© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Nhasi ndinoda kuti toongorore mitsara miviri yakakosha inowanikwa muChidzidzo Chechipiri nemuShoko Rakanaka. Mutsara uri muChidzidzo Chechipiri unoti: ‘Ndakaona Guta rinoera, Jerusarema idzva richidzika pasi richibva kudenga kuna Mwari.’ Mutsara wechipiri uri muShoko Rakanaka unoti, ‘Sokuda kwandakakuitai imi danananiwo.’
Mutsara wekutanga wakakonzera nyonga-nyonga makore akawanda adarika. Kune vemamwe maKirike vanoverenga mashoko aJowani ari muna Zvakazarurwa voatora sezvaari. Vanotendera kuti mashoko aya akaporofita zvinhu zvichaitika nguva ino zvakaita sekuguma kwenyika nekuuya kwevanotendera muna Satani. Zvino vanhu ava vaitendera kuti ‘Jerusarema idva’ riri kutaurwa naJowani rinofanira kuva riri kuseri kwemwedzi kwatisingaone. Sezvineiwo vatyairi eNASA yekuAmerica vakagadzira muchina unokwanisa kusvika kumwedzi. Vanhu vemachechi aya vakatanga kufara vachiti iye zvino zvava kuzobuda pachena kuti Jerusarema idzva riri kuseri kwemwedzi. Vanhu veNASA pavakadzoka vakauya nenhau dzekuti seri kwemwedzi hakuna denga idzva kana Jerusarema idzva. Izvi zvakavashatirisa vakatanga kupikisa vanhu veNASA vachiti vanotaura manyepo.
Saka denga idzva iri neJerusarema idzva iri zviri kutaurwa muna Zvakazarurwa zviri kupi? Zvechokwadi Jerusarema idzva iri harisi kuseri kwemwedzi kwarakamirira kuburuka. Jerusarema idzva rinotaurwa muna Zvakazarurwa ririko, asi harisi kudenga kusingasvikike. Guta raMwari idzva Jerusarema riripo pakati pedu. Mwari anovaka musasa wake kwete muchadenga asi pasi. Guta idzva reJerusarema iKirike.
Kirike hazvireve midhuri kana kuti hurumende yeKirike inotungamirirwa naPapa iri kuVhatikeni kwete. Kirike hazvireve dzimba dzedu dzekunamatira dzakanaka idzi kwete. Kirike hazvireve zvipfeko zvedu zvezvita zvakanaka izvi kwete. Kirike vanhu vaMwari, iwe neni. Mwari anoshandisa vanhu vake kuparidzira Shoko Rakanaka kuti umambo hwake huvepo pasi pano, saka iwe neni ndisu Kirike racho.
Saka kana Jerusarema idzva riri Kirike, iwe neni tirisu Kirike racho zvazvinoreva ndezvekuti iwe neni ndisu Jerusarema idzva racho. Jerusarema idzva rinoonekwa nechitendero chemandorokwati. Jerusarema idzva rinoonekwa nechitendero kwete chepamuromo chete asi chezviito. Mumwe muzvina fundo anonzi Walter Kasper anoti iye chitendero munaKristo chinopararira kana vanhu vakasangana navaKristo vamire pachokwadi vanopupura noupenyu hwavo. Chitendero ichi hachibatwe nokuverenga zviuru zvamabuku ari pamusoro paKristo. Chitendero ichi hachionekwi nokupfeka nhumbi dzezvita. Inga Kristo pachake anoti iye ‘vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana muine rudo pakati penyu’ (Jowani 13:35). Saka iwe neni tikava norudo Jerusarema idzva richavapo.
Zvino kuti tive Jerusarema idzva muShoko Rakanaka tiri kupihwa mutemo mutsva unoti ‘Sokuda kwandakakuitai imi danananiwo.’ (Jowani 13:34). Mutemo mutsva waJesu ndowekuti dananai. Kana Jesu achiti dananai anomborevei? Ini mukupishana pfungwa kwangu ndawana mhinduro yangu pana 1 Jowani 3:16 panonzi: ‘Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo, zvokuti akapira upenyu hwake pamusoro pedu. Isu tinofanira kupira upenyu hwedu pamusoro pavamwe vedu.’
Rudo rwekupira upenyu hwedu uhwu rwakamboita sei? Rudo urwu runonzi agapemuchiGikiri. Rudo urwu rudo rwokuzvipira rusina charunotsvaga. Runopiwa mahara pasina miko. Rudo urwu rwakadzama zvekuti munhu anogona kusvika pakupira upenyu hwake nekuda kwerudo. Saka Jesu kana achiti dananai sokuda kwandakakuitai anoreva kuti ini ndakakudai zvekuti ndakapira upenyu hwangu pamusoro penyu. Imiwo dananai zvekuti munogona kupira upenyu hwenyu pamusoro pavamwe vanhu.
Rudo rweagape urwu rwunooneka chirudzii? Zvinonzi pana Mateo 7:12, ‘zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei imi vaitireiwo.’ Rudo urwu rwunoonekwa nemabatiro atinoita vamwe vanhu. Zvatinovaitira tingade here kuti vatiitire. Makuhwa atinovaitira tingade here kuti vatiitire. Utsinye hwatinovaitira tingade here kuti vatiitire. Kusavimbika kuita gumbo mumba gumbo panze kwatinovaitira tingade here kuti vatiitire. Zvinonzi zvakare pana Mateo 5:44, ‘idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai.’ Rudo urwu runoonekwa nokuda, kwete kufarira, vavengi vedu. Iwe muvengi wako ndiani? Kana ukasamuda hausati wave nerudo rweagape. Chokupedzisira Jesu anoti zvekare rudo rweagape runoregerera kwete kanomwe chete asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.
