© Musakope mharidoz iyi musina mvumo
Mumwe muimbi anemukurumbira anonzi Paganini akanga ari pakati pekugazirira kuimbira gungano guru ravanhu apo mudziyo wake wekuridza mutsva wevhayorino wakabiwa muhombodo yawo kuchsiiwa mutsaru. Vanhu vakanga vatomirira kumuona achiimba pasisina nguva yokuti anotsvaga mumwe mudziyo wekuridza. Zvisinei hazvo Paganini akatora mudziyo uya mutsaru ndokuenda mberi kwavanhu muchinyararire, ndokutanga kuridza achiimba. Vanhu vakafadzwa vakasimuka, vakauchira nokuridza mhururu nemuridzo vachifarira zvakanga zvaitwa naPaganini. Nezwi raidedera, Paganini akati kuvanhu vaivapo: ‘Nhasi mudziyo wangu mutsva wabiwa. Ndashandisa mudziyo mutsaru. Unyanzvi hwokuimba huri mumuimbi kwete mumudziyo!’ Nhasi tiri kudzidza kuti unyanzvi huri munaJesu kwete mumidziyo.
MuChiverengo choKutanga Yawe ari kuti kuvanhu vake: Ndichatumira rugare rwangu ruchierera semvura yerwizi. Rugare ndo ‘shalom’. ‘Shalom’ ndokugarisara zvakanaka murudo nokuyanana. Saka Mwari ari kuvimbisa kutumira kugarisara, utano, kugutsikana nebudiriro kuvanhu vake. Basa iri anoriita kuburikidza nemidziyo yake, nhume dzake. Basa iri rokuunza rugare kuvanhu ndere munhu wose.
MuChiverengo cheChipiri Pauro anozviti ini ndiri mudziyo waKristu. Mbiri yangu haibvi mukuchecheudzwa kwete asi inobva mumuchinjikwa waKristu. Pauro anokokawo vanhu vose kuti vave zvisikwa zvitsva. Zvisikwa zvitsva, kwete nokuda kwezvekunze zvakaita sekuchecheudzwa, zvipfeko nezvimwe zvinoonekwa asi nokuda muchinjikwa waKristu. Pauro anoenderera mberi achiti somudziyo waKristu anoshuvira rugare nenyasha kuna vose vanotevera mutemo waKristu. Sokudanwa Kwakaita Pauro kuti ave mudziyo, Mwari anoramba achitidana kuti tiendese mberi basa iri rokuunza rugare kuvanhu. Tiparidze nezvoupenyu hwomuchinjikwa.
MuShoko Rakanaka ranhasi Kristu ari kusarudza nhume makumi manomwe nemaviri achivatuma kunoparidza Shoko Rakanaka kumarudzi ose avanhu. Vadzidzi ava pavanodzoka vanoratidza mufaro mukuru pamusoro pezvavanosangana nazvo. Asi Jesu anovayeuchidza kuti vanofanira kufara kwete nokuti zvose izvi zvaitwa nesimba ravo asi kuti mazita avo anyorwa kudenga. Zvose izvi zvaitwa nesimba raMwari. Ivo midziyo chete yashandiswa naMwari. Hatifanire kutya kugamuchira basa iri, daidzo iyi nokuti zvose zvinoitwa nesimba raMwari.
Francis Mutsvene anodetemba achiti ‘ndiiteiwo mudziyo worugare rwenyu.’ Isu nhasi ngatikumbirei kuitwa midziyo yaMwari. Ngatibvumei kushandiswa naMwari. Hongu basa iri harisi nyore. Jesu akayambira nhume 72 nezvekuoma kwebasa iri. Akati vanoita basa iri vachange vasina musha wavanoti wavo, vachasiya mhuri dzavo, vachava varombo. Vanoita basa iri havatakuri misengwa uye havapedzere nguva pane zvisina mature. Vanhu vanogutsikana nezvishoma zvavainazvo.
Basa iri rinoomera vazhinji nekuti vadaidzwi havafanire kuva vanhu vanoda kuonererwa kana kuti vanhu vanoda simba. Basa iri nderekutakura muchinjikwa, kuva murombo nekugamuchira utera. Pauro anoti ‘mbiri yangu iri pachipiyaniso.’
