© Musakope mharidzo iyi musina mvumo.
Pita aiita basa rei asati ava mudzidzi waJesu? Aiva muredzi wehove. Vanamuzvinafundo vazhinji vanoti aibva kuKapenaume munyasi megungwa reGareriya.
Pita akava mumwe waJesu kubva mazuva okutanga kwebasa rake rohushumiri. Akawona zvizhinji zvaiitwa naJesu akanzwa zvakawanda zvaaitaura. Aiziva kuti Jesu mwana waMwari. NOkuda kwaizvi Pita akasarudzwa naMwari kuti ave mutungamiriri wehwai dzake pano pasi.
Zvii zvatinoziva pamusoro paPauro? Pauro aiva muFarisiya uye muzvinafundo wemitemo nechitendero chavaJudha. Aigara muguta reTasusi. Haana kumbobvira asangana naJesu. Pakutanga Pauro aive neshungu dzokuchengetedza mitemo netsika dzavaJudha naizvozvo akasungisa vateveri vaJesu vazhinji vaaifunga kuti havasikuremekedza mitemo netsika.
Rimwe zuva Pauro ari murwendo rwokuenda kuDhamasika kunosunga nokushusha vamwe vaKristu, Mwari akazviratidza kwaari mukubwinya akamuti rega zvokushusha vateveri vaJesu. Pauro akateerera akashandura maitiro ake. Akabva pakuva muvengi weChiKristu achiva noushamwari hwakadzama neChiKristu.
Pauro naPita vaizivana here? Hongu vakazosvika pakusangana vakava nousahwira hukuru. Vakashanyira nzvimbo dzakawanda vachiparidza Shoko Rakanaka raJesu nokugoverana chitendero navazhinji.
Pita naPauro ndovakuru vane mukurumbira kubva pamavambo eSangano. Vakapedza upenyu hwavo vachibindukira Kristu. Vose vakashushirwa chitendero. Vose vakakandwa mumajere akasiyana-siyana. Vose vakanyora tsamba dzinodzidzisa nezvechitendero. Nhasi tinovarangarira nokuda kwoushingi nechitendero chavo. Tinovatendawo zvekare nokugoverana nesu shoko raKristu.
