© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kazhinji kana tichitsvaga basa pamakambani akasiyana-siyana tinobvunzurudzwa kuti tionekwe kuti takarurama here. Munhu akauya achidura pachena kuti akambodzingwa kwaaive nokuda kwokuba kana kupara imwe mhosva hatimugamuchiri.
MuShoko Rakanaka panoita sokunge paidiwa munhu anaotora basa guru roupapa. Panguva iyoyo Pita anobvunzurudzwa naJesu. Anonzi ‘Pita unondida here?’ Pita anopinduraMubvunzo waakabvunzwa uyu mukuru, wakakosha uye unotidzidzisa zvakadzama. Jesu anobvunza Pita kuti ‘Unondida here?’ tinogona chete kunyatsonzwisisa mubvunzo uyu kana tikadzokera kumutauro wakashandiswa pakubvunza mubvunzo uyu. MuchiGiriki mune izwi rekuti eros, rinoreva rudo rwehavi yekurwarira munhu, vanodanana zvinechekuita nebonde. Rudo urwu rune harupiwi wose wose. Runongopiwa mumwechete akarukodzera. Mune rimwe izwi rokuti philia rinoreva rudo rwokuyemura chinhu kana munhu. Kungava kuyemura muimbi, chivezwa kana kuti rokwe. Kanzinji rudo runopiwa kuchinhu kana munhu anokodzera kuyemurwa. MuChiGiriki munezve rudo runonzi agape, rudo rwekuzvipira zvokusvika pakufira waunoda, rudo rusina miko kana kuti mhondwa. Rudo urwu runopihwa mahara, pachena zvisinei nekukodzera kana kusakodzera.
Saka Jesu pakubvunzurudza kwaaiita Pita akatanga nokumuti ‘Agapes me?’ zvichireva kuti “Unondida here norudo rusina miko?’ Pita zvakamuremera nokuziva kukundikana kwaakambenge aita. Akanga amborasisa Jesu nomuramba naizvozvo akapindura achiti, ‘Philia se’ zvichireva kuti ‘Ndinokufarirai.’ Handikwanisi kukudai norudo rusina mhondwa. Pita anoita sokunge arikureurura kuti ini ndakatadza kukudai norudo rweagape. Jesu anobvunza Pita rwepiri kuti ‘Pita unodida here norudo rusina miko (agape)?’ Pita anopindura zvakare kuti ndinokudai norudo rwephilia. Chinoshamisa ndechekuti Jesu haana kuda kuramba achinyadzisa Pita. Akamugamuchira sezvaari ndokumurerutsira zvikanzi ‘Philia se?’ kureva kuti unondifarira here, unondida here norudo rwephilia. Pita arerutsirwa akapindura kuti hongu ndinokudai. Pokupedzisira tinoona kuti Pita akatada kududza rudo chairwo rwunotarisirwa. Asi zvakadaro Jesu akabva amuti “fudza hwai dzangu.” Kureva kuti akabva apiwa basa guru rekufudza hwai, basa rehupapa.
Dai ndiri ini kana iwe ndinofunga kuti tingadai tisina kupa Pita basa guru kudaro takatarisana neunhu hwake. Pita semukuru wavadzidzi akanga asina kupa muenzaniso wakanaka. Akatadza kuvimbika muzvinhu zvidiki taizovimba naye sei pazvinhu zvikuru. Zvino nhasi tiri kudzidza kuti zvakaitwa kunaPita zvinogona kuitika kwatiri. Mwari anotipa mumwe mukana kunyange tisingakodzere maererano neunhu hwedu.
Rimwe zuva, kuchinaya zvikuru, vamwe baba vaityaira motokari vaine mwana wavo musikana ane makore masere. Mwana akakwenya musoro zvikanzi ‘Baba pane zviri kundinetsa.” Baba ndokubvunza ‘Chiiko chiri kunetsa nhai mwanangu?’ Mwana ndokupindura ‘Mvura iri kuchururukira pahwindo inoita sematadzo edu, zvipukutiso zvakafanana naMwari.’ Baba vakaseka zvikanzi ‘Mwanangu wakachenjeresa, unofunga kuti zvinorevei izvozvo.’ Mwana ndokuti, ‘Mvura iri kuchururukira pahwindo yakafanana nematadzo edu, zvipukutiso zvakafanana naMwari anoramba achipfudza matadzo edu.’
Pita akafoira zvinotarisirwa naMwari asi akaitwa mudziyo mukuru. Akapiwa basa guru musangano. Iwe unotendera here kuti nyange nezvakaita nhororondo yeupenyu hwako unogona kuregererwa ugotanga patsva ugoshandiswa kuita zvinhu zvikuru.

Amen
LikeLike