©Musakope maridzo iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Kudaidzwa murudo
Rungano
Kune imwe parishi yandakashanda, ndaisangana neboka ramadzimai gumi namashanu kamwechete pasvondo. Pamisangano yedu taigoverana zvinetsva zvinetswa zvomudzimba tichipana mazano. Mutemo weboka waiva wokuti kana dambudziko rako rapera wobuda uchipa vamwe mukana wekubatsirwa.
Asi takaita mumwe mudzimai akaramba achingouya asi aigara mukona akati zii pasina chaaitaura. Akatishamisa rimwe zuva paakagoverana nesu rungano rungano runobata mwoyo (Akati udzai zvenyu vamwe vagobatsirika). Zita rake ainzi Kupenya. Aia neshamwari inonzi Munyaradzi uye akanga akaroorwa negweta rine mukurumbira rainzi Mudiwa.
Hanzi naKupenya murume wangu aishanda nesimba. Aibva pamba runganangwana ndirere dzimwe nguva odzoka usiku ndirere. Dzimwe nguva aidzoka akapakatira mabhegi maviri azere nemafaera ekubasa. Aingopinda mumba akananga pakombiuta yake ini ndomuunzira chikudya ikoko otanga kudya achipedzisa basa rake. Aizosara ozopedza ndatorara. Mazuva aainge asina basa ainge akarukutika zvokuti aingoti rabada pasofa tichiona chivhitivhiti. Kupenya anoti ndakatanga kuzviona seruva rinopenya, rinoevedza rakagadzikwa ndokukanganikwa muvharanda kusvikira rasvava, rauna kupenya kwose kwapera.
Kupenya anoti rimwe zuva Munyaradzi akandishanyira akanzwa tsitsi achindiona. Akanditi nhai Kupenya hindava kuzvibata huyanga. Nhumbi dzako hadzisi kuyevedza, chiso chako hachisi kuvaima. Akanditi ndigeze, ndokuoenda neni kunogadzirwa musoro. Ndakatora nguva ndichiiswa wivhi. Tabvapo ndakanopodeswa nokukwenenzverwa kumeso. Tsiye nenzara zvakapendwa. Ndakazoendwa neni zvekare kunotengerwa hanzu, shangu dzegogo neheti yemurara ine munhenga zvemari yepamusoro ndikapfekedzwa. Ndakatengerwawo hendibhegi ndokubatiswa muruwoko.
Hanzi tadzokera kumba ndakagariswa musofa ndichiita kunge mudzimai wemutungamiri wenyika akamirira kukwira ndege. Zvose izvi zvaindipusisa asi Kupenya aifara zvisina ani ati amboona. Akatanga kukanga kanga nokufurayafuraya ini ndakangoti go ndichizvidya mwoyo. Ndiri kufunga kudaro murume wangu akati pfacha hana yangu ndokurova. Akanditi ba ndokukanda mabhurifikesi ake pasi, ndokusvikondimbundira akatanga kuchema. Akati, ‘Kupenya ndineurombo. Kupenya ndinokuda nemwoyo wose.’
Hanzi panguva iyoyo chiso changu chakabva chabwinya. Chakapenya kwete nokuda kwehembe, shangu kana heti yomurara yandakanga ndakapfeka. Kwete nokuti ndaive ndagadzirwa musoro nokupendwa nokukwenenzverwa. Chiso changu chakapenya nokuti kekutanga mushure memakore akawanda ndakanzwa zita rangu richidaidzwa murudo.
Dzidziso
Chinoshandura zvizere hazvisi zvinhu asi kuziva kuti ndinodiwa zvechokwadi, rudo. Chinopenyesa munhu kuziva kuti mudikani wangu kana vadikani vangu vane hanya neni. Rudo nehanya ndizvo zvinoshandura nokupenyesa. Izvi ndozvakaitika pana Kupenya, akashandurwa nokuziva kuti ndinodiwa mumwe wangu ane hanya neni.
Izvi ndozvakaitika kuna Jesu ari pagomo. Jesu aive nechinangwa muupenyu chokutendeutsa hwai dzakarasika dzevana veIsraeri. Chinangwa chake chokuunza umambo hwedenga pasi pano, kuitira varombo vanorwara nevakadzvanyirirwa. Dambudziko raiva rekuti vazhinji vaisamunzwisisa. Vadzidzi vake chaivo vaisamunzwisisa. Vakuru vakuru vaisamunzwisisa. Vamwe vavo vaitomuvenga nokumurongera. Akatiwo adzinge mweya yakaipa ainzi mabasa aSatani. Akati aregerere matadzo ainzi kuzvidza Mwari. NOkuda kwazvose izvi akazvika pakunetseka nokuva nemibvunzo yakawanda. Pada ndosaka akati ava paKesariya Firipi akabvunza vadzidzi vake kuti vanhu vanombonditi ndini ani. Hapana akagona kunyatsomutsanangura, hapana aimunzwisisa.
Ipapo Jesu ndipo paanokwira mugomo naPita naJemisi naJowani kuti anonamata. Zvinonzi vari ipapo pamusoro pegomo pakanzwikwawo izwi richiti ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa.’ Ari pakati pokunetseka, ari pakati pokuvhiringika, asisina chokwadi nedaidzo yake izwi rake rinodaidzwa murudo. Chiso chake chinobva chashanduka chopenya. Paanozoburuka kubva mugomo anenge azara noruvimbo rwezvaari, anenge azvipira kuenderera mberi nerwendo rwoupenyu, kushandira chinangwa chake.
Mashoko akanaka anoshandura. Mashoko erudo anoshandura, Kana munhu ari mumatambudziko, ari achivhiringika anoshandurwa neruzivo rwokuti ndinodiwa; mudikani wangu navadikanwi vangu vanhu vane hanya neni. Shoko rinobva mumukanwa rinogona kuputsa kana kuvaka, kudzima kana kubatidza, kunyangadza kana kunakisa, kusakisa rima kana kupenyesa. Varipo vane unyadzvi hwokudzima mufaro wavamwe. Varipo vanotaura mashoko anogodora nokunyangadza. Charenji yedu muMwaka uno woKutsanya ndeiyi: ndiri munhu anoshandura vanhu nemashoko akanaka here? Zvii zvandingaite muMwaka uno woKutsanya kushandura vamwe ndichivaita kuti vafare? Ndiri munhu anodaidza mazita avamwe murudo here?
