© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Vamwe mai vakafirwa nemwanakomana. Vari pakati pokuchema vakakumbira baba vezvomweya kuti vavape mushonga unodzosera upenyu hwemwana wavo. Baba vezvomweya vakafunga ndokuzoti kuna mai vaya ‘endai munotsvaga tsanga yechibage pamhuri isingazive rufu, isina kuwirwa nenhamo. Tsanga iyoyo ndiyo yatichashandisa kugadzira mushonga wamunoda.’ Mai vaya vakatenderera mumisha yakasiyana-siyana, varombo navapfumi asi vaingoudzwa nonhorondo yenhamo. Pokupedzisira vakati chokwadi hapana musha usina kunanzwa rufu. Muchidzidzo chokutanga mune rufu, chechipiri chine rufu, Shoko Rakanaka rine rufu.
Dingindira riri kubuda muzvidzidzo zvanhasi zviri zvitatu nderekufa nokudzorerwa kweupenyu utsva. Muchiverengo chechipiri Pauro anotaura nezvokutendeuka kwake. Pauro akanga akafanana nomunhu akafa. Asi nokuda kwekusangana kwaakaita naKristo akadzorerwa upenyu hwake. Akanga akafa nokuda kweunhu hwake. Akadzorerwa upenyu nokuda kwerudo rwaKristo. Saka muzvidzidzo zvedu zvose tiri kusangana navanhu vakafa. Vaviri vakafa panyama. Mumwechete akafa pamweya.
Kufa kuri pakawanda. Izvi tinozviona murungano runotevera. Zuva rokunamatira varwere Baba vezvomweya vakadaidza shirikadzi kuti dziuye mberi vagodzinamatira. Vamwe mai vakasimuka ndokufamba vachienda mberi. Murume wacho akatanga kudaidzira achiti ‘Iwe Orifa! Iwe Orifa! Baba vati shiri kadzi kwete vanhu vane varume.’ Mai vaya vakati ‘Unofunga kuti uri mupenyu here ipapa.’ Umwe hunhu hunotiita zvitunha. Pakati pedu pane vakawanda vanofamba asi vakafa kare. Neimwe nzira mhuri imwe neimwe ine zvitunha zvayo.
Muno muchechi vakawanda vari kuchema rufu kana kuti vakatofa ivo pachavo:-
- Vamwe vari kuchema muchato wavo.
- Vamwe vari kuchema mwana akarasika.
- Vamwe vari kuchema ukama hwakaparara.
- Vamwe vari kuchema basa rakapera.
- Vamwe vari kuchema mwana, murume, mudzimai kana hama yakafa panyama.
Mukuchema kwedu ngatizivei kuti Mwari ndiye anodzorera upenyu. Sekutaura kwaPauro, nekuda kwenyasha dzaMwari tinopiwa upenyu. Upenyu hwedu chipo chinobva kuna Mwari. Chipo chatinopiwa kuti tizadzise chinangwa chedu panyika.
Pauro akadzoserwa upenyu kuti ave chapupu chaKristo, kuti ave mudziyo waKristo, kuti ape vanhu mufaro, rugare nechitarisiro. Isu Mwari vanoda kutidzosera upenyu.
- Vanoda kudzosera muchato wako.
- Vanoda kudzosera mwana wako.
- Vanoda kudzosera ukama hwako.
- Vanoda kudzosera basa rako.
Kana waitirwa izvi usazokanganwa kutenda Mwari. ‘Kana wakomborerwa usasokanganwa kutenda Mwari.’ Tinotenda sei? Nekuzadzisa chinangwa chako panyika. Kumuda, kuda vamwe, kuva muddziyo wakristo. Kuva chapupu chakristo. Kuva mudziyo werugare. Ndosaka tichiimba tichiti: ‘Ndiiteiwo mudziyo worugare.’
