©Musakope maridzo iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
‘Ndichapa muonde nguva ndichiuchengeta asi ukasabereka michero ndichauparadza’
Shoko Rakanaka riri kutiyambira kuti ndishandise nguva nomazvo tichiri pano pasi. Upenyu hupfupi-pfupi nhambo yoga yoga haifaniri kutambiswa. Tinofanira kurangarira kuti chakakosha hausi huwandi hwemakore atinorarama pano pasi, asi mhando yokurarama kwatinoita.
Iwe unorarama upenyu hwakaita sei? Unoshandisa sei chipo chenguva chawakapiwa naMwari? Tiri mionde wakadyarwa pano pasi naTenzi kuti ibereke michero. Tenzi anotiitira zvose zvatinoda, anotichengetedza uye anotiratidza hanya nenzira dzakasiyana-siyana. Asi anotarisira kuti tibereke michero. Nguva yatinayo ndeyaMwari; tiri kushandisa sei nguva yaMwari? Iri ndiro dama reShoko Rakanaka. Shoko iri riri kutirangaridza kuti chinangwa chedu ndechekurwa nouipi tichigamuchira unaku; kutendeuka, kubereka michero. Hanzi tikasabereka michero tinofa.
Hondo huru nouipi iri mudzimba dzedu. Tinofanira kumira tichirwisa unhu hunokanganisa chimiro chedu saVaKristu. Somurume nomukadzi tinofanira kurwisa kuti tinzwane. Murume chaiye kana mudzimai chaiye anogoverana nemumwe wake zviri muninga romwoyo wake – zvaanonzwa, zvinomutyisa nezvaanofarira. Iyi ndonzira yatinokurira uipi nayo. Pakati pavawanani pakava nokunyengedzana kuremekedzana kunobva kwaperawo. Zvikadaro uipi hunenge hwakunda. Michero iri kutaurwa naTenzi panenge pasisina.
Muupenyu mune hondo dzevechidiki. Upenyu ruremekedzo. Asi zvinogona kuti vechidiki vanomira kuremekedza vabereki vavo pamwe nevamwe vechikuru. Vanogona kutanga kupindura vabereki nomutoo unovadzikisira. Vanogona kuva nhunzvatunzva vagova chirwadzo kuvabereki. Kana zvinhu zvakadai zvikange zvaitika uipi hunenge hwakunda, unhu hunenge hwatorerwa nounyangadzi. Saka chokutanga vabereki vane hondo huru yokurera vana nenzira inovapa chiremera. Kurera mwana ibasa guru rinorema. Rinosanganisira kuvadzivirira kunezvinokuvadza nokuvaratidza rudo ruzere. Asi rinosanganisirawo kuvarera pachitendero, kuona kuti vabereka michero yakanaka paunhu, padzidzo pamweya napachitendero. Chechipiri vana vane hondo yokuziva kuti naivowo vachakura, ndivo vatungamiri vamangwana. Vanofanira kuumba unhu hwavo, kubereka michero yakanaka kuitira mangwana.
Hondo inowanikwa zvekare mumabasa atinoshanda nemunharaunda dzatinogara. Mumabasa nomumaraini munoda mienzaniso yavanhu vakatendeka, vamire pachokwadi, uye vanechitendero chakasimba. Mumabasa nomumaraini uipihwatekeshera. Mumabasa mune muzere kurongerana, kudzikisirana, kuitirana makuhwa nokuda kuputsirana pasi. Hanzi nabob Nyabinde mune ‘Kupingana netambo dzezvipingaidzo.’ Isu savaKristu tikapinda muunhu ihwohu uipi hunenge hwakunda. Mumaraini mune kusavimbika kunoitika muukama hworudo. Vazhinji vakaroora kana kuroorwa vanotadza kuvimbika pamhiko dzavo dzomuchato. Panguva yakadai ndopanoda kuti muKristu chaiye amire pachokwadi, atendeke achengete chiremera chake, achengete muchato wake. Akadaro anenge akunda, nenge abereka michero yataurwa naTenzi.
Muzvikoro mune hondo zvekare. Vana vazhinji mazuvano vanotofanira kutirira kunyadziswa nokusekwa kana vakasarudza kuita chakanaka. Akasarudza kuva nounhu dzimwe nguva anenge watosarudza kurasikirwa neshamwari dzake. Zvinotoda chivindi chikuru kuti azvimiririre atendeke nyange zvichireva kuti acharasikirwa neshamwari uye achatarisirwa pasi. Zvinotoda kuti mwana azive kuti zviri nani kusara neshamwari shoma kana kusara woga pane kurasikirwa nounhu hwako. Ramangwana rakakosha kupinda kubvuma kurasiswa nokuda kugamuchirwa neshamwari. Kana mwana akaziva izvi anenge akunda, anenge achibereka michero yataurwa naTenzi.
Hondo iyi irimowo munyika matinofanira kurwa nazvose zvinobvisa unhu zvisinei nokuti tinorasikirwa nomukurumbira kana kuwana vavengi vakawanda. Chokwadi hatingaiti shamwai kana tichirwisana nepfungwa namaitiro okubvisa pamuviri. Vamwe vanotishora vachiti tiri kutorera munhu kodzero dzake. Chokwadi hatingava nomukurumbira tikati uori ngahupere. Vamwe vachatishora vachiti tavakuona, tavakupindira nyaya dzisiri dzedu. Chokwadi hatingave nomukurumbira tikati varombo navanoshaya ngavapiwe kodzero dzavo, pane vanovhiringwa neshoko iroro. Mbiri yenyika iri mumabatiro ainoita zvizvarwa zvayo, kuzviremekedza nokuzvikoshesa. Kana tikamiririra izvozvi tinenge tichibereka michero iri kutaurwa naTenzi.
Mumwe nemumwe wedu muonde unofanira kubereka michero. MuShoko Rakanaka nhasi Jesu ari kutiyeuchidza kuti upenyu hupfupi. Tinofanira kushandisa mukana watiinawo iwoyu kuita zvine pundutso. Nguva ndiyoyi. Ngative nechivindi chokushandisa nguva yatinayo nomazvo. Dai tabereka michero.
