© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
MuShoko Rakanaka Jesu anotuma vanhu makumi manomwe namanomwe. Anovati endesai chipo chorugare muvanhu. Rapai varwere. Paridzai Dama Rakanaka rokuti umambo hwaMwari hwava padyo. Muchidimbu arikuvati dzidzisai, paridzai, rapai sezvandinoita ini pachangu. Ini handirapi panyama chete, asi ndinorapa pamweya zvakare. Ndinodzinga madhimoni. Imi endaiwo munorapa nokudzinga madhimoni.
Basa rakapiwa vanhu ava ibasa ratinopiwawo isu nhasi uno. Pane vakawanda varikurwiswa namasimba ouipi. Mudzimba mune urwere hurimo hunoda kurapwa
Hanzi endai munorapa. Varikuzvidya moyo nokuda kwokurasikirwa nehama. Vari kutambura. Vari kuvhiringika. Vari kuodzwa moyo. Vasisina chokwadi noupenyu. Ukama hausisina kumira zvakanaka. Zvitarisiro zvabhenda. Urongwa hwaparara
Pane vakawanda vari kutambudzwa namadhimoni oupenyu huno. Muno matigere vana vangani varikurwiswa namadhimoni okuraradza? Madhimoni okuputa zvakashata zvinodhaka? Variko vakaputirwa namadhimoni emhirizhonga, vanorova vadikanwi vavo mudzimba. Vazhinji vari pakati pamadhimoni oudzvanyiriri. Madhimoni akawanda. Mumwe nemumwe anedhimoni rake rinomutambudza.
Mubvunzo ndowekuti toita sei pamusoro pechivi ichi chiri munyika? Tinobatsira varimumatambudziko aya sei? Tongogara here takatarisa pasina zvatiri kuita? Kana kuti towana chatingaita chinounza mutsauko? SaVaKristu tinodaidzwa kuti tiunze pundutso. Savatumwa vataurwa tiri kupiwawo basa rokuita.
Vazhinji tinotadza kuita basa iri nokuti tinofunga kuti igukutu uye rinorema. Unonzwa munhu achiti ‘Ini handingazvigone.’ Ichi hachisi chokwadi. Asi padiki paunoita panounza shanduko.
Pane rungano runotaurwa pamusoro pechikomana chakaenda nasekuru vacho kunofamba munyasi megungwa. Vakaona hove dzaikandirwa mumahombekombe nemasaisai egungwa. Pano neapo sekuru vaimira vonhonga hove vachiikandira mugungwa. Mushure mechinguva chikomana chakati kuna sekuru, ‘Pane zviuru nezviuru zvehove dziri kukandirwa mumahombekombe egungwa. Kudzosera imwe chete hapana zvakunobatsira.’ Sekuru vakatora imwe ndokukandira mugungwa vachiti, ‘Zvinounza mutsako kune iyi.’
Chinotitadzisa kubatsira kufunga kuti mutsauko unounzwa nokuita zvinoshamisira zvakaita sokupikira. Asi nzira huru yokuparidza shoko mararamiro edu, zvikuru mararamiro oruenzaniso. Dzimwe nzira huru dzokuparidza shoko dzinouya muzvinhu zvidiki zvakaita semabasa etsitsi. Kubatsira chembere iri kuremerwa nebhegi, kudziuka kuti mukuru agare pasi. Aya ndiwo makundiro atinoita uipi huri munyika. Iwe neni tinogona kuwana chatingaitawo pakurwisa huipi.
Hanzi naJesu kuvanhu vaya makumi manomwe namanomwe ‘Ndakaona Satani achidonha kubva kudenga semheni.’ Iwewo unogona kuita chinhanho chako kuti Satani akoromoke. Jesu ari kuti ndiri kuona Satani achidonha semheni musangano renyu pose pamunounganidza zvokupa kune vasina misha. Ndinoona Satani achidonha semheni pose pamunodzidzisa vechidiki zvechitendero. Ndinoona Satani achidonha pose pamunobatana nevamwe muminamato nemumisangano. Ndinoona Satani achidonha pose pamunogamuchira munhu mutsva nomufaro musangano renyu kana muchita chenyu. Ndinoona Satani achidonha pose pamunoregerera uyo anenge akutadzirai.
Ngatibvisei mweya wokuti zvandinoita hapana zvazvingashandure. Unogona kuunza shanduko muzvinhu zvidiki. Nyika izere nemarwadzo. Vanhu varikutsvaga mwenje nechitarisiro. Dai waro wava chiedza nechitarisiro kunyika. Savanhu makumi manomwe namanomwe pane zvaunogona kuita zvinounza shanduko.
