Kana iwe ukatarisa zvitadzo zvako dzimwe nguva unopererwa nokushaya simba. Ukatarisa zvawakataura nomuromo wako unobva wazviona uri munhu ane muromo wakan’ora. Ukatarisa nzira dzawakafamba unoti handikonzeri kunzi mwana waMwari. Ukatarira zvawakabata unoti Mwari ibvai pandiri ndiri mutadzi. Varipo pakati pedu vanozvisvora. Varipo vakamira kugamuchira Yukaristiya nokuda kwezvavakasenga mumwoyo yavo. Vamwe vakasvika pakukanda mapfumo pasi, vakarega kuuya kukereke, vakarasa chivimbo nezvavari.
Mumwe akanyora achiti:
Vanoshaya kunzvimbo dzakasiyana-siyana
Vanoenda kunyika dzakasiyana-siyana
Vanonoona matongo eZimbabwe
Ini handina chikonzero chekunoona matongo eZimbabwe
Nokuti zviri mukati mangu zvakaoma
Ndine matongo mandiri
Mandiri mune nzvimbo dzasakara
Handifungi kuti Mwari achine chekuita neni
Ichokwadi, pakati pedu pane vazhinji vasina chikonzero chekuenda kure kumatongo eKami, matongo eZimbabwe. Vane matongo makuru aripadyo, arimukati. Kana vakazvitarisa vanoti Mwari ndakan’ora, handikodzeri kunzi mwana wenyu. Mwari siyanai neni, ndiri mutadzi!
Izaya, Pauro naPita
Muzviverengo zvanhasi tiri kusangana navanhu vatatu vane utera hwavo, vane zvitadzo zvavo, vane matongo avo. Vanhu ava vanoti kana vakazvitarisa voti takan’ora, hatikodzeri, tiri vatadzi. Vanhu ava vanozvitarisira pasi, havavimbi nezvavari nokuda kwamatongo ari muupenyu hwavo.
Wokutanga, Izaya, tinosangana naye muchiverengo chokutanga. Izaya ari mutembere maanosangana naMwari mutsvene, Mwari anoera. Anozvitarisa obva aona tsvina dzake, uye kutadza kwake. Mwari paanomudaidza anoti, ‘Mwari handikodzeri nokuti ndiri murume wemiromo yakan’ora. Zvandakataura nemiromo yangu zvakakomba zvekuti handikodzeri kuita muporofita wenyu, handikodzeri kuita basa renyu.’
Wechipiri, Pauro, tinosangana naye muchiverengo chechipiri. Pauro anotondera zvaaibata namaoko ake, kushusha kwaaiita vana vaMwari. Anorangarira kushandiswa kwaaiitwa naSatani kuita mabasa eumhondi. Anotarisa zvose izvi obva atarisa nyasha dzaMwari norudo rwaMwari oti, ‘Ini ndini wokupedzisira, ndini mudiki pavapositori vose. Handitokodzeri kunzi mupositori nokuti ndakashungurudza sangano raMwari.’
Wokupedzisira, Pita, tinosangana naye muShoko Rakanaka. Vakuru vakati hove huru dzinodyira rovira. Pita navamwe vake vainzwisisa izvozvo ndosaka vakabinduka usiku hwose vachiedza kubata hove, asi hapana chavakabata. Akati ava manganani Jesu akauya kwavari zvikanzi nyudzai mambure enyu kwakadzika tione. Vakanyudza ndokubata hove dzakawandisa. Pita achiona izvi kuti hove dzakawanda kudai dzabatwa masikati machena akabva aona kuti uku kuita kwaMwari chete. Akabva azvitarisa ndokuona kukoniwa kwake, ndokuona kutadza kwake akati, ‘Tenzi ibvai zvenyu pandiri nokuti ndiri mutadzi.’
Kuzviziva
Kana takatarisa varume vatatu ava tinoona kuti vakazviongorora vakaona zvavari. Vakazvitarisa vakaona kuti netsvina dzavo, nematongo avo, nezvitadzo zvavo havana kukodzera kumira pamberi paMwari mutsvene. Vanhu vatatu ava vakazviziva. Kuzviziva uku ndokwakaita kuti vagamuchire utera hwavo, ndokwakaita kuti vazive pavanotangira nepavanogumira; vazive zvavanogona nezvavasingagone.
Vazhinji vedu hatizvizivi. Kune vakawanda vanofunga kuti vanoziva. Kune vakawanda vanofunga kuti vatsvene. Vanhu vakadai vane njodzi. Vanotyisa nokuti vanogona kuita zvinhu zvinokuvadzisa vamwe vachifunga kuti vari kugona. Vanhu ivava vari nyore kurasika nokuti havadzoreke, ndivanamaziva zvose. Chinhu chinotonga muupenyu hwavo kuzvikudza, vanozvitutumadza.
Shoko raMwari riri kuti kune uyo wose ari kutambudzika nezvaakataura, nenzira dzaakafamba, nezvaakabata kuzviziva chinhu chakanaka, chisina kuipa. Kuzviziva ndohwaro hwokuti ufambire mberi. Pauro ari kuti, ‘Kana ndiine utera ndopandine simba.’ (2 VaKorinde 12:10). Kana ukaziva utera hwako unoziva paunotangira nepaunogumira. Ukaziva utera hwako unozvidukupisa. Mumwe mupikiri akati, ‘Ukaziva utera hwako unozvidukupisa uye unoita shungu dzekudzidza. Munhu anofunga kuti ndichamangwiza anoputirwa nokuzvikudza otadza kuona kukosha kwaMwari muupenyu hwake.’ Sokireti akatiwo, ‘Munhu, zvizive.’
Todii?
Kuziva zvauri kana kuti kuziva utera hwako hakufanire kuva chikonzero chinokutadzisa kudaira daidzo yaMwari kana kuenderera mberi noupenyu. Izaya paakati muromo wangu wakan’ora haana kuramba achingodzengaira achizvidemba achizvisvora. Akagamuchira ruregerero rwaMwari ndokuenderera mberi neupenyu hwake. Izaya akagamuchira ruregerero rwaMwari zvikanzi ‘Ndiri pano nditumei henyu.’
Pauro zvaakaziva kuti upenyu hwake hwakare hwaisemesa, zvaakaziva kuti nzira dzaakafamba dzinonyadzisa haana kuramba achingozvidemba. Akati ‘Hapana chingaitike kwandiri chinokurira kuziva Kristo. Zvandingataure ndezvokuti ndinokanganwa zvakare ndichifambira mberi.’
Upenyu hwaPita hwakasandurwa kubva musi waakasangana naJesu pagungwa. Haana kuramba ari pagungwa achingoti ndiri mutadzi, ndiri mutadzi kwete. Pita akatevera Jesu akava muredzi wavanhu akava ruware rwakatakura sangano. Iye zvino tinorangarira Pita semutsvene akaita zvinhu zvinoshamisa.
Iwe nhasi uno simuka ufambire mberi neupenyu hwako. Ita savanhu vemujawo wokumhanya vachijamba matanda. Usati kana wadonha woramba ugere uchizvichema. Simuka! Mhanya! Mwari haanei neutera hwako anotoda kukushandisa kuti uite zvinhu zvikuru. Paunenge uine utera ndipo paunotofanira kuita simba. Chigamuchira ruregerero raMwari. Ita saIzaya. Ita saPauro. Ita saPita.
