© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Muzviverengo zvedu zviri pamusoro pokutendeuka, kusiya zvivi, kuregererwa pamwe nokuvamba upenyu utsva. Ruregerero runotipa upenyu utsva. Simba raMwari rokuregerera rinosunungura kubva kunezvakare richitiita vana vake pamwe nokutipa simba rokusarudza zvatinoda kuva. Ruregerero runoburitsa kubva kuupenyu hwakare ruchitipindza muupenyu utsva hwomufaro norusununguko.
MuChiverengo Chokutanga tinonzwa nezvorutadzo rukuru rwaMambo Dhaviti. Dhavhiti anoshandisa simba rake kuuraya mumwe wavatungamiri veuto rake anonzi Uraya napamusana poundyire. Chinangwa chake chaiva chokupfudza umboo hwokuti akanga atorera Uraya mudzimai wake, Bhatishebha. Asi vakuru vanoti rinemanyanga hariputirwi. Utsinye hwake hwakabuda pachena. Dhavhiti aikodzera mutongo mukurusa. Nathani mutumwa waMwari anomuvinga omubvunza pamusoro pemhosva iyi. Dhavhiti anobvuma mhosva yake oratidza kupfidza nomwoyo wose. Mwari anomuregerera. Iye anogamuchira ngoni dzaTenzi achizova mambo anemukurumbira munhororondo yavaIziraeri. Nyasha dzaTenzi dzinogonesa Dhavhiti kuvamba upenyu utsva. Mubvunzo ndewokuti: ‘Nderupi rutadzo rungatitadzisa kuwana rudo rwaMwari kana tichinge tatendeuka tapfidza matadzo edu sezvakaita Dhavhiti?’
MuChiverengo Chechipiri tinosangana naPauro. Pauro muupenyu hwake hwakare aiva muFarisiya. Akanga akadzidza zvikuru ari muzvinafundo pamutemo waMhozisi. Asi zvino arikutaura navatenderi vachangovamba boka paGaratiya achivati mutemo unonongedzera rutadzo asi haunongedzere ruregerero nenyasha dzaMwari. Mutemo unoratidza zvinorambidzwa asi unogona kutadza kusvitsva parudo, ngoni, noruregerero rwaMwari. Pane musiyanao pakati pokurarama mumutemo nokurarama munyasha nomurudo. Iye Pauro pachake akambenge achirarama mumutemo asi asingararame munyasha. Upenyu hwake hwakavamba patsva paakaziva kuti nyasha norudo zvinokosha kupinda mutemo. Chinhu chikurusa muupenyu kuziva kuti Mwari vanotida uye vanotiitira nyasha.
MuShoko Rakanaka tinosangana nomuzvinafundo womutemo uye mukuru wechitendero chechiJudha. Zvisinei nedzidzo yake anoratidza kusava norudo, rugare uye mwoyo munyoro. Muenzi wake Jesu afamba rwendo rurefu muguruva naizvozvo ava nenyota, adikitira uye arukutika. Kunze kwokuti amugamuchire nemvura, amugamuchire netsvodi uye amuzore mafuta anodzinga gwema nokurapa maronda hapana zvaanoita. Anoita searikuti ‘Handinei newe, handikupi rugare rwangu, handina hanya newe.’
Zvinotadzikwa nomurume uyu zvinoitwa nomudzimai asina kufunda, anembiri yorutadzo asi azere norudo. Mudzimai uyu anogamuchira Jesu nomwoyo wake wose. Izvi zvinokonzera muzvinafundo wemutemo kusvora Jesu kuti atadza kuona rutadzo rwomudzimai, zvinomukonzera kutongera mudzimai uyu. Asi Jesu kunze kwokuona rutadzo anoona rudo, anoregerera mudzimai uyu, anomuitira nyasha. Jesu haamutonge anomunzwira tsitsi. Varipo vanotitonga, asi Tenzi anotigamuchira sezvatiri anotiitira nyasha.
Tingava tine mhosho dzakawanda. Tingava tine zvivi zvakawanda. Hazvinei kuti takaita sei tinofanira kuva vanhu vanerudo somudzimai uyu. Hatifaniri kutya. Tinofanira kusvedera padyo naTenzi iye achatiitira nyasha. Kazhinji tinosangana naye muSakaramende roruwadzano maanoda kutidira ngoni dzake dzizere.
