@ Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Musi weChishanu Chakanaka tinorangarira rungano rwamarwadzo namatambudziko aJesu Kristo. Tikaongorora rungano urwu sekunyorwa kwarakaitwa naJowani tinoona kuti Jesu ari pamuchinjikwa anorereka musoro wake mweya wobuda maari obva ataura shoko rake rokupedzisira achiti ‘Zvapera, (tetelestai)’ (Jn 19:30). Makambozvibvunza here kuti izwi irori rekuti zvapera rinorevei? Kuti tinzwisise zvinoreva izwi iri tinofanira kudzokera kuGiriki kwarakabva maererano nekushandiswa kwarakaitwa muBhaibhiri.
Ana mazvikokota vebhaibhiri vakatanga kunzwisisa zvinoreva izwi iri pavakaenda kuIziraeri, uko kwakararama Jesu, vakanoita tsvagurudzo. Vanhu ava vanonzi maarcheologists vanoita basa rokufukunura dzimba dzakare kana kuti matongo vakasanganidzana neimba yairatidza kuti yaimbove hofisi yemuteresi makore zviuru zvadarika. Mumba umu makaonekwa marekodzi akanga asati akanganisika evanhu vaimbova nezvikweteti. Marekdzi aya akanga akanyorwa nechepamusoro kuti “tetelestai”, zvichireva kuti chikwereti chapera. Munhu uyu ane marekodzi aya haasisina chikweteti chabhadharwa chose, chapera, tetelestai. Zvino kana shoko raJesu rokupedzisira ari pamuchinjikwa riri rokuti tetelestai zvinomboreveri? Zvinoreva kuti kana ukatarisa marekodzi ako oupenyu mune zvikwereti zvorutadzo zvakanga zvirimo asi nokuda komuchinjikwa zvikwereti izvi zvapera, zvabhadharwa, tetelestai.
Kana tikatarisa mubhaibhiri tinoona kuti munguva yaJesu rutadzo chikwereti kuna Mwari. VaJudha vaiona rutadzo sechikwereti kuna Mwari. Jesu paanouya anoshandisa mutauro iwoyu wavaJudha wokuti rutadzo ‘chikwereti’ kuna Mwari. Pane imwe nguva Jesu paakataura rungano rwemurume akaregererwa chikwereti chake chakawanda iye ndokutanga kunetsera mumwewo chikwereti chishoma-shoma.
Hanzi Mumwe murume akanga aine mazana amadhora ezvikwereti kuna mambo wake. Mambo uyu akada kuti amutengese kuuranda aita hasha, asi murume wechikwereti paakakumbira ruregerero akabva anzwirwa tsitsi. Ari munzira kuenda akasangana nemunhu aive nemadhora mashoma-shoma ezvikwereti naye ndokumuitira hasha achibva amusungisa. Izvi zvakashatirisa mambo akambenge amuregerera. Munyaya iyi Jesu aida kutidzidzisa kuti kana munhu uchinge waregererwa chikwereti chako chikuru chorutadzo naMwari unofanira kuregerera vamwe tukwereti twavo twezvavakakutadzira.
Jesu anotiddzidzisa munamato zvekare maanoti namata uchiti ‘tiregerereiwo zvikwereti zvedu sokuregerera kwatinoita vanezvikwereti zvedu.’ Neimwe nzira tiregerereiwo matadzo edu sokuregerera kwatinoita vakatitadzira. Matadzo chikwereti kuna Mwari. Naizvozvo Jesu paakataura izwi rokupedzisira achiti tetelestai aireva kuti chikwereti chako chorutadzo chapera, ndachibhadhara neropa rangu radeuka pamuchinjikwa. Matadzo ako ose aregererwa.
Zvino iwe woita sei zvawakanzi naJesu tetelestai, chikwereti chako chorutadzo chapera? Chokutanga tendera kuti izvi zvakataurwa ndezvechokwati, Jesu aitorevesa. Jesu haana kuti ndinovimbisa, matadzo ako acharegererwa akati ‘matadzo ako aregererwa.’ Jesu haana kupa zviga kuti ndichakuregerera kana waita chakati, akati tetelestai, matadzo ako aregererwa. Unotendera izvi here? Unofanira kutendera kuti matadzo aya ari kurehwa kwandiri ini. Hazvinei kuti matadzo angu akakura sei, ndaregererwa. Hazvinei kuti matadzo ako akakura segungwa, waregererwa.
Chechipiri unofanira kutenda Jesu nezvaakakuitira. Iti kuna Jesu ‘ndinokutendai Jesu.’ Svondo roga-roga raunouya kuno kuchechi tenda Jesu nezvaakakuitira. Yukaristiya tsvene pachezvayo muteuro wokutenda. Unofanira kushandisa mukana iwoyo kutenda.
Chechitatu unofanira kuita zvawakaitirwa. Jesu akakuda saka iwe unofanira kudawo vamwe. Kana Jesu akakuda nenzira yakakura zvakadai ko iwe chinokutadzisa kuda vamwe chii? Unofanira zvakare kuedza kusema rutadzo. Kana iwe wakamboregererwa chikwereti chako chorutadzo unogorambirei uchiunganidza chimwe chikwereti.
Pazuva iri tinoenda kunopfugama pamberi pomuchinjikwa tichichiremekedza. Paunomira pamberi pochipiyaniso rangarira zvakataurwa naJesu kuti tetelestai, zvapera. Mutende. Vimbisa kuti hauzombomurasisa.
