© Musakope Mharidzo iyi musina mvumo
`Kana Mwari ave kuda kuita chinhu chakakosha muupenyu hwedu anotanga nokutipa mucherechedzo unova ndiwo unotigadzirira kugamuchira zvaanenge oda kuita. Pachiitiko chePendekosti Mwari akatanga nekupa micherechedzo miviri: mucherechedzo waiitirwa nzeve nomucherechedzo waiitirwa maziso. Mucherechedzo wokutanga kwaiva kutinhira kwaibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo ine simba.
Mucherechedzo wokutanga uyu chaiva chiratidzo chokuvapo kwaMweya nokuti zita raMweya nezita remhepo zvimwechete muchiHebheru. Zvakare mhepo mucherechedzo wekuvapo kwaMweya nokuti pane imwe nguva Jesu anoti kuvadzidzi vake: ‘Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu anoberekwa naMweya’.
Mucherechedzo wechipiri waiitirwa maziso aiva marimi omoto akapararana achinogara pane mumwe nomumwe wavo. Moto waiva chiratidzo chokuvapo kwaMweya Mutsvene. Ndosaka Jowani mubhabhatidzi achiti: ‘Hongu ini ndinokuombekai nemvura kuti mupinduke asi ari kuuya mushure mangu ane simba kupinda ini. Ini handikodzere kutakura shangu dzake, uye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto’ (Mt 3:11).
Micherechedzo miviri iyi yaiva yokugadzirira kuuya kwaMweya Mutsvene asi hatingati micherechedzo iyi yaiva Mweya Mutsvene. Ruzha runenge mhepo rwaiva mucherechedzo, asi rwakanga rusiri Mweya Mutsvene. Marimi anenge moto aiva mucherechedzo asi akanga asiri Mweya Mutsvene. Kuuya chaiko kwaMweya Mutsvene kwakatsanangurwa nemazwi asingasviki vhesi: ‘Vakabva vazadzwa naMweya Mutsvene’ (Mabasa 2:4).
Ko iwo mazwi mashoma aya anomborevei? ‘Vakabva vazadzwa naMweya Mutsvene.’ Isu tinoziva kuti Mwari Baba, Mwari Mwanakomana naMwari Mweya Mutsvene ndiMwari mumwechete. Saka kana munhu akazadzwa naMweya anenge azadzwa neUtatu Utsvene. Utatu Utsvene ndihwo upenyu, ndivo rudo. Saka kuti ‘vapositori vakazadzwa naMweya Mutsvene’ zvinoreva kuti vakazadzwa norudo noupenyu hweUtatu Utsvene. Vakazadzwa norudo nemifaro namakomborero eUtatu Utsvene. Saka pendekosti zvinoreva kuzadzwa norudo noupenyu hwaMwari. Hanzi naPauro Pendekosti zvinoreva kusandurwa norudo rwaMwari uchiva munhu mutsva, uchisiya kuzeza nokutya uchiva noushingi nekuparidza Shoko Rakanaka usingatye.
Izvi hazvisirizvo here zvinoita rudo? Rudo harushandure here? Pane chimwe chikomana chaigarorarama upenyu hwemusikanzwa. Ainwadoro achiputa mbanje, achinonoka kuuya kumba. Asi rimwe zuva akashamisa vabereki vake nokuuya nenguva ndokutogarawo pasi akadya sadza richipisa navamwe. Vachiri kuvhunduka kudaro amai vake vakamubvunza kuti zvaive zvaita sei, iye akati akanga asangana naSuzi. Suzi akamukomeresa kuti kana achimuda anofanira kushanduka, anofanira kusandura unhu hwake.
RUDO RWUNOSHANDURA. Rudo rwunokonzera pendekosti. Rudo rwaMwari rwunoshandura zvakare munhu achisara ave munhu mutsva. Ndakamboona imwe chembere yakaita Pendekosti yakati ‘ndakasangana norudo rwaMwari, ndiri kunzwa kunge kamusikana.’ Mumwewo ndiye akati, ‘Muupenyu hwangu hwose ndainzwa kusadiwa, uye handaimbofunga kuti ndinodikika. Asi nhasi ndasangana norudo rwaMwari.’ Pendekosti zvinoreva kushandurwa norudo rwaMwari. Ndosaka Pauro achiti ‘Rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa’ (VaRoma 5:5). Izvi ndizvo zvinoreva Pendekosti kudururirwa kwerudo rwaMwari mumwoyo yedu.
