©Musakope maridzo iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Rungano
Pane anorwadza akataurwa imwe nguva nemumwe mudzimai anorwira kodzero dzamadzimai. Mashoko ake anotambudza, kwete chete nokuti anopa chimiro chisina kunaka pamusoro pamadzimai, asi anopadzidziso yakaipa maererano noupenyu. Zvakaitika ndozvekuti mumwe mutungamiri akaroora akatorwa mwoyo netsvarakadenga ndokuiita chikomba. Nyaya iyi yakaita mukurumbira pasi rose nokuti vanhu vakashamiswa kuti mutungamiri ane chiremera kudai apindwa nei kuti aite ‘small house.’
Nyaya iyi yakati ichiri kupisa-pisa mudzimai anorwira kodzero dzamadzimai ndokubvunzurudzwa pachivhiti-vhiti. Akabvunzwa maonero ake ndokupindura achiti, ‘Mudzimai uyu (small house) hapana chaakatadza. Mazuva ano kuti munhukadzi abudirire muupenyu anofanira kushandisa simba rake, muviri wake kuwana chose chaanoda.’ Iyi ndiyo miedzo makuru yatinotarisana nayo mazuva ano: Kushandisa simba redu namatarenda edu kuwana chose chatinoda!
Zviwanire zvaunoda
MuShoko Rakakana ranhasi Jesu ari kupikisana nemudzimai uyu. Ririkudzidziswa kuti hapana chakaipa kuzviwanira zvaunoda, asi unofanira kutungamidza Mwari mukuzviwanira zvaunoda. Nguva dzose zvibvunze kuti Mwari anoti kudii nemawaniro andiri kuita zvinhu? Nzira dzandiri kushandisa kuwana zvandinoda dzine Umwari mukati here?
Tikaongorora kuedzwa kwaJesu tinoona kuti aiedzwa nezvinhu zvaanofarira. Aiedzwa kuti ashandise nzira dzokudimbudzira pakuwana zvaanoda. Jesu akanga agara mugwenga kwenguva yakareba, aziya nenzara, saka Muedzi aimuti shandisa nzira dzokudimbudzira kuti uwane chokudya (Ruka 4:3). Jesu aida kuti vanhu vazive kuti ndimambo saka Muedzi aimuti shandisa nzira yokudimbudzira; ndipfugamire, kuti uwane umambo (Ruka 4:6). Jesu aida kuti vanhu vateerere zvaaitaura saka Muedzi aimuti shandisa nzira yokudimbudzira; ita mapipi kuti vanhu vakuteerere (Ruka 4:9). Neimwe nzira Jesu ainzi bvuma kushandiswa neni Muedzi kuti uwane zvose zvaunoda.
Jesu akakunda miedzo yose iyi. Mhinduro yake yaiva imwechete: Ndinofanira kushandisa nzira dzoUmwari kuzviwanira zvose zvandinoda. Miedzi anouya kwatiri nguva nenguva, tinokunda here? Zvokudya zvedu tinozviwana nenzira dzipi? Mabasa edu tinomawana sei? Zvigaro zvedu tinozviwana nomutoo upi? Upfumi hwedu tinohuwana nenzira dzakati twasa here? Pokupera kwezuva: ‘Munhu haararame nechingwa choga asi neshoko rinobva kunaMwari,’ ‘Unofanira kugwadamira Tenzi oga,’ ‘Usaedze Mwaryi wako.’
Shandisa tarenda zvisiri izvo
Miedzo iyi miedzo zvakare yokuti tishandise zvipo zvedu kana kana kuti matarenda edu nenzira dzisiriidzo. Muedzi anogona kuuya okuti shandisa tarenda rako kuti uzviwanire zvaunoda. Jesu akanzi, ‘Shandisa tarenda rako kuti uwane chokudya. Ndipe mwoyo wako kuti uwane umambo. Shandisa tarenda rako kuti vanhu vakuteerere. Iwe une zvipo zvakawanda. Muedzi anogona kuuya kwauri oti, ‘Shandisa tarenda rako rokuparidza kurasisa vanhu. Shandisa chipo chako chokutaura kupesanisa vanhu. Shandisa tarenda rako renjere kudzvanyirira vanhu.Shandisa tarenda rako kuzviwanira zvose zvaunoda.
‘Puruvha’
Nyatsoongororai muedzo wekutanga nowechitatu muone. Pamuedzo wekutanga Jesu akanga apedza mazuva makumi mana ari mugwenga achitsanya. Akati aziya nenzara Muedzi ndokuuya kwaari zvikanzi, ‘Kana uri mwana waMwari sandura matombo ave chingwa.’ Pamuedzo wechitatu Jesu akanzi, ‘Kana uri mwana waMwari svetuka kubva pamusoro petembere Mwari achatumira ngirozi dzokugamha.’ Simba remiedzo iyi riri pakuti ‘Kana uri …’ Muedzi ndokuedza kwaanoita. Anoti ‘Kana uri … puruvha kuti.’ Kana uri mwana waMwari puruvha. Vechidiki vazhinji vari kukurirwa nemuedzo iwoyu. Vakomana vazhinji vakarasikirwa noupenyu hwavo nokuda kwekuti vaida kupuruvha kuti varume chaivo. Vasikana vazhinji vakapinda muna taisireva nekuti vainzi ‘Kana uri … puruvha.’ ‘Kana uchindida puruvha.’
Mhedziso
Jesu akakunda miedzo yose iyi nokuda kwechikonzero chimwechete: kuzviziva. Aiziva kuti ndiani, aizviziva. Jesu aiziva kuti mwana waMwari. Iwe kana uchida kukunda miedzo iyi unofanira kuzviziva. Unofanira kuziva kuti uri mwana waMwari. Jesu akati kuguta kana nzara ndiri mwana waMwari. Kuwana kana kushaya ndiri mwana waMwari. Umambo kana uranda ndiri mwana waMwari. Mapipi kana kushaya mapipi ndiri mwana waMwari. Ukaziva zvauri, ukaziva zvaunoda hausairirwe kwose kwose.
