© Musakope mashoko aya musina mvumo
Sista Maria Faustina Kowarisika chizvarwa chekuPorandi. Vakacherechedzwa somutsvene naPapa Jowani Pauro II mugore re2000 riri svondo rechipiri roMwaka wePasika.
Faustina akafa ari aine makore makumi matatu nematatu ekuberekwa, mugore re1938. Rungano rwake rwoutsvene rwakatanga sezvizvi. Rimwe zuva, ava namakore gumi nematanhatu, ari pakati pokunamata pamberi peSakaramende dzvene akadzamirwa ndokuva nechishuvo chakadzika chokuda kuta mupikiri. Akanonyeurira vabereki vake zvaiva muninga romwoyo wake. vabereki vakati kanha kuramba pfungwa iyi vachiti vanoda anovariritira. Somwana haana zvaaigona kuita asi tinoziva kuti kana munhu aine chishuvo chake zvinonetsa kumumbunyikidza kwenguva ndefu. Mugore re1924 Faustina ava namakore gumi namapfumbamwe akatorana nasisi vake Nataria ndokuenda kupaki yepadyo kwaivenemveesano nokujaivha. Vari pakati pokujaivha Faustina akaona chiratidzo chinoshamisa chaJesu achitambura. Akamhanyira chiriporipo muchechi yaakatanga kuona ndokusvikononzi naTenzi ndinoda kuti uende kuguta reWoso. Akafumomuka mangwana mangwanani akananga kuWoso ndokusvikonopinda zvekare muchechi yaakatanga kuona. Akagamuchirwa nomupriste waipapo uyo akamuratidza munhu wokufanogara naye kusvikira awana konivhendi inomugamuchira. Makonivhendi mazhinji akamuramba, asi zvisinei akazogamuchirwa nemasista echita chaMai veTsitsi.
Mugore re1931 Fautsina akaratidzwa mambo Jesu veTsitsi Dinoera vakapfeka gauni jena rine miranzi miviri, muchena nomutsvuku, yaidzika naparutivi. Akaudzwa kuti apende mufananidzo uyu waaiona nokunyora mavara anoti ‘Jesu, ndinovimba nemi.’ Kubva ipapo akasarudzwa somutumwa kana kuti mupositori wetsitsi dzaMwari ndokupiwa basa rokuzivisa pasi nezvenyasha dzaTenzi.
