© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kazhinji patinoverenga rungano rwemwana muparadzi tinofunga nezvevanhu vatatu chete: gotwe, dangwe uye baba. Asi nhasi ndinoda kuti tizive kuti pane rimwe rume risingataurwe nezvaro rine unhu hwakaipa kupinda vose vari munyaya. Iri ndiro rume riya remanomano nounyengedzi rinopa gotwe basa rokufudza nguruve. Rume iri ratisingaudzwi zita raro rinonyatsoona kuti mberi kwaro kumire mwana wechiHebheru. Rinoona kuti mwana amire mberi kwaro mwana akaita sei: haana mari, haana shamwari, haana nzvimbo yaanoti musha. Zviri pachena kuti mwana uyu apererwa, aomerwa, uye ari kunyika isina voukama kwaari mutorwa. Asi rume iri zvisine neizvi zvose unoona richinyemwerera richipukuta maoko achiti: ‘Iwe! Mupfana wechiHeberu, unofondoka kunguruve kana kuti unorova pasi!’
Muchidimbu rume iri rinomwoyo wakaipa, rinoitira utsinye mwana ari munjodzi nedambudziko richimuitisa zvinhu zvinopikisana nounhu hwake, tsika dzake, mhuri yake, chitendero chake nechimiro chake. Mubvunzo ndowekuti, ‘Hatina here vanhu vakadai munharaunda yedu, mumakereke edu?’
Mumaguta ose makuru tinosangana vanhu vakaita serume iri; vanhu vanomira pazvikona vachinyemwerera vachikwezvera vana vanomberereka vaari pakati pokuyaruka. Vana vanoenda kuzvikoro namakombi. Vana vari kutsvaga mabasa. Vanenge vachinyatsoziva kuti kazhinji vana ava vanenge vaine nzara vachida zvokudya, vanenge vachida zvokupfeka, vanenge vachida pokugara. Saka vanhu ivava vanenge vachinyemwerera vachiti, ‘Iwe, mukomana, iwe musikana, nditengesere muviri wako ndikupe chokudya. Ndipe nhaka yako, tsika dzako, chitendero chako, zvaunokoshesa, nazvose zvawakadzidziswa.’ Uyu ungori muenzaniso mumwechete chete waanamuzvinabhizimusi venguva yedu vaneutsinye sohwerume ratanzwa muShoko Rakanaka.
Uipi uhu hwakatekeshera pazvivhitivhiti zvedu apo unhu hwakakosha hwokutendeseka, undere, uye utsvene huchieredzwa nedzidziso inotikurudzira kufadza havi dzenyama, kuita madhiri, kukonzera mhirizhonga uye kurerutsa bonde. Uipi tinohuona mudzimba apo vabereki vakokwezva nezvapasi zveokuda pfuma kupinda michato yavo, vana vavo neshamwari dzavo. Uipi uhu tinosangana navo muvanhu vanotsvaga vana vane matarenda orunako kuimba nemitambo vachivanyengedza nemari kuti vasakoshese dzidzo. Uipi uhu hunoitika nguva dzose munhu paanopa mwana wako chokunwa kana chokuputa kana kumukwezvera paindaneti nechinangwa chokumuchenyedza. Veduwee, pane vanhu vakawanda vakamirira kushandisa vana nokuvanyengedza kuti varase nhaka yavo younhu nokuda kwemari. Murimi wenguruve atanzwa munyaya yanhasi mupenyu pakati pedu, mupenyu munharaunda yedu.
Pane chimwe chinhu zvekare chiri munyaya yataverenga chatisingafanire kupotsa. Dingindira guru, kana kuti zvinoreva nyaya iyi, zvinopfupiswa sezvizvi: gotwe haridi baba, dangwe haridi gotwe. Uru ndirwo rutadzo rwakaputira vagary vepasi rino. Gotwe rinomirira vechidiki vose vasingadi baba, vasingadi anovabvunza, vasingadi miganhu nepokugumira, vasinganyari, vasingadi ukama, vasingadichokuita, vasingadi anovatonga. Vanoshuvira kuti dai baba vasiri vapenyu, vafa. Vanoda rusununguko rwokuita zvinhu zvinovaparadza. Nhau dzizere navanhu vakadai, izwi ravo rinonzwikwa kwose kwose, hasha dzavo dzinoita mutinhimira kwoe kwose.
Kunewo vanhu vanoti, ‘Handina munin;ina. Handina hanya chero nani zvake. Hapana anofanira kutarisira chinhu kwandiri.’ Vanhu vasingadi kuita mabasa etsitsi. Vanhu vanongozvifunga ivo pachavo.
Urwu ndirwo rungano wremwana muparadzi. Rungano rwemurume ane utsinye. Rungano rwevana vasingade anotsiura. Rungano rwevanhu vasingade kuita hanya nevamwe.
