© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kuti tinzwisise zvinoreva chiitiko chokupamhidzirwa kwechingwa tinofanira kuverenga Jowani 6. Ipapo tinonzwa kuti vanhu vakakwira zvikepe ndokutanga kutsvaga Jesu vachida chimwe chingwa. Jesu akaedza kuvatsanangurira dzidziso yakanga yakaoma yokuti iye ndiye chingwa chinopa upenyu:
Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa choupenyu chakaburuka chichibva kudenga munhu anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose inyama yangu pachangu. (Jowani 6:48-51)
Jesu paakataura mashoko aya vanhu vakaremerwa nawo. Vakakahadzika kuti anorevei kana achiti ‘kudya nyama yangu nekunwa ropa rangu.’ Vakati ‘zviri kutaurwa izvi zvakaoma. Ndiani angateedzere zvakadai?’
Chishamiso chaJesu waive mucherechedzo wechingwa newaini zvaaizopira pazuva rechirariro chekugumisira. Zvino mazuva ano tinoona kuti varipo vanhu vanonetseka nekutendera chimisteriya chekuti chingwa newaini zvatinopira pamisa inyama neropa raJesu.
Ini ndiri mudiki ndichidzidzira kugamuchira ndichiri kurangarira mudzidzisi wechitendero achiedza kutsanangudza kuti panguva yekonzekresioni chingwa newaini zvinoshandurwa zvichiva muviri neropa raKristo. Mudzidzisi uyu aiti mumaziso edu tinenge tichiona chingwa newaini asi kana zvakomborerwa zvinenge zvatova muviri neropa raKristo. Ini ndakaedza nepfungwa dzangu dzemwana mudiki kunzwisisa dzidziso iyi asi yakandiremera. Ndaizvinetsa kuti ko munhu wenyama angagokwana mukachingwa kadiki aka chirudzii? Ko doro ringagoita ropa remunhu chirudzii? Mudzidzisi uyu akaona kunetseka kwangu zvikanzi ‘Mwanangu haugone kunzwisisa dzidziso iyi nepfungwa dzako asi nemwoyo wako.’ Mwari haana here kodzero yekuzviratidza nenzira yaanoda?
Munhororondo yeKirike mune vanhu vakawanda vakanyunyuta kuti chingwa newaini zvinoshandurwa zvichiva muviri neropa raKristo. Zvino Mwari akaita zvishamiso zvakawanda zvinopa umboo hwokuti dzidziso iyi ndeyechokwadi. Ndichangokutaurirai zvitatu chete nekuda kwenguva.
Mugore re700 paive nemumwe mupriste wechita chaBhasiri aigara muguta reRanziano kunyika yavaTariana ainzi Bhateri. Murume uyu aisatendera kuti chingwa newaini zvinoshanduka panguva yekonzekresioni zvichiva muviri neropa raKristo. Zvisinei akaramba achingoita muteuro weMisa kunyange aisatendera. Mumwe musi ari pakati pekuita muteuro weMisa panguva yeKonzekresioni chingwa chakashanduka kuita denderedzwa renyama waini ndokushanduka kuita ropa.
Mupriste uyu akambotanga nekurohwa nehana ndokuzozadzwa nemufaro mukuru. Akadaidza vatenderi vaive muchechi kuti vauye mberi vazvionere. Vatenderi vakauya vakaona vakazadzwa nomufaro ndokubuda kunodaidza vamwe vakazvionerawo. Ropa rakazogwamba rikaita tubhora tushanu twakakura zvakasiyana-siyana. Tubhora utwu twakaerwa pachikero zvikashamisa vanhu kuona kuti twaiera zvakafanana kunyange twaive twakasiyana.
Nyama iyi neropa iri zvakachengetedzwa pakanaka. Makore aitevera nyanzvi zhinji dzakaongorora nyama iyi neropa iri kuti vaone kuti chishamiso chiri kutaurwa ndechechokwadi here. Pane imwe ongororo yakaitwa munguva pfupi yadarika mugore re1970 nachiremba ane mukurumbira anonzi Odhowadho Rinori wepaKorichi yapamusoro ye Rorenzo. Chiremba uyu akatora chidimbu chidiki padenderedzwa renyama iyi ndokunochiongorora murabhoritori achibva anyora zvaakabuda nazvo mune rimwe gwaro.
Chiremba uyu akaona kuti nyama iyi inyama yemunhu zvechokwadi. Inyama inobva pamwoyo wemunhu uye haina kushandisirwa mishonga kuti isaore zvakare haina kubviswa pachitunha nekuti ingadai yakakurumbidza kuora. Izvi zvinoreva kuti chishamiso chepaRanziano ndechechokwadi.
Denderedzwa iri renyama richiri rakachengetedzwa pachechi yeRanziano munyika yavaTariana. Vanhu vakasununguka kupinda muchechi iyi vachizvionera. Ini ndakazvionera pamhuno sefodya pandakaenda kuItaly mugore re2007.
