© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Jesu navadzidzi vake vari nechekuchamhembe nechekunze kwenyika yavo. Vari padyo neguta raSIrariya Firipi. Zita areguta iri rinoreva kuti vagary vemo havatenderi. Saka Jesu navadzidzi vake vari voga muguta iri ravanhu vasingatendere. Iye pachake ari kunzwa kusadiwa kukuru nokuda kwendondo yaaioneswa navakuru vakuru vavaJudha.
Panguva yakaoma kudai Jesu anoda kuva nechokwadi pamusoro pokuti ndiani. Naizvozvo anobvunza vadzidzi vake ‘Vanhu vanonditi ndini ani?’ Zvisinei nemukurumbira waaiva nawo mushure mokuita zvishamiso zvakawanda zvakaita sokuwedzera zvingwa vanhu vaimunzwisisa zvizere here. Chishuvo chake chaiva chokunzwisiswa kuitira kuti aenderere mberi nebasa rake aine chitarisiro chizere. Asi mhinduro inobva kuvadzidzi inoti vanhu vanoti Jesu ndiJowani muombeki, Eriya kana mumwe wavaporofita. Jesu aipesaniswa navanhu vanotaura pamusoro pezvematongerwo enyika. Mafungiro aya aifanira kushandurwa. Naizvozvo Jesu anotendeukira kuvadzidzi ovabvunza kuti ‘Ko imi munonditi ndini ani?’
Ava ndovarume vaiva padyo naye nguva dzose. Ndovaiva vadzidzi vake. Ndovaiva shamwari dzake. Pita akakwanisa kupindura kuti Jesu ndiye zvitarisiro zvavaIziraeri – Jesu ndiye Kristu waMwari. Jesu akafadzwa nemhinduro iyi nokuti yaitaura chokwadi. Akatora mukana iwoyo kutsanangura zvinoreva kuva Kristu waMwari. Akavaudza nhamo yaaiva achazotirira uye firo yaaiva achazoita. Akavatsanangurira zvinoreva kukunda kwechokwadi. Akavadzidzisa zvinoreva kuva muteveri wake: kuzviramba, kutakura muchinjikwa nokumutevera. Pane mubairo wokuva muKristu. Kuva muKristu harisi dambe uye hausi mutepfetepfe. Anogauchira dzidziso iyi anova noupenyu, anoiramba anorasikirwa noupenyu. Chakanaka chine kuzvipira mukati.
Mubvunzo uyu wakabvunzwa vadzidzi mubvunzo watiri kubvunzwawo zvekare ‘Jesu ndiani?’ hapadi kupindura zvinotaurwa nevamwe, panoda mhinduro inobva mumwoyo. Kristu izwi raMwari. Kristu ndiye hwayana yaMwari, muyananisi uye muzadzisi womurau. Kristu ndiye nyakutinunura. Kumutevera kunoreva kuzvipira nokutakura michinjikwa yedu. KUmutevera haisi dambe; kune zvitarisiro zvinofanira kuzadziswa.
