©Musakope maridzo iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Pita aive muredzi wehove. Aive nebasa rake rakanaka rokuraura raimuraramisa. Upenyu hwake noupenyu hwemhuri yake zvaimira netarenda rake rokuraura. Vashandi vake nemhuri dzavo vaiwana mufaro unobva pabasa raitungamirirwa naPita.
Pita anofanira kuva aine nguva dzaaibudirira, bhizimusi richifamba zvinhu zvichifamba. Asi tiri kusangana naye zvinhu zvakaoma, achikoniwa pabasa rake rokuredza. Anofanira kuva aishungurudzika, achizvibvunza mibvunzo yakawanda. Zvichabuda here? Zvichafamba here? Ndozvirega here? Vazhinji vedu tinoziva zvinoitika kana zvinhu zvisingafambe, uchikundikana. Zvinorwadza zvekuti dzimwe nguva unosvika pakuti ndozvirega. Unosvika pakuora mwoyo.
Vangani vedu vakapinda musvitsa vazere nechitarisiro? Zvinhu zvichifaya. Rudo ruzere. Mhuri ichikura. Asi zvakasvika pakuoma, takasvika pakukundikana mibvunzo ikatanga kunaya. Ndoenderera mberi here? Zvinobuda here? Pamwe pacho takasvika pakuzvitonga nokuzvipa mhosva.
Vangani vedu vakatanga mabhizimusi vazere nechitarisiro nomufaro mukuru? Nematangiro azvakaita taiti ramangwana rakajeka, tichabudirira. Asi takasvika pakukoniwa, zvakangoti mbombombo. Takasvika pakuodzwa mwoyo nokushunguridzika, tikatanga kuzviona samadofo.
Upenyu hune mhingidzo dzakawanda dzinotidzorera shure. Pauro achinyorera VaEfeso anoti, ‘Hondo yedu haisi hondo yenyama neropa asi yasimba asingaonekwi, masimba erima.’ Aiyeuchidza vagari vomuEfeso kuti hondo dzoupenyu ihondo namasimba enyika, masimba akatikomberedza, masimba anoda kutiparadza, anoda kukanganisa mweya yedu. Masimba anoda kutiita vanhu vakakoniwa, vanhu vakaruza. Masimba anotidzosera shure.
Izaya, watanzwa muchiverengo chokutanga, akasangana nehondo dzimwechetedzo. Nyika yake kakanga yapatsanurwa napakati. Hurumende youdzvanyiriri yakapamba chimwe chitsuwa vamwe ndokuendeswa kuupoteri kuBhabhironi kunobatiswa chibharo. Chitsuwa chakasara chakanga chava pakati pehondo yokupandukirana. Chitendero chakanga chadzikira. Unhu hwakanga hwarasika. Mambo Uzaya akanga arasika achiita zvinosvodesa. Vatungamiri vehurumende vaisada kumuteerera. Vanhu vaisada kumunzwa. Vamwe vaida kumuuraya. Panguva iyoyo Izaya anosvika pakuda kukanda mapfuumo pasi. Mweya wake wakaremerwa. Anotanga kuzvidya mwoyo. Asi Mwari anotaura naye. Anomuti ndinoda kukutuma uite basa rangu. Izaya aizviziva, aiziva kukoniwa kwake, aiziva paanogumira. Asi akaisa ruvimbo rwake muna Mwari akati hongu nditumei.
Pita panguva yaakanga akaomerwa akapiwa mukana. Akanzi naKristu imboedza zvandinokuudza. Akatora mukana iwoyo. Akapa Mwari chinhu choga chaaive nacho, chitarisiro noruvimbo kukundwa kwake kukashanduka kuva kukunda. Pita akabvuma kuti mutadzi, ndokuva dombo rakava hwaro hwakavakirwa Sangano naJesu. Jesu aiti kuna Pita, ‘Ndinoziva utera hwako. Ndinoziva kukoniwa kwako. Asi ndipe zvauinazvo ndikupe zvakakosha zvandiinazvo.’
Tikatarisa rungano rwaPauro, Pita naIzaya tinodzidza chidzidzo chikuru: kupa Mwari mukana. Izaya nounyanzvi hwake hwouporofita akapa Mwari mukana. Pita nounyanzvi hwake hwokuredza akapa Mwari mukana. Vamwe vedu nounyanzi hwedu tinotadza kupa Mwari mukana. Muchato wnagu haufi wakashanda ndinozviziva. Zvakakona. Vana vangu havadzoreki ndinozviziva zvakakona. Bhizimusi rangu harina kwarinoenda. Zvekwedu nzinozviziva. Mari yandinotambira ishoma handifi ndakatenga imba. Muvengi wangu ndinomuziva hapana chinoshanduka.
Asi Izaya naPita varikutiratidza kuti panaMwari hapana chisingagoneki. Vanhu vane mavanga kazhinji vanova varapi vakuru. Vanhu vaisiraradza kazhinji vanova vanunuri vevari mudambudziko redoro. Vanhu vanononoka kubata kazhinji vanoita varairidzi vembiri. Vakawanda vakanzi hauna tarenda rokumhanya vakazove nyadzvi. Vakawanda vainzi haugoni kuimba vakazova nomukurumbira.
Mukundi haakande mapfumo pasi, anoramwa haakundi. Mukundi anoisa zvose mumaoko aMwari. Kana tikasapa zvatiinazvo kuna Mwari tichatadza kukunda. Izaya saPita akapiwa mikana pakati pokukoniwa kwake. Akatora mukana iwoyo akati, ‘Ndiri pano, nditumei Tenzi.’ Pita akareurura matadzo ake akanzwa iwi raJesu richiti, ‘Usatya. Kubva nhasi uchava muredzi wavanhu.’ Pita akagamuchira mukana waakapiwa akava mutungamiriri wavapositori.
Mubvunzo ndowekuti iwe uchaita sei watarisana nokukoniwa kwako? Uchaona kukoniwa somukana wokukunda here? Uchaita saIzaya naPita here? Rangarira zviri kwauri kukunda kana kufoira. Hapana anokuitira basa. Chitendero chako ndochinokukundisa. Ukafunga kuti uri dofo uchava dofo. Ukatenda muna Mwari womupa zvose uchakunda. Pana Mwari hapana chisingagoneki. Asi zvose zviri mumaoko ako, kufuga kana kuwarira.
