© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
MuShoko Rakanaka tiri kusangana nomudzimai anemukurumbira worutadzo. Mudzimai uyu anopinda mumba yokudyira izere vanhurume osvikoratidza rudo rwake kunaJesu. Ndiye oga watinonzwa mumaShoko Akanaka ose kuti anouya kuna Jesu akagadzirira kumushandira nokumuratidza chido chakanyanya. Misodzi yake inosuka tsoka dzaJesu idzo dzaanopukuta nebvudzi rake; anotsoda dzoka dzaJesu kakawanda; anozora tsoka idzi namafuta. Anoita zvose izvi muchinyararire. Kutaura kwake kuri muzviito apo anoratidza rudo kuna Jesu.
Mushanyirwi waJesu anoshamisika nechiitiko ichi. Kwaari kuva mutadzi zvinoreva kun’ora. Asi izvi zvose zviri kuitika mumba yake yokudyira! Sei Jesu abvumidza zvinhu zvakadai?
Jesu anobvunza Simioni mubvunzo wakakosha: ‘Simioni, urikuona mudzimai uyu here?’ ipapo ndopane dambudziko. Simioni haaone mudzimai. Simioni anoona chirwere. Ichokwadi kuti mudzimai uyu mutadzi anemukurumbira. Asi kana tikashandisa chokwadi chatinoziva pamusoro pavanhu kuvadzikisira tinovanza chokwadi chinovakoshesa. Pane mashandisiro echokwadi anovanza chokwadi chizere. Uye pane musiyano mukuru pakati pokutaura chokwadi nokutaura chokwadi murudo. Simioni anoona chokwadi chinoparadza ochimbambashira.
Tinoona vamwe saJesu here – kuvaona nomutoo unovabvumidza kuva naramangana rakajeka? Ruregerero runokurudzira vanhu kuti vashanduke; ruregerero runobatsira vanhu kuti vavambe upenyu utsva. Dai waro ukama hwedu nevamwe hwava hwokuvabatsira kuva naramangwana rakajeka.
