Haisi nyaya yokungodya: inyaya yokusangana tichisimbisa ukama hwedu noushamwari hwedu.
