@ Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Rungano rwavarume vaviri vanotarisana…
Zviverengwa zvedu zvanhasi zvine matingindira akawanda. Asi tinoda kunangana nezvakaitika pakati pavarume vaviri. Varume ava vaiwirirana zvikuru uye vakanga vatsidzirana kuti hatizombofa takarasisana. Zvino mumwe wavaviri ava akasungwa, ndokutanga kutinhwa achiendwa naye kunouraiwa. Mumwe wake akanga ari pakati pokudziya moto nemhandu. Uyo aidziya moto akabvunzwa kuti ‘Ko murume arikunouraiwa haisi shamwari yako here?’ Iye nokutya akati tana kuramba, ‘Kwete, bodo, handitombomuziva zvangu ndinopika.’ Achingobva mukuramba sahwira wake wake kudaro jongwe rakabva rakukuridza, ndokuti pengenu achinosanganidzana maziso neshamwari yake yaakanga aramba ndokubva ati chitsoka ndibereke achinosvimha misodzi yenyadzi. Murume akaramba mumwe ndiPita, murume aienda kunourayiwa ndiJesu.
Rungano urwu runotidzidzisa kuti ChiKristu chii? ChiKristu hakusi kungoteedzera mitemo, kana kuuya kuchechi, ChiKristu kufamba naJesu. ChiKristu hakusi kubvisa mugove svondo roga roga kana kupfeka yunifomu. ChiKristu kuumba ukama hwakadzama naKristu. ChiKristu kuchengeta mhiko yaunenge wakapika kuti ndinoda kurasa Satani namabasa ake ose noushe hwake hwose, handizombofa ndakakurasisa iwe Jesu. ChiKristu kuumba ukama hworudo, ukama hwekuvimbana, ukama hwekutendeka naJesu.
Pita akati atarisana namatambudziko ndokutyora ukama neshamwari yake Jesu. Pita akasiya shamwari yake ichitambudzika achinodziya moto nemhandu dzaJesu, ndokuramba Jesu achida kunzi munhu akanaka. Shamwari yake payakazopfuura nepaaive ari ikamutarisa akabva aziva kuti zvaaita zvakaipa, arasa mumwe wake kuti agamuchirwe navatorwa. Muchiitiko ichi tinoona kuti Pita akanga asina kutyora mitemo, akanga achiri muteveri waJesu asi akatyora mhiko yekutendeka nokuvimbika nomumwe wake munhamo nemumatambudziko. Izvi ndizvo zvakamuita kuti asvimhe misodzi yenyadzi. Zvisinei, Jesu akazouya kwaari mushure mamasvondo asingamupe mhosva asi achiti ‘Simoni mwana waJona unondida here?’ Kureva kuti unoda kuti ukama hwedu hudzokere pakare here?
Chiitiko ichi chinorevei muupenyu hwedu? Vazhinji vedu tiri vanhu vanoedza kuchengeta mitemo yaMwari nemitemo yeSangano. Tinoedza kuuya kuchechi svondo roga-roga. Tinoedza kubvisa migove yedu uye kupfeka mayunifomu edu ezvita. Asi charenji iripo ndeyekuti uneukama hworudo here naKristu? Unochengeta mhiko yawakapa paRuombeko here yokuti ndinotsidza kurasa satani namabasa ake ose noushe hwake hwose? Ini ndinofunda kuti pane dzimwe nguva dzatinoita saPita, nguva dzatinorasa Jesu nokuda kwekuti tinenge tichida kunzi vanhu vakanaka. Pane nguva dzatinodziya moto wezvenyika tichisiya Jesu ari oga. Moto wekuba. Moto wamakuhwa. Moto weshanje.
Zvino kuti tisapinde mukuedzwa ngatizivei kuti chinhu chokutanga chinotisvitsa murutadzo kuva panzvimbo isiri iyo. Iyi ndiyo misiteki huru yakaitwa naPita, akanga ari panzvimbo isiri iyo. Pita aidziya moto navanhu vasingawirirane naKristu, mhandu dzaKristu. Vanhu ivavo ndivo vakamufurira. Aitya kuvaudza chokwadi nokuti vakanga vasingagamuchire chokwadi. Iwe chenjera kutamba navanhu vasiri ivo. Usatamba nemhandu dzaKristu, vanhu vasingade kunzwa chokwadi chinobva kunaKristu. Usatamba nezvidhakwa zvisina gwara, usatamba navanhu vanofarira kuona mifananidzo inonyadzisira.
Ukatamba navanhu vakadai unovarairwa ukasvika pakutadza. Pita akavarairwa akasvika pakutaura mashoko akaipa okuramba shamwari yake Jesu. Ukatamba nezvidhakwa zvisina gwara unovarairwa ukasvika pakufurirwa kuita zvinhu zvakaipa. Ukatamba navanhu vasingaende kuchechi unovarairwa ukasvika pakuita zvinhu zvakaipa zvakare.
Pita zvaakatamba navanhu vasirivo, akavarairwa, akataura mashoko akaipa Jesu akamutarisa. Jesu haana kumutarisa achiti hokoyo kwete, asi akamutarisa neziso rorudo ziso rinokwevera, ziso rinoshuvira kuti daiwadzoka. Iwe saPita unogona kutamba navanhu vasiri ivo ugovarairwa, ugoita chinhu chakaipa asi ziva kuti Jesu anokutarisa neziso rerudo ziso rinokuita kuti ubatwe nenyadzi. Unogona kuva chidhwakwa chamakoko, Jesu ouya achikutarisa usisina sendi, nhamo dzakumomotera. Anogona kukutarisa kuburikidza nourwere kana rufu chairwo. Anogona kukutarisa muzvakanaka kuburikidza neshamwari kana kuti muvakidzani. Jesu anoshandisa nzira dzakawanda kukutarisa neziso rinodzora, ziso rinokwevera.
Kubva nhasi tarisa uone kutariswa kwauri kuitwa neshamwari yako Jesu…
