@ Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Ndiri kurangarira ndichikura, ndiine makore manomwe tichiita zvidzidzo zvechitendero navana sista. Pataive tave kuda kusvika muVhiki Dzvene vamwe sista vakatanga kutidzidzisa nezverungano rwamarwadzo namatambudziko aJesu. Sista ava vaitaura rungano urwu nenzira inosiririsa. Vaiti ivo Jesu aiti akanzi shamhu, shamu odzadzarika odonha pasi. Jesu aiti avavarira kusimuka osvipirwa mate orohwa mbama. Imwe shamwari yangu yakarwadziwa ndokuyerera tumisodzi ichibva yakanuka ichiti ‘Shemu, hazviite izvi.’
Sista vakaenderera mberi nerungano rwaJesu zvikanzi mushure memazuva matatu Jesu akamuka ave kupenya ndokuenda kune vadzidzi vake vakanga vakazvivharira mune imwe imba vatyitya achibva avati musatye zvenyu. Vadzidzi vakatanga kufara. Shamwari yangu yakatanga kunyemwerera ndobva yakanuka zvakare ichiti ‘He he he. Ndafara!’ Vanhu vose vakacheuka ndokubva vamutarisa vachibva vaseka. Sista vakanyemwerera ini ndakaturika ruoko rwangu pamusoro pake ndichiratidza kufara.
Zvakaitika kushamwari yangu ndinofunga zvakaitikawo kwatiri tose musi weChishanu Chakanaka paitaurwa rungano rwamaradzo namatambudziko aJesu. Takaona Jesu achiitirwa utsinye, achirohwa, achisvipirwa, achirambwa neshamwari. Vamwe vedu nechemumwoyo vakangoti Shemu, hazviite izvi.’
Nhasi rungano urwu ruri kuenderera mberi tichiudzwa kuti Jesu amuka muvafi. Zviso zviri kupenya, vanhu vari kufara. Vari kuita seshamwari yangu yakati ‘He he he, ndafara.’ Ngatifarei. Ngatiimbei tichiti Hallelluia! Hallelluia! Zvatanga tasuwa munguva yoKutsanya. Ngatibatanei naDhaviti tichiimba tichiti ‘Ndiro zuva rakaitwa naTenzi. Ngatifarei. Ngatifarei, Ngatifarei tipemberere maari!’ (Nziyo 118:24). Chokwadi ngatifarei nekuti panechaitika. Chokwadi chakunda manyepo. Ruenzaniso rwakunda udzvanyiriri rufaro rwakunda marwadzo.
Zvaitika nhasi zvakafanana nezvinoitika kana vanhu vachiona firimu rinotyisa. Pane rimwe firimu rinofarirwa nevechidiki rinonzi Batman. Mufirimu iri panenge paine munhu anenge achitofara zvake nemhuri yake, vachiseka. Mhandu dzinouya asingafungire dzomubata nechisimba dzoenda naye kunzvimbo iri kure, dzonotanga kumurova, dzichimutocha kusvikiri arukutika, apera simba asisina chitarisiro chekurarama. Ipapo Batman anobva amhara kubva kudenga orwisa mhandu dziya onunura munhu uyu. Vanenge vachiona firimu vanotanga kufara nokuti muipi akurirwa newakanaka. Munhu wountsinye akurirwa nemunhu ane rudo.
Isu musi weChishanu Chakanaka taiita sevanhu vari kuona firimu rinotyisa. Musi wechishanu Jesu anopurwa pamutsigo, anyombwa, anorohwa, anorovererwa pachipiyaniso, anovigwa sembwa. Isu tinosara tisisina chitarisiro. Musi wechishanu manyepo anorwisa chokwadi, chokwadi okurirwa. Udzvanyiriri anorwisa ruenzaniso, ruenzaniso okurirwa. Uipi anorwisa chakanaka, chakanaka okurirwa.
Pamusoro pazvose Jesu anosara ave oga. Judasi shamwari yake inomutengesa. Pita munhu waaivimba naye anomuramba. Vadzidzi, shamwari dzake dzapamwoyo dzinomutiza. Pirato mutongi anofanira kupa ruenzaniso anomutongera rufu achisunungura mhondi ininzi Bharabha. Musi wechishanu chivi chinokunda. Dai rungano rajesu rwaiguma musi weChishanu tingadai taiti ‘Shemu.’ Asi rungano urwu harugume musi weChishanu.
Rungano rwaJesu ruri kuenderera mberi nhasi. Chivi hachina shoko rokupedzisira. Hudzvanyiriri hauna shoko rokupedzisira. Nhasi tatanga chitsauko chitsva cherungano rwaJesu apo tinoona achisimudzirwa, apo tinoona chakanaka chichikunda chivi.
Mhemberero yanhasi inorevei kwauri iwe? Inoreva kuti chokwadi haavanzike, chokwadi haauraike, chokwadi haadzvanyiririke. Kana uchida imboedza kurova chokwadi, kupomera chokwadi mhosva kana kutambudza chokwadi unoona achimuka nezuva retatu. Kana chokwadi asingafe iwe mira nachokwadi. Kana chokwadi asingafe iwe usamire namanyepo neshamwari yake udzvanyiriri nekuti ivava vanofa.
