© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Nguva zhinji Tomasi anopomerwa mhosva nokusanzwisiswa navakawanda. Vamwe vanomuti chikomana chenyunyuto (Doubting Thomas). Vamwe vanomuti mutyutyu. Asi tikanyatsoongorora tinoona kuti handizvoba. Tomasi munhu anoyemurika, munhu akanga akavimbika kunaTenzi. TOmasi aida Jesu omwoyo wose, ndosaka akati ndinoenda nemi kuJerusarema nyange zvichireva rufu. Tomasi munhu aive wenyunyuto asi nyunyuto yake yaive yakanaka nokuti yaive yokutsvaga ruzivo runosvitsa pakutendera kuzere.
Jesu paakarovererwa pamuchinjikwa achizofa, upenyu hwaTosi hwakaita sehwaparara. Akapaiwa mwoyo, akarwadziwa, akapererwa, akaodzwa mwoyo. Kusava kwake pana vamwe kunogona kuva kwakakonzerwa nezvaiitika zvokurwadziwa kwake. Aifunga kuti zvose zvazopera hapasisina chimuko. Neimwe nzira Tomasi aive nezvikonzero zvakawanda zvokusava pana vamwe. Asi nokusavapo kwake akarasikirwa nezvakawanda.
- 19 akarasikirwa nokuvapo kwaTenzi
v.19 akarasikirwa nesimba raTenzi
- 19 akarasikirwa norugare rwaTenzi
- 20 akarasikirwa nerumbidzo yaTenzi
- 21 akarasikirwa nokusimudzirwa naTenzi
- 22-23 akarasikirwa nezvokudya zvaTenzi
Muchidimbu Tomasi aive nezvikonzero zvakawanda zvokuzvitsaura asi akarasikirwa nezvakakosha nokuti akanga asiri panavamwe. Ukazvitsaura unopotsa zvakawanda.
Zvakaitika panaTomasi zvinotipa mufananidzo wakakosha paungano yedu savatenderi. Pane zvakawanda zvatinorasikirwa nazvo tikasabatana nevamwe vatenderi muchechi nomumapoka edu. Pane zvikonzero zvakakosha zvinogona kutitadzisa kuuya kuchechi zvakaita samashandiro ekubasa. Vamwe vana vanotadziswa nokuti mitmbo yechikoro kazhinji inoiswa panguva yekereke. Asi varipowo vanotadza kubatana nevamwe nokuti vane chigumbu kana kuti vane wavakapesana naye. Vamwe vanokoniwa kuuya kugungano nokuti havafarire muparidzi kana kuti pane zvinoitwa nomufundisi zvavasingadi. Pane vanotsvaga zvikonzero zvakawanda zvinovatadzisa kuva pane vamwe vatenderi.
Mumwe murume nomudzimai wake vakamuka manganani. Mudzimai akapedza kugadzirira kuenda kuchechi. Nguva dzokubuda mumba dzave kukwana akaona kuti murume wake achiri mumagumbeze uye haana kugadzirira. Akashamisika akati, ‘Sei usina kumuka nokugadzirira kuenda kukereke?’ Murume akati, ‘Nokuti handisikuda kuenda.’ Mudzimai ndokubvunza, ‘Unechikonzero here?’ Zvikanzi, ‘Hongu ndine zvikonzero zvitatu. Chokutanga vatenderi vacho vakatonhora. Chechipiri hapana anondida. Chechitatu, handisikungoda kuendako.’ Mudzimai akapindura nouchenjeri, ‘Mudiwa, ndine zvikonzero zvitatu zvokuti uende kuchechi. Chokutanga vatenderi vanemwoyo wakanaka. Chechipiri kune vamwe vanokuda. Chechitatu ndiwe mufundisi wavo. Saka pfeka tiende kuchechi!’
Tingava nezvikonzero zvakakosha zvokusabatana nevamwe. Asi dzimwenguva tikaongorora tinoona kuti tine zvikonzero zvikuru zvokubatana nevamwe. Iko kuenda kuchechi murairo watakapihwa naTenzi. Kusaenda kuchechi kunoita souchapupu kunyika kuti upenyu hwangu hwakakosha kupinda kushumira Tenzi. Ukapotsa mupiro wechitendero watorasikirwa nezvakawanda. Kana uine dambudziko, uine zvaunoshuvira, uine mibvunzo inokunetsa, unogona kurasikirwa nemhinduro inobuda mukusangana nevamwe. Unorasikirwa nezvakawanda ukasavapane vamwe.
Mugungano resangano, Mwari anezvakakosha zvaanoda kutiitira nguva dzose. Mune rimwe ruwa mumwe mambo akanetseka nokuti aizosiira vanhu vake nhaka yakaita sei. Pikupedzisira akati regai ndivavakire chichi. Hapana akaona chichi iyi ichivakwa kusvika yatopera. Vanhu vakokwa vaungana vakashamiswa nounaku hwekereke iyi. Mumwe ndiye akazobvunza, ‘Ko marambi acho aripi? Tinovheneka sei murima?’ Mambo vakanongedzera kutumakomba twaive kumadziro echechi. Vakapa mumwe nemumwe wavaipo rambi ravaizofanira kuunza pose pavanosangana kuzoshumira. Vakati, ‘Nguva yose yauchange uri pano paunogara pachange paine mwenje. Nguva yose yaunenge usiri pano paunogara pachava nerima. Ichi chichava chieuchidzo chekuti ukatada kuuya kuchechi rimwe divi remba yaMwari richava nerima.
Pane zvinoshota pagungano raMwari nguva yose yaunenge usipo!
