© Musakope mharidzo iyi musina mvumo.
Vachiparidza nezverungano rwoMuSamariya Akanaka, Papa Furanzisi vakarududzira paChikatorike. Vakati Mupriste akanga ari murume akatsvinda akazviti ‘Ndikamira iye zvino ndichanonoka kuMisa.’ Akapfuurira uye akatadza kunzwa izwi raMwari pachiitiko ichi. MuRevhi akazviti ‘Ndikapindira panyaya iyi ndinosvika pakupedzerwa nguva nemibvunzo yamapurisa.’ Iyewo akapfuurira, haana kunzwa izwi raMwari pachiitiko ichi.
Munhu chete akakwanisa kunzwa izwi raMwari ndeuyo aiita seanogarotiza izwi raMwari. Mumaziso avaJudha MuSamariya akanga ari kure naMwari, asi iye chete ndiye akakwanisa kunzwa izwi raMwari raimukoka. Mumaziso avaJudha MuSamariya akanga asingagone zvechitendero nezveunhu. MaSamariya aisanzwisisa nezvechitendero nokuti vaishumira kunzvimbo yaisadiwa naMwari. Asi zvisinei nazvose izvi, akazwisisa zvaidiwa naMwari, zvaaida kunzi aite naMwari. Akapedzera mari yake nenguva yake pamunhu aida rubatsiro.
Zvichidai izvi mupriste akasvika kumisa nenguva, vatenderi vakafara kuti baba vabata nguva; MuRevhi akagutsikana zuva raitevera nokuti zvinhu zvose zvakafamba samarongero ake nokuti haana kupedzerwa nguva nomunhu akanga oda kufa zvake.
Dzimwe nguva ndinombozvibvunza kuti murume wokukuvara uyu akanzwa sei paakasvinura akaona kuti munhu ari kugeza maronda ake ndeweboka ravanhu vaakaraidzwa kutya, kuvenga nokufuratira? Dzimwe nguva tinosvika pakuziva muvakidzani wedu chaiye kana tabatsirwa nemunhu watanga tisingafungire.
‘Muvakidzani wangu ndiani’ mubvunzo wakaoma. Vavakidzani vangu havasi mabvakure here? Muvakidzani wangu haasi mhunhu asina musha here, kana mwana anosvikorombeya nemigwagwa yeguta? Muvakidzani wangu haasi mupenhi here anotambanudza ruoko rwakabata ndiro yokupemha ini ndichipfuura ndichiedza kunzvengesa maziso angu? Kakatikazi kekudhara kanoti, ‘Muvakidzani wangu vanhu vose, nyangwe avo vanondirwadzisa, vasingapindirane neni pachitendero kana vasiri verudzi rwangu, ruvara rwangu. Muvakidzani wangu munhu asingawane samawaniro angu.
