© Musakope mharidoz iyi musina mvumo
Tambudzai aiziva kuti pane zvisina kumira zvakanaka. Ainetseka kufema. Akaenda kunoona chiremba uyo akamutumira kunamazvikokota. Masvindo matatu aitevera akanga ava muchipatara mazvikokota ndokuti murume wake adaidzwe. Tambudzai aiva negomarara pamapapu raisagona kubviswa nokuvhiyiwa (oparesheni).
Akambotanga nokurohwa nehana asi kuvhunduka kwake kwakaguma kwava kushatirwa. Akava nemisodzi isingaperi. Tambudzai aida upenyu hwake zvikuru. Zvaimuomera kugamuchira kuti ava nechirwere chisingarapiki. Asi panguva yose iyi Tambudzai akaramba akabatirira parusariro rwake. Ainyanyonangana nemuchinjikwa zvikuru sei chiso chaJesu ari pamuchinjikwa. Izvi ndozvakamupa chitarisiro.
Jesu ndiani? Uyu ndiwo mubvunzo uri muShoko Rakanaka nhasi.
Ukapinda mumba inodzidzira vapwere wobvunza mubvunzo mumwechetewo unofunga kuti vana vanopindura vachiti kudii? Pada vanoti:
Ishamwari yangu
Anondida
NdiMwari
Ane mwoyo munyoro
Anondiregerera
Aneni nguva dzose
Ko iwe? Kana ukabvunzwa kuti Jesu ndiani kwauri unoti kudii? Uyu ubvunzo wakakosha. Jesu chaiye ndiani kwandiri uye ndinomuziva sei? Kana ndamuziva ndingakudza sei ukama hwangu naye mukufara nokupemberera uye munhamo nemumatambudziko?
Kutevera Jesu handinyore. Tambudzai akabatirira parusariro rwake asi izvi hazvina kumudzivisa kubva mukuodzwa mwoyo nokuchema. Tose tinodaidzwa kuti titakure michinjikwa yedu yamazuva ose tifambe muchokwadi chokuziva kuti Jesu anesu, ari parutivi rwedu.
