Svondo rapera paseri Pauro Musande aitaura nezvezvinhu zvinotibatanidza (Masakaramende) uye zvinhu zvinotisiyanisa (Zvipo). Svondo rakapera aiti iye tiri muviri mumwechete. Svondo rino Pauro ari kuti iye ungava nechipo chakanaka sei asi kana usina rudo hausi chinhu. Ungava une simba rekuti gomo ibva apa enda apo asi kana usina rudo hausi chinhu. Ungava nechipo chekuparidza sei asi kana usina rudo wakafanana nedhiramu rinongonyaudza vanhu. Zvipo zvose zvinosvika pakupera. Asi pane zvinhu zvitatu zvisingapere: chitendero, chitarisiro norudo. Ini nhasi ndinoda kutaura nezverudo.
Hama dzadiwa, kana tasvika panyaya yerudo pane zvinhu zviviri kwete zvitatu. Pane rudo rwechokwadi uye pane rudo rwune miko. Unogona kuda munhu nemwoyo wose, mahara, pasina miko kana kuti unogona kuda munhu uchiisa miko parudo irworwo, uchiisa mhondwa. Asi kana uchida munhu womupa miganhu chokwadi ndechekuti haumude nekuti rudo rwechokwadi nderwemahara harwusi rwekutengeserana nemiko inofanira kuzadziswa.
Rudo rwechokwadi
Rudo rwechokwadi zvarwunoreva ndezvizvi: ndinokurwarira zvekuti ndinoda kugoverana newe zvakanaka zvose pachena. Rudo rwangu nderwemahara, haufanire kupuruvha chimwe chinhu kuti ugowana rudo rwangu.
Shamwari kana tasvika panyaya yerudo haisi nyaya yekukodzera kuwana rudo rwangu kana kusakondzera. Ini pandakakuda handina kumbozvinyepera kuti ’ndiwe woga, nyika yangu.’ Ini ndakagara ndangoziva kuti zviuya hazviwanane. Handiti kukufadza nenhema, pasi panototi pawane munhu ari nani kupinda iwe. Asi zvose izvozvo hazvina basa neni. Ini ndakakusarudza saka ndinokuda sezvauri.
Eric Fromm anonyora achitsoropodza rudo rune miko achiti iye, ’Rudo rune miko kana runongokusiya uchinyunyuta kuti pamwe handinyatsodiwa. Unenge usina kugadzikana nekuti hauzive kuti ndiri kuzadzisa zvinodiwa here. Unonzwa kakushandiswa kekuti kana ndisina kuita ichi dzimwe nguva ndinorambwa kana kuti hazvifambe zvakanaka.’
Rudo rwechokwadi rwunosunungura
Rudo rusina miko runosunungura, harushandise mumwe. Rudo rwechokwadi runoti
Shamwari sununguka zvako, pombonoka. Taura zvako pfungwa dzako, taura zvako zvaunonzwa usingatye. Handimbofa ndakakugumbukira kana kukupanicha nokuti wadurura zviri muninga remwoyo wako. Ini semunhu wenyama ndine nguva dzandinomudhurao asi handishanduke serwaivhi pashoko rangu rekuti ndinokuda. Ndinokuda sezvauri saka iwe sununguka kutaura zvakanaka nezvakaipa zvaunoona pandiri. Ukasandiudza handifembere. Ukandiudza unenge watondibatsira uye ukama hwedu hunobatsirikana.
Rudo rwechokwadi runoita kuti munhu akure
Rudo rwechokwadi runoita kuti munhu akure: akure pamweya uye agovimba nezvaari. Kune vazhinji vanotendera kuti munhu anosanduka kana kupinda mugwara nekutukwa kana kurohwa. Unonzwa vachiti mushonga wemwana kurova, mukadzi haajaidzwe. Asi mutsvagurudzo dzakaitwa kunyika yeAmerika zvakaonekwa kuti vasungwa vazhinji (80%), vanhu vanopedzisira vapara mhoswa vave mumajeri vanhu vakakura vachishungurudzwa navabereki. Kurova kana kutuka kunoita kuti vana vave nhinhi, hakubatsire. Rudo rwechokwadi rusina miko ndirwo rwunosandura munhu ruchimupa manyawi.
Rudo harufanire kuva nemiko. Kune vabereki vanopa rudo kuvana vavo kana vachinge vaita zvinovafadza. Mwana anodiwa nokuti agona muchikoro, mwana anodiwa nokuti ane hunhu. Chero kunanababa nekunanamai zvirikowo zvekare. Baba vanoda mai kana vachinge vakangirwa chekudya chakanaka, vanoda mai kana achinge vaita chakati. Maiwo vanoda baba kana vachinge vadzoka kumba nenguva. Saka unopiwa rudo chete kana uchinge wazadzisa chimwe chinhu. Rudo rwakadai nderwepamusika, pamaketi, unofanira kutenga rudo nekuita chimwe chinhu. Rudo rwakadai runoita kuti munhu asave zvaari asi aite zvinokufadza iwe kuitira kuti ugomupa rudo.
Nyaya yaCathrine
Zvino zvakazoitika ndezvekuti vamwe vabereki vakanga vaine mwana wavo wavaida zvikuru. Mwana uyu aive rudadiso. Aigona muchikoro uye aive neunhu hwakanaka. Asi rimwe zuva akanwa muchetura vabereki ndokunzwa mwana achichema ari mumba make. Vakaita chipata-pata ndokuenda naye kuchipatara. Paakamuka akaita chishamiso. akatanga kuita zvinhu zvaakanga asati amboita muupenyu hwake hwose. Akatanga kutuka nezvinyadzi. Mumwe mukoti aive padyo akakandwa chematsenga nzungu ndokujuja ropa. Kana nevabereki vakavhungwawo. Chiremba akamubaya jekisei rekuti arare. Mwana akarara ndokumuka pava paya. Paakamuka mai vakasvedera padyo zvikanzi, ’Nhai mwanangu chii?’ Iye ndokuti ’Ndanga ndichingonzwa kusvotwa nekuvenga zvinhu zvose.’ Zvikanzi ’Nesuwo vabereki vako here mwanangu?’ Iye ndokuti ’Kwete, ndanga ndichinyanyozvivenga ini pachangu.’
MuPsychiatrist akatora Ruva ndokunokurukura naye parutivi. Mushure mehurukuro dzavo akaenda kuvabereki vaRuva zvikanzi mwana wenyu ane dambudziko rokuti haavimbe nezvaari ndosaka anga afunga kuzviuraya. Vabereki vakakanuka zvikanzi ’Inga wani tinomuda, iye anoziva kuti mwana akanaka anoteerera.’ MuPsychiatrist uya akapindura akati
Ipapo ndipo pane dambudziko mwana wenyu anoziva kuti munomurumbidza muchimuti mwana akanaka, hamutarisire kuti akanganise. Saka nguva yose iyi akanga asingade kukurwadzai. Aiita zvose zvaaifunga kuti zvinokufadzai imi. Haana kumbobvira ava zvaari. Haana kumbobvira asununguka. Kubva nhasi munofanira kubvumidza mwana wenyu chero munhu kuva zvaari.
Nhasi pfundira mashoko aPauro erudo rwechokwadi ugoararama.
