© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Jesu adaira daidzo yamubvisa mumhuri yake iri kuNazareta. Kubva paanovamba basa rokushumira vanhu, anoswedera kure nemhuri yake zvishoma-nezvishoma. Basa rake roushumiri rinomuendesa munhandare yakakura: hama dzake dzinova avo vose vanonzwa shoko vachirichengeta. Mhuri yake itsva inechekuita nebasa rake roushumiri. Pakutanga kweSHoko Rakanaka ranhasi tinoona Jesu achifuratira dunhu rake reGareriya achivamba rwendo rwokuJerusarema.
Ari pakati perwendo urwu anobvunzwa navanhu vatatu vanoda kumutevera. Jesu anoyambira wokutanga kuti kumutevera kutevera munhu anongombeya asina pake chaipo. Wechipiri nowechitatu vanoda kutevera Jesu asi vane zviri kuvabata: mumwe anoda kuda kunooneka baba vake mumwe achida kunooneka vabereki vake. Asi Jesu ari kuti ‘kwete’ kuzvinhu zvinovadzosera shure kwavakabva. Jesu arikuda kuti vanhu vatarise mberi vasacheuke cheuke: mudzidzi anofanira kusarudza zvaanoda kukoshesa. Anoda kukoshesa mhuri here kana daidzo yaJesu? Kuti asununguke kuisa basa raakadanirwa, mudzidzi anofanira kusununguka kubva kunezvinomusunga. Mudzidzi anofanira kugadzirira kurasikirwa nechengetedzo, zvisungo zvapasi, nezvishuvo zvapasi kana achida kuzvipira zvizere kushandira umambo hwedenga.
Jesu anoda vateveri vake kuti vave nechinangwa chimwechete uye vatidzemere nechinangwa ichocho vasatsauke tsauke. Zvaanoda hazvisi nyore. Asi zvakanga zvisiri nyore kwaariwo iye pachake. Naizvozvo tikamutarisa tichaona kwokuenda nezvokuita.
