© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
MuShoko Rakanaka Jesu anoswedera padyo nekamwe kaguta kadiki paanosangana nemudungwe wavanhu vari pamariro. Mufi anonzi ijaya rakanga riri zai regondo reimwe shirikadzi. Shirikadzi iyi iri pakati pokunyaradzwa negurumwandira ravavakidzani vayo. Hapana anokumbira Jesu kuti abatsire nokudaro Jesu anogona kungotarisawo savamwe. Anogona kuokera mudungwe uchipfuura kuenda kumarinda. Hapana anodaidzira achimukumbira kuti abatsire. Haatarisirwi kubatikana nekurasikirwa kweshirikadzi iyi.
Asi Ruka anotiudza kuti Jesu anobatwa mwoyo paanoona shirikadzi iyi iine misodzi pamatama. Jesu anotora matanho nokuti anehanya. Anoudza shirikadzi iyi kuti isacheme obata rukukwe rwakaradzikwa chitunha. Mudungwe wemariro unomira. Nokuda kwezwi rinobva mumuromo make chitunha chinosimuka chotanga kutaura zvekare. Jesu anodzorera jaya kunamai varo. Vanhu vanopemberera vachirumbidza Mwari vachibvuma kuti Jesu muporofita wechokwadi nokuda kwezvaaita.
Nguva zhinji tinoona zvivhitivhiti nokuverenga mapepanhau pamusoro pemarwadzo nokurasikirwa kwavazhinji pasi rose. Kazhinji tinongotarisa vanhu vachitambura asi tichipererwa nezvekuita. Hatina simba rokudzorera upenyu hwavafi kuhama dzavo dzinenge dzichichema. Hatina simba rokududza mazwi okumutsa zvitunha saJesu. Asi pane mazwi atinogona kutaura kuburikidza neminamato yedu tichinamatira vanorwadziwa navanorasikirwa. Sokutaura kwaTeresa wokuRisu: ‘Ngatisanete kunamata: ushingi kunounza zvishamiso.’
