Tanzwa MuShoko Rakanaka zvichinzi akauya kuNazareta KWAAKANGA AKARERWA. Haana kukanganwa kumusha. Iyi ngatimboisiyai.
Zvanziwo akapinda muSinagogu musiwe Sabata ‘SAMAITIRO AKE’. Musinagogu mainamatwa nokuparidzwa shoko. Maidzidziswa chitendero. Apa tinoona kuti Jesu aitoendawo kuchechi kunonamata nokudzidziswa chitendero. Aibatana nevamwe. Hazvina kunzi akapfuura napachechi asi kuti ‘samaitiro ake’, kureva kuti aive netsika yokupinda muchechi. Kakanga kasiri kekutanga kuenda kuchechi.
Izvi zvinoreva kuti isu savatendi tine chisveru. Tine tsika here yokuuya kuchechi? Kana kuti tine kumwe kwatinozivikanwa kuenda svondo roga-roga kupfuura kuchechi? Mumwe mwana akapfuura nepabhawa zvikanzi ‘mhamha pari kunhuwa baba’. Akadaro nokuti ndipo pavaitambira. Iwe unotambira kupi nguva zhinji?
Jesu, anotaura pane imwe nguva navabereki vake achiti ‘hamuzivi here kuti ndinofanira kunge ndiri mumba mababa vangu’. Inorasikira kwayakajaira. Mombe hainetsi kuwana inorasikira kwayakajaira. Kunyange vana vanorasikira kwavakajaira. Ngativajaidzei vana kuuya kuchechi, vagorasikira kuchechi.
Jesu haana kungopinda musinagogu chete. Akasimuka, akapiwa Shoko ndokuverenga akaparidza. Apoka apo! Haana kungopinda muchechi ndokugara asina chaaiita. Zvino tine vamwe vatenderi vanouya kuzoona zviri kuitika nokuzotaura zvavaona, pamwe kutosvora. Mutenderi munhu anouya kuchechi kwete kuzoona chete asi kuti zvinhu zviitike. Anobata pamwe nevamwe achibatsira pane zvinodiwa. Mumwe ukamuti paridza anoshaya pokunyura.
Amire mberi kwavo Jesu anotsanangura donzo rake. Anotaura basa raakavinga kuzoita. Asi zvinhu izvi haasi kuti ndichazviita nesimba rangu ndoga. Ari kuti Mweya ari pandiri. Mweya wandakapiwa pabhabhatisimo. Mweya akandipa simba rokuzadzisa daidzo yangu. Mweya ndiye anogonesa. Harisi simba rangu noungwaru hwangu. Vose vanobvuma kutungamirirwa naMweya ndivo vana vaMwari.
Nyaya
Ukapa munhu uta nomuseve womuti ‘Shudha!’, anokanuka agovhiringika achibvunza kuti ‘Ndipfuure chii?’ Anodaro nokuti kana pasina chokushudha hazvibatsire, hapana chikonzero chokukanda miseve. Kungatova kutambisa miseve.
Asi kana ukati kumunhu uri kuona shiri iyo ndinoda kuti uinange, uipfuure, panenge patova nomusiyano. Watomupa charenji yokuti aratidze unyanzvi hwake, ava nechinomuonesa kugona kwake kana kukundikana kwake. Ava kuziva pokupedzera simba nenguva.
Chinangwa chakakosha muupenyu hwomunhu. Chinoshandura maonero edu. Iwe neni takapiwa upenyu naizvozvo mubvunzo wokutanga ndowekuti ndoitei noupenyu uhu? Chinangwa changu ndechipi?
MuShoko Rakanaka ranhasi Jesu anodudza chinangwa chake. Anoti ndakauya kuti:
– ndisvitse Dama Rakanaka kuvarombo.
– ndiparidzire vasungwa rusununguko.
– ndisvinudze mapofu maziso.
– ndifaranutse vakadzvinyirirwa.
– ndiparidzire gore raMwari reNyasha.
Jesu aive neurongwa huri pachena. Isuwo tinofanira kuva neurongwa huri pachena. Munhu haagone kurarama zvizere asina urongwa. Urongwa hwakafanana nomweya wekufema. Pasina urongwa unenge uchingopupuruka semhepo. Urongwa hunokubatsira kuti uzive kwauri kuenda, uye zvauchanoita kana wasvika ikoko.
1. Urongwa hunobatsira kusatambisa nguva.
Kana uine urongwa unoisa pfungwa dzako pamwechete ugorega kutambisa pfungwa nezvisina maturo. Hapana kure kwaunosvika murwendo rweupenyu kana uchingofamba usina chinangwa. Ndosaka muShoko Rakanaka tiri kuudzwa kuti Jesu aive nechinangwa chiri pachena. Aida kubatsira varombo, mapofu, vakadzvanyirirwa, nokuparidza.
Urongwa hwaJesu hwaiva pachena. Nokuda kwaizvozvo haana kutora mazana amakore kuita basa rake, akangotora makore matatu chete. Kuva nechinangwa kunoita kuti usatambise nguva.
2. Kuva nechinangwa kunoita kuti usapararire.
Kana usina chinangwa unenge uchingodzungaira. Chinangwa chinoita kuti umire nechinhu chimwechete. Unoisa pfungwa dzako nesimba rako rose pachinhu ichocho. Chinangwa chinokupa chikonzero chekumuka mangwanani oga oga. Chinokupa chirevo nyangwe upenyu huome sei. Chinangwa chinoita kuti uone kugona kwako.
3. Chinangwa chinoita kuti uone kuti uri kufambira mberi here kana kuti kwete.
Pasina mupimo, pasina chinangwa, hauzive kuti uri kufambira mberi here kana kuti kwete. Chinangwa chinokupa gwara. Chinoitawo kuti ushande nesimba rakapetwa.
4. Chinangwa chinoita kuti uve munhu akarongeka, akazvibata.
Nguva, upenyu, nemari zvakakosha muupenyu huno. Kana usina chinangwa unotambisa zvipo zvaMwari izvi. Kana uine chinangwa unochengeta zvipo izvi. Kana uine chinangwa unozvibata. Unogona kuti kwete kune zvimwe zvinhu zvinokutsaura pachinangwa chako.
Kadhinari Nyumeni
Mwari akandisikira chinangwa
Akandipa basa raasina kupa mumwe munhu.
Ndine chinangwa changu muupenyu.
Ndiri pakati pomubatanidzwa wavanhu.
Naizvozvo ndichavimba naMwari.
Kana ndiri muurwere, urwere hwangu huchaitira Mwari.
Kana ndiri parumananzombe, izvozvo zvichaitira Mwari.
Mwari haana kundisikira nhando.
Anoziva zvaakandisikira.
