© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Basa roufudzi raive rakaoma uye richityisa. Mufudzi aisangomirira kuendesa hwai kumafuro manyoro chete. Aipedza nguva zhinji ari mudondo akamira, akarindira achichengetedza hwai kuti dzisabiwe nembavha uye dzisadyiwe nezvikara zvesango zvakaita samapere, makava kana mhondoro. Tikaenda muchitenderano chakare tinonzwa Dhavhiti achiedza kutsanangurira Sauro kuti ini ndiri mufudzi akanaka ane ushingi. Anoti iye ‘Ini ndaifudza hwai dzababa vangu. Ndaiti kana chikara chakaita sebere kana shumba chikauya chichibata hwayana ndaichironda ndichinunura hwayana yacho kubva pamuromo pacho. Ndaibva ndauraya chikara chacho.’ Vafudzi vaiitawo zvakare basa rokudzora hwai dzinenge dzatetereka nokutsvaga dzinenge dzarasika vachidzidzosa mudanga.
Zvino kuti munhu ave mufudzi akanaka aitofanira kugara akangwarira uye akarindira. Aifanira kuva munhu ane ushingi, asingatye, asiri gwara uye munhu ane mwoyo murefu nehwai; mwoyo munyoro uye rudo nezvipfuyo zvake.
MuchiJudha vane rumwe rungano rwuri pamusoro pokusarudzwa kwakaitwa Mozisi kuti atungamirire vana veIsraeri. Hanzi rimwe zuva Mozisi aifudza hwayana dzavatezvara vake imwe ndokutetereka. Mozisi akaitevera akanoibatira mubani ichinwa mvura pane kamwe katsime. Akamirira kuti ipedze kunwa, isimuke ndokuti kwairi ‘Handina kunge ndaziva kuti watetereka nokuti wanga uine nyota.’ Akaiisa pafudze ndokudzokera nayo kune dzimwe. Mwari achiona izvi akati kuna Mozisi ‘Ndafara nenyasha dzawaitira hwayana iyi saka ndichakuita mufudzi wedanga rangu revana veIsraeri.’
Muchidimbu mufudzi aiva munhu akanaka. Mufananidzo uyu womufudzi akanaka waishandiswa naMwari achizviti ndiri mufudzi wakanaka. Muimbi pana Nziyo 23 anoti ‘Tenzi ndiye mufudzi wangu hapana chandingashaiwa. Mwari mufudzi akanaka anoendesa hwai dzake kumafuro manyoro anodzidzivirira zvekuti kunyange dzikafamba mumupata werima hadzingambotya.’
Madzimambo avaIziraeri savatumwa uye savatungamiriri vehwai dzaMwari vaMwari vainziwo vafudzi. Asi vakanga vasiri vafudzi vakanaka nokuti kunze kwokuti variritire hwai vaidya hwai. Mwari anoshatiriswa namaitiro avo aya otumira muporofita Ezekieri kuti ‘Enda unovabvunza kuti sei musingafudze hwai dzangu muchizvifudza imi pachenyu muchizviunganidzira zvakanaka? Hwai dzakarukutika hamuna kudzisimbisa. Hwai dzinorwara hamuna kudzirapa. Hwai dzinotetereka hamuna kudzidzora. Hwai dzakarasika hamuna kudzitsvaga. Sei muchitonga hwai dzangu nechisimba nehasha?’ (Ezek 34:2-6).
Mubvunzo ndowekuti hatina here kufanana namadzimambo enguva yaEzekieri? Hatina here vafundisi navatungamiriri vasina hanya nehwai dzakarukutika, dzinorwara, dzinotetereka kana dzakarasika? Hatina here vatungamiriri vanotonga hwai nechisimba nehasha? Hwai dzaMwari hadzina here nzara yapamweya?
Mwari zvaakaona kuti madzimambo haana hanya nehwai dzake akati, ‘Ndichafudza hwai dzangu ndoga, ndomene.’ MuShoko Rakanaka ranhasi tinoona Jesu achizadzisa vimbiso yaMwari iyi paanoti ‘Ini ndini mufudzi akanaka … ndakauya kuti vanhu vave neupenyu, upenyu huzere.’ Jesu anozadzisa chinangwa chababa. Izvi anozviita muupenyu hwake. Anonetsana navose vanoda kubvisa chiremera chehwai dzake. Anoona mapere anenge achinyepedzera kunge hwai achiafumura. Anoyambira hwai dzake nezvemakoronga ari mberi. Anochengetedza hwai dzake. Anorwira hwai dzake kune vanodzipikisa.
Jesu akasiira basa iri kuna Pita sekuona kwatakaita svondo rakapera. Akati kuna Pita ‘Unondida here?’ Zvikanzi naPita ‘Hongu ndinokudai.’ Jesu ndokuti ‘Fudza hwai dzangu.’ Kureva kuti hwai dzaKristo dzinofudzwa nemunhu ane rudo naKristo. Zvino Pita zvaakafa basa iri richaitwa nani? Basa iri nderemugamuchidzanwa. Basa iri rakasiirwa iwe neni. Asi haugone kufudza hwai dzaKristo kana iwe pachako usina rudo naKristo. Haugone kutungamirira hwai kuti dzifambe nzira yaKristo iwe usingaizive nzira iyoyo. Haugone kuudza vanhu mazwi aKristo iwe usingazive izwi raKristo.
Kana ukada kuudza vanhu kuti vafambe nzira yaKristo iwe usingaizive wakafanana negakanje. Gakanje rinotora shamhu richirova vana varo richiti ‘Fambai makati twasa’ asi vana vanofamba vakabhenda nokuti ivo mai vanofamba vakabhenda. Neimwe nzira kana uchida kuva mufudzi akanaka unofanira kutanga wava hwai, hwai yaKristo yakanaka.
Chechipiri muzuva ranhasi ratiri kupemberera mufudzi wakanaka zvibvunze kuti ndingaite sei kuti ndibatsire kufudza hwai dzaTenzi? Kana uchida kuva mufudzi akanaka iva munhu ari anosvikika, anoendeka. Iva munhu ane nguva nehwai dzake. Kune vamwe vatungamiri – vafundisi, vabereki nevamwe vanogara vasipo. Havana hanya nehwai dzinorwara, dzakarukutika, dzinotetereka kana dzinorasika. Vakafanana nenetwork system yemamwe mafoni emuZimbabwe. Dzimwe nguva unofona wonzwa the number you have dialled is not available at the moment please try again later. Kana network busy, kana the number you have dialled is no longer in use. Baba, mai vanogara vasipo pamhuri, mufundisi anogara asipo pamisheni. Dzimwe nguva savafudzi tinoenda paavibration – kutaura nemifananidzo chete. Dzimwe nguva tinongonyarara, kuenda pasilent – hatina hurukuro nehwai.
Zvibvunze kuti ndingaite sei kuti ndive mufudzi akanaka?
