© Musakope mharidzo ino nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Kune vamwe vanhu vanongoona divi rimwechete rezviitiko. Somuenzaniso, vhokano ikaputika kana kuti nyika ikadengenyeka guta richiparadzwa vanhu ivava vanoti vanhu vawirwa netsaona yakadai vari kurangwa naMwari. Kana chamupupuri chikavhuvhuta nesimba chichiparadza miti nemidhuri vanhu vakadai vanomhanyira kuti Mwari vaita hasha vakapanicha vanhu nokuda kwokutadza kwavo. Kangani katinonzwa vanhu vachiti mvura haisi kunaya nokuda kwamakunakuna atsamwisa Mwari. Pfunga yokuti ‘Hapana chinoitika pasina chikonzero’ yakapinda ikatyokera mupfungwa dzavamwe vanhu. Mumaonero avo zvose zvinoitika kwatiri [zvakanaka nezvakaipa] zvinoitika nokuti Mwari anechikonzero chakavandika, shatisingazivi, chatinofanira kugamuchira. Vadzidzi vaJesu vaivewo namaonero akadaro. Vakaedza kutsanangura upofu hwomurume akazvarwa asingaoni vachibvunza kuti: ‘Ndiani akatadza .. kuti murume uyu ave bofu’ (Johani 9:2).
Maonero aya anonetsa kupikisa nokuti zvinobva zvaita sokunge usingatenderi muna Mwari. Asi muShoko Rakanaka Jesu ari kupikisana zvachose namafungiro akadai. Anoti pane zvinhu zvakawanda zvinongoerekana zvaitika zvisingadi kuti timanikidzire kutsvaga chikonzero. Jesu anopa mienzaniso miviri: unechekuita nezvematongerwo neunechokuita namasikirwo ezvinhu. Anoti vanhu vakapondwa naPirato navanhu vakafa mutsaona yokutsitsirirwa neshongwe havana kupinda mutsaona iyi nokuti vaikodzera kutambura zvavakaita. Ari kusimbisa kuti zvinhu zvakawanda zvinongoerekana zvaitika pasina chikonzero. Muupenyu vanhu vatsvene vakawanda vanogona kuwirwa netsaona, uye vanhu vakaipa vakawanda vanogona kuita rombo rakanaka ravasingakodzeri. Mwari akapa rusununguko kunyika saka paine chakanaka nechakaipa.
Jesu anotidzidzisa kuti tishandure nzira dzedu zvikuru maonero atinoita kutamabura kwavamwe. Ngatinamatirei zvikuru nguva ino yoMwaka woKutsanya kuti tisiye katsika kokutongavamwe maererano nokukodzera kana kusakodzera kwavo. Ngativavarire kunyaradza munhu watinoziva ari pakati pamarwadzo kana kutambura kukuru, munhu akawirwa netsaona.
